Online Bible

- Reklamy -

Jona 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jona unotumŋa ɀe Nineve. Ʋanhu ʋanotendeʋuka.

1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika rwecipiri kunaJona, riciti:

2 Simuka, uende Nineve, riya guta guru, undoriparidzira ɀandicakuraira kuti uparidze.

3 Ipapo Jona akasimuka, akaenda Nineve, seɀaakarairwa neshoko raJehova. Ɀino Nineve raiʋa guta guru‐guru, rwendo rwamazuʋa matatu kurupoteredza.

4 Jona akataŋga kupinda muguta, acifamba rwendo rwezuʋa rimŋe, akaɗana, aciti: Kwasara mazuʋa anamakumi manna, ipapo Nineve ricaparadzwa.

5 Ʋanhu ʋeNineve ʋakatenda Mŋari, ʋakatara ŋguʋa yokuɀinyima ɀokudya, ʋakafuka masaga, kubva kuʋakuru pakati paʋo kuȿikira kuʋaɗuku pakati paʋo.

6 Shoko rikaȿika kunamambo weNineve, akasimuka pacigaro cake coʋushe, akabvisa ŋguʋo yake, akafuka saga, nokugara mumaɗota.

7 Akaraira, akaparidza muNineve rose cireʋo camambo necaʋakuru ʋake, aciti: Ʋanhu kana ɀipfuwo, kana ŋombe kana makwai, ŋgaɀirege kutoŋgoraʋira cinhu, ŋgaɀirege kufura kana kunwa mvura;

8 asi ʋanhu neɀipfuwo ŋgaɀifukidzwe masaga, ŋgaʋaɗane kunaMŋari nesimba; ŋgaʋatendeʋuke mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaʋoko ake.

9 Ndianiko uŋgaziʋa, ɀimŋe Mŋari uŋgadzoka akaɀiɗemba, akadzoka pakutsamŋa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?

10 Mŋari akaʋona ɀaʋakaita, kuti ʋakatendeʋuka panzira yaʋo yakaipa, Mŋari akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakati ndicaʋaitira; akasaɀiita.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy