Jobho 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Satani unoroʋa Jobo pamuʋiri wake namaronda. 1 Ɀino rimŋe zuʋa ɀe ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo, akamira pamberi paJehova. 2 Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi. 3 Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa; naɀino unorambira pakururama kwake, kunyaŋge iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asinemhaka. 4 Satani akapindura Jehova, akati: Ganda rinotsibga neganda, ɀose ɀaanaɀo munhu uŋgaɀiisira ʋupenyu bgake. 5 Asi tambanudzai ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe mafupa ake nenyama yake, ipapo ucakushoʋorai pacena. 6 Jehova akati kunaSatani: Tarira, iye uri paruʋoko rwako; asi kwoga urege ʋupenyu bgake. 7 Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova, akaroʋa Jobo namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kuȿikira pamusoro wake. 8 Akatora caeŋga akaɀikwenya naco; akagara pasi pakati pamaɗota. 9 Ipapo mukadzi wake akati kwaari: Ucarambira naɀino pakururama kwako here? Shoʋora Mŋari, ufe hako. 10 Asi iye wakati kwaari: Iwe unotaura seɀinotaura mumŋe waʋakadzi mapenzi. Tiŋgagamucira ɀakanaka ɓedzi paruʋoko rwaMŋari, tikasagamucira ɀakaipa ʋo here? Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza nomuromo wake. Shamŋari dzaJobo dzinomushanyira. 11 Ɀino shamŋari nhatu dzaJobo dzakati dzicinzwa ɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀamuwira, dzikaʋuya mumŋe nomumŋe acibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBirdadi muShuhi, naZofari muNaamati; ʋakatenderana kundomuɗemba nokumunyaradza. 12 Ɀino ʋakati ʋacitarira ʋaciri kure, ʋakasamuziʋa, ʋakacema kwaɀo, mumŋe nomumŋe akabvarura ŋguʋo yake, ʋakakushira guruʋa kuɗeŋga pamisoro yaʋo. 13 Ipapo ʋakagara pasi naye mazuʋa manomŋe noʋusiku ʋunomŋe, asi hakuna‐nomumŋe wakataura naye kunyaŋge shoko rimŋe; nokuti ʋakaʋona kuti njodzi yake yakaŋga iri huru kwaɀo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society