Online Bible

- Reklamy -

Johane 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kumuka kwaJesu.
( Mat 28:1–6 ; Mar 16:1–8 ; Ruka 24:1–12 )

1 Ɀino nomusi wokutaŋga weviki Maria Magdarene wakaenda kubgiro maŋgwanani, kucakaȿiɓa; akaʋona ibge rabviswa pabgiro.

2 Akamhanya, akaenda kunaSimoni Petro nokunomumŋe mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, akati kwaʋari: Ʋabvisa Ishe mubgiro, hatiziʋi paʋakamuisa.

3 Ɀino Petro akaɓuɗa nouya mumŋe mudzidzi, ʋakaenda kubgiro.

4 Ʋakamhanya ʋose ʋari ʋaʋiri; uya mumŋe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akataŋga kuȿika pabgiro,

5 akakotama aciɗoŋgorera, akaʋona miceka iri pasi, asi haana‐kupinda.

6 Ɀino Simoni Petro akaȿika ʋo, akapinda mubgiro, akaʋona miceka iri pasi;

7 nomuceka muɗuku, wakaŋga uri mumusoro wake, usati uri kunemimŋe miceka, asi wakapetwa uri pamŋe woga.

8 Ɀino uya mumŋe mudzidzi akapinda ʋo, iye wakataŋga kuȿika pabgiro, akaʋona, akatenda.

9 Nokuti ʋakaŋga ʋacigere kunzwisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuʋakafa.

10 Ɀino ʋadzidzi ʋakadzokera ɀe kumusha kwaʋo.


Jesu unoɀiratidza kunaMaria.

11 Asi Maria wakaramba amire kunze kwobgiro, acicema; ɀino acacema, akakotama, akaɗoŋgorera mubgiro.

12 Akaʋona ʋatumŋa ʋaʋiri, ʋaneŋguʋo cena, ʋagere, mumŋe kumusoro, mumŋe kumakumbo, ipapo pakaŋga paiswa mutumbu waJesu.

13 Iʋo ʋakati kwaari: Mai, munocemeiko? Akati kwaʋari: Nokuti ʋakabvisa Ishe waŋgu, ɀino handiziʋi kwaʋakamuisa.

14 Ɀino wakati acireʋa iɀoɀo, akatendeʋukira shure, akaʋona Jesu amire; asi haana‐kuziʋa kuti ndiJesu.

15 Jesu akati kwaari: Mai, munocemeiko? Munotȿaka aniko? Iye aciti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiʋudzei pamamuisa, ndindomutora.

16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeʋuka, akati kwaari neciHeberu: Raboni; ndokuti: Mudzidzisi.

17 Jesu akati kwaari: Usandiɓata, nokuti ndicigere kukwira kunaƂaɓa ʋaŋgu; asi enda kuhama dzaŋgu, uti kwaʋari: Ndinokwira kunaƂaɓa ʋaŋgu naƂaɓa ʋenyu, kunaMŋari waŋgu naMŋari wenyu.

18 Maria Magdarene akaenda, akaʋudza ʋadzidzi, aciti: Ndaʋona Ishe, ʋuye kuti wakaŋga aʋudzwa ɀinhu iɀi naye.


Jesu unoɀiratidza kuʋadzidzi, Tomasi asi’po.
( Ruka 24:36–49 )

19 Ɀino aʋa maɗeko pazuʋa iro rokutaŋga reviki, mikoʋa yapfigwa paʋakaŋga ʋari ʋadzidzi nokutya ʋaJuda, Jesu akaʋuya, akamira pakati paʋo, akati kwaʋari: Rugare kwamuri!

20 Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake norutiʋi rwake. Ʋadzidzi ʋakafara ʋaciʋona Ishe.

21 Jesu akati ɀe kwaʋari: Rugare kwamuri! Ƃaɓa seɀaʋakandituma, neni ndinokutumai ʋo.

22 Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akafemera kwaʋari, akati kwaʋari: Gamucirai Mŋeya Mutȿene.

23 Aʋo, ʋamunokaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, ʋaɀikaŋganwirwa; aʋo, ʋamunoɓata ɀiʋi ɀaʋo, ɀaɓatwa.


Jesu unoɀiratidza kuʋadzidzi, Tomasi aʋa’po.

24 Ɀino Tomasi, wainzi Didimo, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaŋga asi’po paʋari, pakuʋuya kwaJesu.

25 Ɀino ʋamŋe ʋadzidzi ʋakati kwaari: Taʋona Ishe. Iye akati kwaʋari: Kana ndikasaʋona maʋaŋga embambo muɀanza ɀake, nokuisa munwe waŋgu paiʋa nembambo, nokuisa ruʋoko rwaŋgu murutiʋi rwake, handiŋgatoŋgotendi.

26 Ɀino mazuʋa masere akati apfuʋura ɀe, ʋadzidzi ʋakaŋga ʋari’mo mukati, naTomasi anaʋo. Jesu akaʋuya, mikoʋa yapfigwa, akamira pakati paʋo, akati: Rugare kwamuri!

27 Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, uruise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda.

28 Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe waŋgu, naMŋari waŋgu!

29 Jesu akati kwaari: Watenda, nokuti wandiʋona? Ʋacaropafadzwa ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kuʋona.

30 Ɀino Jesu wakaita ɀimŋe ɀiratidzo ɀizhinji pamberi paʋadzidzi ʋake, ɀisina‐kunyorwa mubuku iyi;

31 asi iɀi ɀakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mŋanakomana waMŋari; ʋuye kuti, mucitenda, muʋe noʋupenyu muzita rake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy