Jakobo 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋafumi ʋasineŋgoni ʋanotukwa. 1 Nhai, imi ʋafumi, cemai muridze mhere nokuɗa kwamaɗambudziko acakuwirai. 2 Fuma yenyu yakaʋora, ŋguʋo dzenyu dzapera neɀiʋundudzi. 3 Ndarama yenyu nesirveri yenyu ɀineŋgura; ŋgura yaɀo icakupupurirai ɀakaipa, icapedza nyama yenyu somŋoto. Makaɀiceŋgetera fuma pamazuʋa okupedzisira. 4 Tarirai, muɓairo waʋaranda ʋenyu ʋakaceka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyeŋgera, unoɗanidzira; nokuɗana kwaʋaceki kwakaȿika kunzeʋe dzaShe wehondo. 5 Makagara ɀinonaka panyika mucikarira ɀinofadza; makakodza mŋoyo yenyu nezuʋa rokuɓaya. 6 Makatoŋgera wakarurama, mukamuʋuraya; haakudziʋisiyi. Tsuŋgirirai kuȿikira Ishe aciʋuya. 7 Naiɀoɀo hama dzaŋgu, tsuŋgirirai kuȿikira pakuʋuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira ciɓereko cenyika cinokosha, acitsuŋgirira pamsoro paɀo kuȿikira ɀapiwa mvura yokutaŋga neyokuguma. 8 Nemi ʋo tsuŋgirirai; simbisai mŋoyo yenyu, nokuti kuʋuya kwaShe kwaʋa pedyo. 9 Hama dzaŋgu, musanyunyutirana kuti murege kutoŋgwa; tarirai, mutoŋgi umire pamukoʋa. 10 Hama dzaŋgu, pakutambudzika nokutsuŋgirira teʋerai makwara aʋaprofita ʋakataura nezita raShe. 11 Tarirai, ʋakatsuŋga mŋoyo tinoti ʋakaropafadzwa; makanzwa ɀokutsuŋgirira kwaJobo, makaʋona Ishe ɀaakaʋaʋarira naye, kuti Ishe unomŋoyo munyoro kwaɀo, unetsitsi. Musapika. 12 Asi, hama dzaŋgu, kupfuʋura ɀinhu ɀose, musapika, kunyaŋge neɗeŋga, kana nenyika, kana nokupika kumŋe kwose; asi hoŋo, yenyu ŋgaiʋe hoŋo, kwete yenyu ŋgaiʋe kwete; kuti murege kutoŋgwa. Kunyeŋgetera kunesimba. 13 Kunomumŋe unotambudzika pakati penyu here? Ŋgaanyeŋgetere. Kunomumŋe unofara here? Ŋgaaimbe nziyo. 14 Kunomumŋe unorwara pakati penyu here? Ŋgaaɗane ʋakuru ʋekereke; ŋgaʋamunyeŋgeterere, ʋamuzodze namafuta nezita raShe. 15 Kunyeŋgetera kwokutenda kucaponesa unorwara, Ishe ucamumutsa; kana akaita ɀiʋi, ucaɀikaŋganwirwa. 16 Naiɀoɀo reʋururanai ɀiʋi ɀenyu, munyeŋgetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kunesimba guru pakuɓata kwako. 17 Eria wakaŋga ari munhu wakaita sesu, akanyeŋgetera nomunyeŋgetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemŋedzi mitanhatu. 18 Akanyeŋgetera ɀe; ɗeŋga rikanisa mvura, nyika ikaɓereka ɀiɓereko ɀayo. 19 Hama dzaŋgu, kana kunomunhu pakati penyu wakatsauka paɀokwaɗi, mumŋe akamudzora, 20 ŋgaaziʋe kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, ucaponesa mŋeya parufu nokufukidza ɀiʋi ɀizhinji. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society