Jobho 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Erifazi unoyeʋudzira Jobo kuti atende Mŋari agorwirwa hake. 1 Ipapo Erifazi muTemani wakapindura, akati: 2 Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe ucaʋa neshuŋgu here? Asi ndiani uŋgaɀidzora, akasataura hake? 3 Tarira, iwe wakadzidzisa ʋazhinji, Iwe wakasimbisa maʋoko akashaiwa simba. 4 Mashoko ako akatsigira wakaŋga aciʋaʋarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akaŋga acigweɗa‐gweɗa. 5 Asi ɀino ɀaȿika kwauri, iwe woshaiwa simba; Ɀakuɓata, ɀino wotambudzika. 6 Ko kutya kwako Mŋari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here? 7 Raŋgarira hako, ndianiko usinemhaka wakatoŋgoparara? Kana ʋakarurama ʋakatoŋgoparadzwa papi? 8 Seɀandakaʋona ini, ʋanhu, ʋanorimira ɀakaipa, Naʋanodɀara ɀakashata, ndiʋo ʋanokohwa ʋo iɀoɀo. 9 Ʋanoparadzwa nomŋeya waMŋari, Ʋanopedzwa nokufema kwokutsamŋa kwake. 10 Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha, Nameno enɀanɀa reshumba ɀinoparadzwa. 11 Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa ɀaiŋgaɓata; Naʋana ʋeshumbakadzi ʋanoparadzirwa. 12 Ɀino ndakaziʋiswa shoko rakaʋanda; Nzeʋe yaŋgu yakanzwa zeʋe‐zeʋe raro. 13 Pandaŋgariro dzinobva paneɀinoʋonekwa ʋusiku, Kana ʋanhu ʋaɓatwa nehope huru; 14 Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mafupa aŋgu ose. 15 Ipapo mŋeya wakapfuʋura pamberi peciso caŋgu; Mvere dzenyama yaŋgu dzikasimuka. 16 Wakamira, asi ndakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona kuti wakaɗini; Mufananidzo wakaŋga uri pamberi pameso aŋgu; Kunyarara kukaʋa’po, ndikanzwa inzwi riciti: 17 Ko munhu, unofa, uŋgakunda Mŋari pakururama here? Ko munhu uŋgakunda Muiti wake pakunaka here? 18 Tarirai, haatendi ʋaranda ʋake; Ʋatumŋa ʋake unoʋapa mhaka aciti mapenzi; 19 Ndoɗa ʋanogara mudzimba dzevu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruʋa, Dzinopxanyiwa seɀiʋundudzi. 20 Ʋanoparadzwa pakati pamaŋgwanani namaɗekwana; Ʋanoparara nokusiŋgaperi, pasinomunhu unehanya naɀo. 21 Ko ɓote retente raʋo harinakuvomorwa pamŋe cete naʋo here? Ʋanofa ʋasinoʋucenjeri. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society