Online Bible

- Reklamy -

Joere 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋaʋeŋgi ʋaJehova ʋacatoŋgwa, asi ʋanhu ʋake ʋacarwirwa.

1 Nokuti tarirai, namazuʋa iwayo neŋguʋa iyo, kana ndicidzosa kutapxa kwaJuda neJerusarema,

2 ndicaʋuŋganidza marudzi ose aʋanhu, nokuaɓurusira kumupata waJehoshafati; ndicaʋatoŋga’po pamsoro paʋanhu ʋaŋgu napamsoro penhaka yaŋgu Israeri, ʋakaparadzirwa naʋo pakati pamarudzi aʋanhu; ʋakagoʋana nyika yaŋgu,

3 ʋakakanda mijenya pamsoro paʋanhu ʋaŋgu, ʋakateŋga cifeʋe nomukomana, ʋakateŋgesa musikana ʋacipiwa waini, kuti ʋainwe.

4 Ɀirokwaɀo, imi Tire neSidoni nenyika dzose dzaFiristia, munoreʋeiko kwandiri? Munoɗa kunditsiʋa here? Kana mukanditsiʋa, ndicakudzoserai ɀamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira.

5 Ɀamakatora sirveri yaŋgu nendarama yaŋgu, mukandoisa mutembere dzenyu ɀinhu ɀaŋgu ɀakanaka ɀinoɗikanwa,

6 mukateŋgesa ʋana ʋaJuda naʋana ʋeJerusarema kuʋanakomana ʋaʋaGiriki, kuti muʋabvisire kure nenyika yaʋo;

7 tarirai, ndicaʋamutsa panɀimbo kwamakandoʋateŋgesa, ndidzosere pamisoro yenyu ɀamakaita;

8 ndicateŋgesa ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu mumaʋoko aʋana ʋaJuda, iʋo ʋacandoʋateŋgesa kuʋanhu ʋeSheba, kurudzi ruri kure, nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.

9 Paridzirai iɀoɀi pakati pamarudzi; ɀigadzirirei kurwa; kurudzirai ʋarume ʋanesimba; ʋarwi ʋose ŋgaʋasweɗere, ʋaende kundorwa.

10 Pfurai mapadza enyu iʋe minondo, namapaŋga enyu okucekerera miti aʋe mapfumo; usinesimba ŋgaati: Ndinesimba.

11 Cimbidzikai, muʋuye, imi marudzi ose akapoteredza, muʋuŋgane; imi Jehova, mhare dzenyu ŋgadziɓurukire’ko.

12 Marudzi aʋanhu ŋgaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndi’po pandicagara ndicitoŋga marudzi ose akapoteredza.

13 Isai ɓaŋga renyu mumunda, nokuti ɀiyo ɀaibva; ʋuyai muȿine, nokuti ciȿiniro cewaini cazara, ɀiȿiniro ɀinopafuma; nokuti kushata kwaʋo kwakura.

14 Ʋazhinji‐zhinji, ʋazhinji‐zhinji ʋari’po mumupata wokutoŋga! Nokuti zuʋa raJehova raʋa pedyo mumupata wokutoŋga.

15 Zuʋa nomŋedzi ɀaȿiɓa, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo.

16 Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; ɗeŋga rose nenyika ɀicaɗeŋgenyeka; asi Jehova ucaʋa ʋutiziro bgaʋanhu ʋake, nenhare yaʋana ʋaIsraeri.

17 Ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, ugere paZioni, iro gomo raŋgu dɀene; ipapo Jerusarema ricaʋa guta dɀene, hakunaʋatorwa ʋanozopfuʋura napo.

18 Ɀino nezuʋa iro makomo acaɗonha waini inotapira, ɀikomo ɀicayerera mukaka, ʋuye hoʋa dzose dzaJuda dzicayerera mvura zhinji; mumba maJehova mucaɓuɗa tsime, ricaɗiridza mupata weShitimi.

19 Egipita ricaʋa ɗoŋgo, ʋuye Edomi ricaʋa renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa ʋana ʋaJuda, ɀaʋakateʋura ropa risinemhoȿa panyika yaʋo.

20 Asi Juda ʋacaʋa’po nokusiŋgaperi, ʋuye Jerusarema kuȿikira kumarudzi namarudzi.

21 Ndicapembedza ropa raʋo randisina‐kumbopembedza; nokuti Jehova unogara paZioni.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy