Online Bible

- Reklamy -

Johane 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jesu unoʋaʋudza ɀoMŋeya Mutȿene nokuʋuya kwake.

1 Ɀinhu iɀi ndakakuʋudzai, kuti murege kugumburwa.

2 Ʋacakuɓuɗisai mumasinagoge; asi ŋguʋa inoȿika, mumŋe nomumŋe wakakuʋurayai, ucati unoɓatira Mŋari ɓasa.

3 Ɀinhu iɀi ʋacaita, nokuti haʋana‐kuziʋa Ƃaɓa, kana ini.

4 Asi ndakakuʋudzai iɀi, kuti kana ŋguʋa yaɀo yaȿika, mugoɀiraŋgarira, kuti ndakakuʋudzai. Handina‐kukuʋudzai iɀi kubva pakutaŋga, nokuti ndaiʋa nemi.

5 Asi ɀino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumŋe wenyu unondibvunza, aciti: Munoendepiko?

6 Asi ɀino mŋoyo yenyu yafa neshuŋgu ɀandakakuʋudzai iɀi.

7 Asi ini ndinokuʋudzai ɀokwaɗi, kana ndiciti: Ɀirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisiŋgaendi, Munyaradzi haaŋgaʋuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndicamutumira kwamuri.

8 Iye kana aȿika, ucaziʋisa nyika pamsoro peɀiʋi, napamsoro pokururama, napamsoro pokutoŋgwa;

9 pamsoro peɀiʋi, nokuti haʋatendi kwandiri;

10 pamsoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa, hamuŋgazondiʋoni;

11 pamsoro pokutoŋgwa, nokuti mucinda wenyika ino watoŋgwa.

12 Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kukuʋudzai; asi hamugoni kuɀigamucira ɀino.

13 Asi kana aȿika, iye Mŋeya waɀokwaɗi, ucakutuŋgamirirai muɀokwaɗi yose; nokuti haaŋgatauri ɀake, asi ɀaakanzwa, ndiɀo ɀaacataura, ʋuye ucakuparidzirai ɀinoʋuya.

14 Ucandikudza, nokuti ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo.

15 Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanaɀo, ndeɀaŋgu; naiɀoɀo ndakati: Ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo.

16 Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona.

17 Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa?

18 Naiɀoɀo ʋakati: Cinyiko caanoti: Casara ciŋguʋa ciɗuku? Hatiziʋi caanotaura.

19 Jesu akaziʋa kuti ʋanoɗa kumubvunza, akati kwaʋari: Munobvunzana here pamsoro pecinhu ici candareʋa, ndiciti: Casara ciŋguʋa ciɗuku, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona?

20 Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucarira nokucema imi, asi nyika icafara; imi mucanzwa shuŋgu, asi shuŋgu dzenyu dzicashanduka mufaro.

21 Mukadzi kana acipona, unonzwa shuŋgu, nokuti ŋguʋa yake yaȿika; asi kana apona mŋana, haacafuŋgi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika.

22 Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu.

23 Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu.

24 Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike.

25 Iɀi ndakataura kwamuri nemifananidzo, ŋguʋa inoʋuya yandisiŋgazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndicakuparidzirai pacena ɀaƂaɓa.

26 Nezuʋa iro mucakumbira muzita raŋgu; handikuʋudziyi, kuti ndicakunyeŋgeterera ini kunaƂaɓa;

27 nokuti Ƃaɓa ʋamene ʋanokuɗai, nokuti makandiɗa ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaƂaɓa.

28 Ndakabva kunaƂaɓa, ndikaʋuya panyika; ndinobva ɀe panyika, ndicienda kunaƂaɓa.

29 Ʋadzidzi ʋake ʋakati: Tarirai, ɀino motaura pacena, hamucareʋi nemifananidzo.

30 Ɀino toziʋa, kuti munoziʋa ɀose, hamutȿaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naiɀoɀi kuti makabva kunaMŋari.

31 Jesu akaʋapindura, akati: Motenda ɀino here?

32 Tarirai, ŋguʋa inoʋuya, yatoȿika, yamucaparadzirwa, mumŋe nomumŋe kuneɀake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Ƃaɓa ʋaneni.

33 Ndakareʋa iɀoɀi kwamuri, kuti muʋe norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsuŋgai mŋoyo, ini ndakakunda nyika.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy