Online Bible

- Reklamy -

Johane 18 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kusuŋgwa kwaJesu.
( Mat 26:47–56 ; Mar 14:43–50 ; Ruka 22:47–53 )

1 Jesu wakati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗa naʋadzidzi ʋake, akaenda mhiri kworukoʋa runonzi Kedroni, paiʋa nomunda, akapinda mauri, iye naʋadzidzi ʋake.

2 Ɀino Judasi, wakamupandukira, wakaŋga aciziʋa ʋo nɀimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiʋuŋgana’po naʋadzidzi ʋake.

3 Naiɀoɀo Judasi akatora ɓoka raʋarwi, naʋatariri, ʋaibva kuʋaprista ʋakuru naʋaFarise, akaenda’po nemŋenje namazhenje, neɀokurwa naɀo.

4 Ɀino Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa ɀose ɀaifanira kumuwira, akaɓuɗa, akati kwaʋari: Munotȿaka aniko?

5 Ʋakamupindura, ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akati kwaʋari: Ndini. NaJudasi, wakamupandukira, wakaŋga amire ʋo naʋo.

6 Ɀino wakati areʋa kwaʋari, aciti: Ndini, ʋakasuɗurukira shure, ʋakawira pasi.

7 Ɀino akaʋabvunza ɀe, aciti: Munotȿaka aniko? Ʋakati: Jesu weNazareta.

8 Jesu akapindura, akati: Ndakuʋudzai, kuti ndini. Kana mucinditȿaka ini, regai aʋa ʋaende;

9 kuti shoko, raakareʋa, riitike, rokuti: Handina‐kurashikirwa nomumŋe kunaiʋaʋo ʋamakandipa.

10 Ɀino Simoni Petro, wakaŋga anomunondo, akauvomora, akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi.

11 Ɀino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naƂaɓa, handiŋgaunwi here?


Jesu unoiswa kunaAnasi.
( Mat 26:57–68 ; Mar 14:53–65 ; Ruka 22:63–71 )

12 Ɀino ɓoka raʋarwi, nomukuru wecuru cezana, naʋatariri ʋaʋaJuda ʋakaɓata Jesu, ʋakamusuŋga,

13 ʋakataŋga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakaŋga ari mukarabga waKayafasi, waiʋa muprista mukuru gore iro.

14 Ɀino Kayafasi ndiye wakaŋga apa ʋaJuda zano, kuti ɀirinani kuti munhu mumŋe afire ʋanhu.


Kuramba kwaPetro.
( Mat 26:69–75 ; Mar 14:66–72 ; Ruka 22:54–62 ; Joh 18:25–27 )

15 Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru.

16 Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro.

17 Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati.

18 Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto.

19 Ɀino muprista mukuru akabvunza Jesu ɀaʋadzidzi ʋake, neɀokudzidzisa kwake.

20 Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pacena kunyika; ndaidzidzisa ŋguʋa dzose mumasinagoge nomutembere, panoʋuŋgana ʋaJuda ʋose; handina‐kureʋa cinhu pakaʋanda.

21 Munondibvunzireiko ini? bvunzai aʋa ʋainzwa ɀandaitaura kwaʋari; tarirai, aʋa ʋanoziʋa ɀandaireʋa.

22 Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe waʋatariri, wakaŋga amire’po, akaroʋa Jesu noruʋoko, aciti: Unopindura muprista mukuru uciɗaro nhai?

23 Jesu akamupindura, akati: Kana ndareʋa ɀakaipa, pupura kuti ɀakaipa ndeɀipi; kana ndareʋa ɀakanaka, wagondiroʋereiko?

24 Ɀino Anasi akamutumira akasuŋgwa kunaKayafasi, muprista mukuru.

25 Ɀino Simoni Petro wakaŋga amire’po, acidziya mŋoto. Ʋakati kwaari: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋake here? Akaramba, akati: Handizati.

26 Mumŋe muranda womuprista mukuru, hama yowakaŋga agurwa nzeʋe naPetro, akati: Ini handina‐kukuʋona unaye mumunda here?

27 Petro akaramba ɀe. Pakarepo joŋgwe rikarira.


Jesu pamberi paPirato.
( Mat 27:1 , 2 , 11–31 ; Mar 15:1–20 ; Ruka 23:1–25 )

28 Ɀino ʋakabva kunaKayafasi, ʋakaenda naJesu kuimba yomuɓati; aiʋa maŋgwanani. Asi iʋo haʋana‐kupinda mumba momuɓati, kuti ʋarege kuȿiɓiswa, kuti ʋagodya paseka.

29 Ipapo Pirato akaɓuɗira kwaʋari, akati: Munoti, munhu uyu unemhoȿa yeiko?

30 Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƌai munhu uyu asaiʋa mutadzi, tiŋgaɗai tisina‐kumuisa kwamuri.

31 Ɀino Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumutoŋge nomurairo wenyu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Hatina‐kutenderwa isu kuti tiʋuraye munhu;

32 kuti shoko raJesu raakareʋa riitike, aciɗudzira kufa kwaaifanira kufa nako.

33 Ɀino Pirato akapinda ɀe mumba momuɓati, akaɗana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo waʋaJuda here?

34 Jesu akapindura, akati: Unoɀireʋa iɀi pacako here, kana waɀiʋudzwa naʋamŋe pamsoro paŋgu?

35 Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJuda su? Rudzi rwako naʋaprista ʋakuru ʋakakuisa kwandiri; waiteiko?

36 Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano.

37 Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu.

38 Pirato akati kwaari: Ɀokwaɗi cinyiko? Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗira ɀe kuʋaJuda, akati kwaʋari: Ini handiwani mhoȿa kwaari.

39 Asi imi munetsika kuti ndikusunuŋgurirei mumŋe nepaseka; ɀino munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei mambo waʋaJuda here?

40 Ipapo ʋakaɗanidzira ʋose, ʋaciti: Munhu uyu kwete, asi Barabasi! Ɀino Barabasi wakaŋga ari gororo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy