Jona 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jona unotsamŋa, asi Jehova unomuraira. 1 Asi ɀakaʋodza mŋoyo waJona kwaɀo, akatsamŋa. 2 Akanyeŋgetera Jehova, akati: Haiwa, Jehova, ha ndiɀo ɀandakataura, ndiciri munyika yaŋgu here? Saka ndakacimbidzika kutizira Tarshishi; nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kuti muri Mŋari unenyasha, uneŋgoni, usiŋgacimbidziki kutsamŋa, uzere noʋunyoro, muciɀiɗemba pamakafuŋga kuʋuyisa ɀakaipa. 3 Saka Jehova, ɀino cinditorerai henyu ʋupenyu bgaŋgu; nokuti ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame. 4 Jehova akati: Ɀakanaka here ɀawatsamŋa? 5 Ipapo Jona akaɓuɗa muguta, akandogara kurutiʋi rwamabvazuʋa rweguta, akaɀiʋakira’po musasa, ndokugara’mo mumumvuri, aciti ndigoʋona ɀicaitirwa guta. 6 Jehova Mŋari ndokuraira muti womucindwe, akaumeresa kumsoro kwaJona, kuti uʋe mumvuri pamusoro wake, shuŋgu dzake dzinyaradzwe. Ɀino Jona akafarira kwaɀo muti womucindwe. 7 Asi nezuʋa rakateʋera Mŋari wakaraira gonye maŋgwanani, rikamunya mucindwe, ukaȿaʋa. 8 Ɀino zuʋa rakati riciɓuɗa, Mŋari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuʋa; zuʋa rikaɓaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati: Ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame. 9 Mŋari akati kunaJona: Ɀakanaka here ɀawatsamŋira mucindwe? Akati: Ɀakanaka kuti nditsamŋe, kuȿikira parufu pamene. 10 Jehova akati: Iwe wakaŋga unetsitsi nomuti womucindwe wausina‐kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera noʋusiku ʋumŋe, ukaparara ɀe noʋusiku ʋumŋe; 11 ko ɀino ini handizaifanira kuʋa netsitsi neNineve, riya guta guru, munaʋanhu ʋanopfuʋura ɀuru ɀinezana namakumi maʋiri, ʋasiŋgaziʋi kuti ruʋoko rwaʋo rworudyi kana ruʋoko rwaʋo rworuɓoshwe ndorupi, ʋuye ɀipfuwo ɀizhinji here? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society