Isaya 9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kuʋuya kwaMesiasi kunoprofitiwa. 1 Asi iye, waiʋa pakumanikidzwa, haaŋgazoʋi nerima. Paŋguʋa yokutaŋga wakaninipisa nyika yeZeburuni nenyika yeNaftari, asi paŋguʋa yaɀino wakaikudza, kurutiʋi rweguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni. 2 Ʋanhu ʋaifamba murima ʋakaʋona ciedza cikuru; ʋaigara munyika yomumvuri worufu, ʋakapenyerwa ciedza. 3 Makawanza rudzi, makawedzera mufaro waʋo; ʋanofara pamberi penyu, sokufara kwaʋanhu paŋguʋa yokuceka, sokufara kwaʋanhu kana ʋacigoʋerana ɀakapambga. 4 Nokuti makavuna joko raiʋaremedza, netȿimbo yairoʋa mafudzi aʋo, neshamhu yaʋaiʋamanikidza, sapamazuʋa aʋaMidiani. 5 Nokuti shaŋgu imŋe neimŋe yomurwi, yakatsika nokutinhira, neŋguʋo yakanyikwa muropa, ɀicapiswa, ɀicaʋa sehuni dzomŋoto. 6 Nokuti takaɀarirwa Mŋana, takapiwa Mŋanakomana; ʋumambo ʋucaʋa pafudzi rake; zita rake ricanzi: Unoshamisa, Gota, Mŋari unesimba, Ƃaɓa ʋokusiŋgaperi, Mucinda worugare. 7 Kukura kwoʋumambo bgake nokworugare haɀinamugumo, agare pacigaro coʋushe caDavidi napaʋushe bgake, aʋusimbise aʋutsigire nokururamisira nokururama kubva ɀino kuȿikira paŋguʋa isiŋgaperi. Kushiŋgaira kwaJehova wehondo kucaɀiita. Kutsamŋa kwaJehova pamsoro pokusatendeʋuka kwaʋanhu ʋake. 8 Jehova wakatuma shoko kunaJakobo, rakaɓurukira pamsoro paʋaIsraeri. 9 Ʋanhu ʋose ʋacaziʋa, iʋo ʋaEfraimi naʋagere Samaria, iʋo ʋanoti namanyawi aʋo nokuɀikudza kwemŋoyo yaʋo: 10 Ɀitina ɀawa, asi ticaʋaka namabge akaʋezwa; miʋonde yatemŋa, asi ticaisa misidari panɀimbo yayo. 11 Naiɀoɀo Jehova ucaʋamutsira ʋadziʋisi ʋaRezini, ucasaŋganisa ʋaʋeŋgi ʋake; 12 ʋaSiria pamberi, naʋaFiristia mushure, ʋacapedza Israeri nomuromo wakashama. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino. 13 Asi ʋanhu haʋana‐kutendeʋukira kunaiye wakaʋaroʋa, haʋana‐kutȿaka Jehova wehondo. 14 Saka Jehova ucagura ʋaIsraeri musoro nomuswe, ɗaʋi romucindwe nenhokwe, nomusi mumŋe. 15 Mukuru nounokudzwa ndiwo musoro; muprofita, unodzidzisa nhema, ndiwo muswe. 16 Nokuti ʋatuŋgamiriri ʋaʋanhu aʋa ʋanoʋatsaukisa; ʋanotuŋgamirirwa naʋo ʋanoparadzwa. 17 Naiɀoɀo Ishe haaŋgafariri majaya aʋo, haaŋgaʋi netsitsi nenherera necirikadzi dzaʋo; nokuti mumŋe nomumŋe waʋo mumhuri waMŋari nomuiti weɀakaipa, muromo mumŋe nomumŋe unotaura ɀoʋupenzi. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino. 18 Nokuti ɀakaipa ɀinopfuta somŋoto; unopedza rukato neminzwa; ɀirokwaɀo unopisa matenhere eɗondo, ɀicikwira kuɗeŋga iri shoŋgwe yoʋutsi. 19 Nyika inotȿa nokuɗa kwokutsamŋa kwaJehova wehondo; ʋanhu ʋakaita sehuni dzinoʋeswa; hakunomunhu unenyasha nehama yake. 20 Mumŋe ucabvuta kurudyi, asi ucaʋa nenzara; ucadya kuruɓoshwe, asi haʋaŋgaguti; mumŋe nomumŋe ucadya nyama yoruʋoko rwake. 21 ƲaManase ʋacadya ʋaEfraimi, naʋaEfraimi ʋaManase; iʋo pamŋe cete ʋacamukira ʋaJuda. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society