Online Bible

- Reklamy -

Johane 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jesu unoshandura mʋura ikaʋa waini.

1 Nezuʋa retatu mutambo wokuwana waiʋa’po paKana yeGarirea; namai ʋaJesu ʋakaŋga ʋari’po.

2 NaJesu naʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaɗanwa ʋo kumutambo wokuwana.

3 Waini yakati icizoshaikwa, mai ʋaJesu ʋakati kwaari: Haʋacinewaini.

4 Jesu akati kwaʋari: Ndineiko nemi, mai? Ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika.

5 Mai ʋake ʋakati kuʋaranda: Itai ɀose ɀaanokuʋudzai.

6 Ɀino kwakaŋga kunamakate matanhatu amabge, akaŋga aiswa’po netsika yaʋaJuda yokuɀinatsa, rimŋe nerimŋe raizadzwa neɀiyero ɀiʋiri kana ɀitatu.

7 Jesu akati kwaʋari: Zadzai makate nemvura. Iʋo ʋakaazadza kuȿikira pamiromo.

8 Akati kwaʋari: Cerai ɀino muise kumukuru womutambo. Ʋakandoisa.

9 Ɀino mukuru womutambo wakati araʋira mvura yakashanduka waini, asiŋgaziʋi payabva, (asi ʋaranda, ʋakaŋga ʋacera mvura, ʋaiziʋa), mukuru womutambo akaɗana cikomba,

10 akati kwaari: Munhu mumŋe nomumŋe unositaŋga aɓuɗisa waini yakanaka, neisiŋganaki kana ʋanwa kwaɀo; asi iwe waceŋgeta waini yakanaka kuȿikira ɀino.

11 Ici ciratidzo cake cokutaŋga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubginya kwake; ʋadzidzi ʋake ʋakatenda kwaari.

12 Shure kwaiɀoɀo wakaɓurukira Kapernaume, iye namai ʋake naʋanuŋuna, naʋadzidzi ʋake; akagara’po mazuʋa mashomanene.


Jesu unonatsa tembere.
( Mat 21:12–17 ; Mar 11:15–18 ; Ruka 19:45–48 )

13 Paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo; ɀino Jesu akakwira Jerusarema.

14 Akawana mutembere ʋaiteŋgesa ŋombe namakwai nenjiʋa, naʋaitsinhanha mari, ʋagere’mo.

15 Akaruka tyaʋa yorwonzi, akaɓuɗisa mutembere makwai neŋombe ɀose; akaparadza mari yaʋaitsinhanha, nokuwisa matafura aʋo.

16 Akati kunaʋaiteŋgesa njiʋa: Bvisai ɀinhu iɀoɀo muno; musaita imba yaƂaɓa ʋaŋgu imba yokuteŋgesera.

17 Ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira kuti kwakanyorwa, kucinzi: Kushiŋgairira imba yenyu kucandipedza.

18 Ɀino ʋaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Uŋgatiratidza ciratidzo ceiko, ɀaunoita ɀinhu iɀoɀo?

19 Jesu akapindura, akati kwaʋari: Putsai tembere iyi, ini ndicaimutsa ɀe namazuʋa matatu.

20 Ɀino ʋaJuda ʋakati: Tembere iyi yakaʋakwa namakore anamakumi manna namatanhatu, ɀino iwe uŋgaimutsa namazuʋa matatu here?

21 Asi iye wakaŋga acireʋa tembere yomuʋiri wake

22 Ɀino wakati amutswa kuʋakafa, ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira, kuti wakaŋga areʋa iɀoɀo; ʋakatenda Rugwaro neshoko rakaŋga rarebga naJesu.

23 Ɀino ŋguʋa yaakaŋga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, ʋazhinji ʋakatenda kuzita rake, ʋaciʋona ɀiratidzo ɀaaiita.

24 Asi Jesu haana‐kuɀiisa mumaʋoko aʋo, nokuti wakaŋga aciʋaziʋa ʋose.

25 Wakaŋga asiŋgatȿaki kuti munhu mumŋe apupure ɀomunhu; nokuti wakaŋga aciziʋa iye ɀiri mumunhu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy