Online Bible

- Reklamy -

Joshua 11 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mamŋe maguta akakundwa naJoshua.

1 Ɀino Jabini, mambo weHazori wakati aciɀinzwa, akatuma nhume kunaJobabi, mambo weMadoni, nokunamambo weShimroni, nokunamambo weAkshafi,

2 nokuna‐madzimambo akaŋga ari kurutiʋi rwokumsoro, panyika yeɀikomo, nomumupata kurutiʋi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuɀikomo ɀapaDori, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa,

3 nokuʋaKanani kurutiʋi rwamabvazuʋa nokumaʋirira, naʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaJebusi, panyika yamakomo, naʋaHivi ʋakaŋga ʋagere mujiŋga meHermoni, panyika yeMizpa.

4 Ʋakaɓuɗa, iʋo nehondo dzaʋo dzose dzaʋakaŋga ʋanadzo, ʋari ʋazhinji, sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa nokuwanda, namabiza neŋgoro zhinji‐zhinji.

5 Madzimambo awa ose akaʋuŋgana, ʋakaʋuya pamŋe cete kuʋaka misasa yaʋo pamvura yeMeromi, kuzorwa naʋaIsraeri.

6 Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti maŋgwana neŋguʋa ino ndicaʋaisa ʋose mumaʋoko ako, ʋaʋurawe pamberi paʋaIsraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto.

7 Ɀino Joshua akaʋuya pakarepo, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, kuti arwe naʋo pamvura yeMeromi, akaʋaʋamba.

8 Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋga kuȿikira paguta guru Zidoni, nokuȿikira Misrefoti‐maimi, nokuȿikira kumupata weMizpe kumabvazuʋa; ʋakaʋaʋuraya kuȿikira ʋasina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe cete.

9 Joshua akaʋaitira seɀaakaŋga arairwa naJehova; akagura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto.

10 Neŋguʋa iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akaʋuraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutaŋga Hazori waiʋa muzinda woʋushe ibgo bgose.

11 Ʋakaʋuraya ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo neminondo inopinza, ʋakaʋaparadza cose; hakunecinhu cimŋe cinofema cakasara; ʋakapisa Hazori nomŋoto.

12 Joshua akakunda ʋo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akaʋaʋuraya neminondo inopinza, akaʋaparadza cose; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi muranda waJehova.

13 Asi maguta akaŋga ari paɀikomo ɀaʋo, ʋaIsraeri haʋana‐kuapisa kunyaŋge nerimŋe cete, asi Hazori cete; Joshua wakapisa irero.

14 Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa ɀose ɀaʋakapamba ɀamaguta iwayo, neŋombe; asi ʋakaʋuraya ʋarume ʋose neminondo inopinza, kuȿikira ʋaʋaparadza; haʋana‐kusiya kunyaŋge necinhu cimŋe cete cinofema.

15 Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi muranda wake naJehova, ndiɀo Mosesi ɀaakaraira Joshua; Joshua akaita saiɀoɀo, haana‐kusiya cinhu cimŋe cete paɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

16 Saiɀoɀo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, neɓani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsraeri, neɓani rayo;

17 kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kuȿikira paBaari‐gadi pamupata weRebanoni, mujiŋga megomo reHermoni; akakunda madzimambo aro ose, akaʋaparadza nokuʋaʋuraya.

18 Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuʋa mazhinji.

19 Hakuneguta rakayanana naʋaIsraeri, asi ʋaHivi ʋakaŋga ʋagere Gibeoni; ʋakakunda ɀose pakurwa.

20 Nokuti Jehova ndiye wakawomesa mŋoyo yaʋo, kuti ʋarwe naʋaIsraeri, kuti aʋaparadze cose, ʋarege kunzwirwa tsitsi; asi aʋaparadze, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

21 Neŋguʋa iyo Joshua akaenda akaparadza ʋaAnaki panyika yamakomo, paHebroni, napaDebiri, napaAnabi, napanyika yose yamakomo yaJuda, napanyika yose yamakomo yaIsraeri; Joshua akaʋaparadza cose pamŋe cete namaguta aʋo.

22 Hakuna‐kuʋaAnaki wakasara panyika yaʋana ʋaIsraeri; asi paGaza, napaGadi, napaAshdodi ndipo pakasara ʋamŋe.

23 Joshua akakunda saiɀoɀo nyika yose seɀose ɀakaʋudzwa Mosesi naJehova; Joshua akaipa ʋana ʋaIsraeri, kuti iʋe nhaka yaʋo, seɀaʋakaŋga ʋakamurwa namarudzi aʋo. Nyika ikazorora pakurwa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy