Jona 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jona unonyeŋgetera ari mukati mehoʋe. 1 Ipapo Jona akanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wake ari muɗumbu rehoʋe. 2 Akati: Ndakaɗana kunaJehova ndiri munhamo yaŋgu, Akandipindura; Ndakaɗana ndiri muɗumbu reSheori, Imi mukanzwa inzwi raŋgu. 3 Nokuti makandikandira makadzika, mukati momŋoyo weguŋgwa, Mvura zhinji yakaŋga yandikomberedza; Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu. 4 Ndikati: Ndarashwa, hamucandiʋoni; Asi ndicariŋgira ɀe kutembere yenyu tȿene. 5 Mvura zhinji yakandikomberedza, kuȿikira kumŋeya waŋgu; Pakadzika pakaŋga pandipoteredza; Maharaŋgwe akaŋga amonera musoro waŋgu. 6 Ndakaɓurukira kumaʋambiso amakomo; Nyika neɀipfigiso ɀayo ɀakandipfigira’mo nokusiŋgaperi; Kunyaŋge ɀakaɗaro makaɓuɗisa ʋupenyu bgaŋgu pagomba, imi, Jehova Mŋari waŋgu. 7 Mŋeya waŋgu wakati uciziya mukati maŋgu, ndikaraŋgarira Jehova; Munyeŋgetero waŋgu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tȿene. 8 Ʋanoraŋgarira ɀisinamaturo ɀenhema Ʋanorasha nyasha yaʋo. 9 Asi ndicakuɓayirai nenzwi rokuʋoŋga; Ndicaripa ɀandapika. Ruponeso runobva kunaJehova. 10 Jehova akataura nehoʋe, ikandorutsira Jona panyika yakawoma. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society