Online Bible

- Reklamy -

Johane 19 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino Pirato wakatora Jesu, akamuroʋesa.

2 Ʋarwi ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakaiisa pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku,

3 ʋakaʋuya kwaari, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa namaʋoko.

4 Ipapo Pirato akaɓuɗa ɀe, akati kwaʋari: Tarirai, ndamuɓuɗisira kwamuri, muziʋe kuti handiwani mhoȿa kwaari.

5 Jesu akaɓuɗa, akadzika korona yeminzwa, aneŋguʋo tȿuku. Pirato akati kwaʋari: Tarirai munhu!

6 Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari.

7 ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Isu tinomurairo, ɀino nomurairo weɗu unofanira kufa, nokuti wakaɀiita Mŋanakomana waMŋari.

8 Ɀino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya.

9 Akapinda ɀe mumba momuɓati, akati kunaJesu: Uri wepiko? Asi Jesu haana‐kumupindura.

10 Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziʋi su kuti ndinesimba rokukusunuŋgura, nesimba rokukuroʋera pamucinjikwa?

11 Jesu akamupindura, akati: Hauŋgatoŋgoʋi nesimba pamsoro paŋgu, kana usina‐kuripiwa ricibʋa kumsoro; naiɀoɀo wakandiisa kwauri, uneɀiʋi ɀinokunda ɀako.

12 Ɀino Pirato akatȿaka kumusunuŋgura; asi ʋaJuda ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Kana mukasunuŋgura munhu uyu, hamuzi shamŋari yaKesari; mumŋe nomumŋe, unoɀiita mambo, unoramba Kesari.

13 Ɀino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akaɓuɗisa Jesu, akagara pacigaro cokutoŋga, panɀimbo yainzi Pakaroŋgwa naMabge, asi neciHeberu Gabata.

14 Ɀino wakaŋga uri musi woKugadzirira paseka; yaiʋa nguʋa ineŋge yecitanhatu. Akati kuʋaJuda: Tarirai Mambo wenyu!

15 Iʋo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Bvisai, bvisai, mumuroʋere pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Ndoroʋera Mambo wenyu pamucinjikwa here? Ʋaprista ʋakuru ʋakapindura, ʋaciti: Hatinamambo, asi Kesari cete.

16 Ipapo akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋakaenda naJesu;


Jesu unoroʋerwa pamucinjikwa.
( Mat 27:32–56 ; Mar 15:21–41 ; Ruka 23:26–49 )

17 akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota,

18 paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati.

19 Pirato akanyora ʋo rugwaro, akaruisa pamucinjikwa; kwakaŋga kwakanyorwa, kucinzi: JESU WENAZARETA, MAMBO WAƲAJUDA.

20 Ɀino ʋaJuda ʋazhinji ʋakaraʋa rugwaro urwo; nokuti nɀimbo iyo pakaŋga pakaroʋerwa Jesu pamucinjikwa, yaiʋa pedyo neguta; rwakaŋga rwakanyorwa neciHeberu, neciRoma, neciGiriki.

21 Ipapo ʋaprista ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakati kunaPirato: Musanyora muciti: Mambo waʋaJuda, asi kuti, Iye wakati: Ndiri mambo waʋaJuda.

22 Pirato akapindura, akati: Ɀandanyora, ndanyora.

23 Ɀino ʋarwi ʋakati ʋaroʋera Jesu pamucinjikwa, ʋakatora ŋguʋo dzake, ʋakaita migoʋe minna, murwi mumŋe nomumŋe mugoʋe wake; neŋguʋo yapasi ʋo. Ɀino ŋguʋo iyi yakaŋga isina‐pakasonwa, asi yakaŋga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo.

24 Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu. Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi.

25 Ɀino pamucinjikwa waJesu pakaŋga pamire mai ʋake, nomunuŋuna wamai ʋake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdarene.

26 Ɀino Jesu wakati aciʋona mai ʋake, nomudzidzi waaiɗa, amire’po, akati kunamai ʋake: Mai, tarirai, mŋanakomana wenyu.

27 Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai ʋako. Kubva paŋguʋa iyo mudzidzi akaʋatora, akaʋaisa kumba kwake.

28 Shure kwaiɀoɀo, Jesu wakati aciziʋa kuti ɀose ɀapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota.

29 Pakaŋga pamire’po hari izere nevinega; ɀino ʋakaisa cipanje cizere nevinega parutanda rwehisopi, ʋakaruisa kumuromo wake.

30 Ɀino Jesu wakati agamucira vinega, akati: Ɀapera! akakotamisa musoro wake, akapa Mŋari mŋeya wake.

31 Ɀino ɀawaiʋa musi woKugadzirira paseka, ʋaJuda ʋakakumbira kunaPirato kuti makumbo aʋo avunwe, ʋabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamucinjikwa nesaɓata, nokuti zuʋa iro resaɓata raiʋa guru.

32 Naiɀoɀo ʋarwi ʋakaʋuya, ʋakavuna makumbo owokutaŋga, noomumŋe wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye;

33 asi ʋakati ʋaciȿika kunaJesu, ʋaciʋona kuti watofa hake, haʋana‐kuvuna makumbo ake,

34 asi mumŋe murwi wakaɓaya rutiʋi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura ɀikaɓuɗa.

35 Uyo wakaʋona, ndiye wakapupura, ʋuye kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi; iye unoziʋa kuti unoreʋa ɀirokwaɀo, kuti nemi ʋo mutende.

36 Nokuti iɀoɀo ɀakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake hariŋgavunwi.

37 Norumŋe Rugwaro ɀe runoti: Ʋacatarira uyo waʋakabvoʋora.


Kuʋigwa kwaJesu.
( Mat 27:57–66 ; Mar 15:42–47 ; Ruka 23:50–56 )

38 Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake

39 NaNikodimo ʋo, iye wakamboʋuya kwaari pakutaŋga ʋusiku, wakaʋuya anemura nearosi ɀakaveŋganiswa, mapaundi aneŋge zana.

40 Ipapo ʋakatora mutumbu waJesu, ʋakauputira nemiceka pamŋe cete neɀinonhuwira, seɀinoita ʋaJuda pakuʋiga kwaʋo.

41 Panɀimbo iyo, paakaroʋerwa pamucinjikwa, pakaŋga panomunda; mumunda imomo maiʋa nobgiro bgutȿa, makaŋga musinakumboiswa munhu.

42 Ɀino ʋakaisa Jesu ipapo, ɀawakaŋga uri musi woKugadzirira kwaʋaJuda, (nokuti bgiro bgakaŋga bguri pedyo).

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy