Online Bible

- Reklamy -

Johane 21 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jesu unoɀiratidza kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi.

1 Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaɀiratidza ɀe kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi; akaɀiratidza kuɗai:

2 ƲanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanaeri, weKana yeGarirea, naʋanakomana ʋaZebedi, naʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake, ʋakaŋga ʋari pamŋe cete.

3 Simoni Petro akati kwaʋari: Ndondoɓata hoʋe. Ʋakati kwaari: Nesu tinoenda ʋo newe. Ʋakaɓuɗa, ʋakapinda mugwa; asi ʋusiku ubgo haʋana‐kuɓata cinhu.

4 Ɀino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi ʋadzidzi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti ndiJesu.

5 Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ʋana, muneciseʋo here? Ʋakamupindura, ʋaciti: Kwete.

6 Akati kwaʋari: Kandai rutaʋa kurutiʋi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo ʋakakanda, ʋakasagona ɀino kurukweʋa nokuwanda kwehoʋe.

7 Ɀino mudzidzi uya, waiɗikanwa naJesu, akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati acinzwa kuti ndiShe, akasuŋga ŋguʋo yake, nokuti wakaŋga asina, akaɀiwisira muguŋgwa.

8 Asi ʋamŋe ʋadzidzi ʋakaʋuya nekagwa, ʋacikweʋa rutaʋa runehoʋe, nokuti ʋakaŋga ʋasi kure nenyika asi makubiti aneŋge mazana maʋiri.

9 Ɀino ʋakati ʋaȿika panyika, ʋakaʋona mŋoto wamazimbe waʋeswa, nehoʋe yakaiswa pamsoro pawo, neciŋgwa.

10 Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai nedzimŋe hoʋe dzamakaɓata ɀino.

11 Simoni akakwira mugwa, akakweʋera rutaʋa panyika, rwakaŋga ruzere nehoʋe huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyaŋge dzaiʋa zhinji dzikaɗai, rutaʋa haruna‐kubvaruka.

12 Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai, muȿuȿure. Kwakaŋga kusinomumŋe waʋadzidzi ʋake wakatsuŋga kumubvunza, kuti: Ndimi aniko? Ʋaciziʋa kuti ndiyeShe.

13 Ɀino Jesu akaenda, akatora ciŋgwa, akaʋapa, nehoʋe ʋo saiɀoɀo.

14 Urwu rwaiʋa rwecitatu, Jesu rwaakaɀiratidza kuʋadzidzi ʋake amuka kuʋakafa.

15 Ɀino ʋakati ʋaȿuȿura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni kupfuʋura aʋa here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana aŋgu.

16 Akati kwaari ɀe rwecipiri: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Ceŋgeta makwai aŋgu.

17 Akati kwaari rwecitatu: Simoni, mŋanakomana waJona: Unondiɗa here? Petro akarwadziwa mŋoyo, nokuti wakati kwaari rwecitatu: Unondiɗa here? Akati kwaari: Ishe, munoziʋa ɀose; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai aŋgu.

18 Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Uciri jaya, waiɀisuŋga ciʋuno, ucifamba kwawaiɗa; asi kana wakwegura, ucatambanudza maʋoko ako, mumŋe ucakusuŋga ciʋuno, acikuisa kwausiŋgaɗi.

19 Wakareʋa iɀoɀo, acifananidza kufa kwaaizokudza Mŋari nako. Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akati kwaari: Nditeʋere.

20 Petro akatendeʋuka, akaʋona uya mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, aciteʋera; ndiye ʋo wakasendamira pacifuʋa cake pacirayiro, aciti: Ishe, ndianiko ucakupandukirai?

21 Ɀino Petro wakati acimuʋona, akati kunaJesu: Ishe, ko uyu ucaitweiko?

22 Jesu akati kwaari: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe? Unditeʋere iwe.

23 Ɀino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haaŋgazofi. Asi Jesu haana‐kureʋa kwaari, kuti haaŋgazofi, asi kuti: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe?

24 Ndiyoyu mudzidzi unopupura iɀoɀi, wakaɀinyora ʋo; tinoziʋa kuti kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi.

25 Ɀimŋe ɀizhinji ɀiri’ko, ɀakaitwa ʋo naJesu; kana ɀainyorwa cimŋe necimŋe, ndinoti kunyaŋge nenyika yose haiŋgariŋgani buku dziŋganyorwa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy