Isaya 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ciratidzo cokuti ʋaAsiriya ʋacaparadza ʋaIsraeri. 1 Ɀino Jehova akati kwandiri: Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yaʋanhu, uti: Cimbidzikai kutapa, ɀakapambga ɀokurumidza. 2 Ndicatora ɀapupu ɀakatendeka, ɀinoti: Uria muprista, naZekaria mŋanakomana waJeberekia. 3 Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora mimba, akaɓereka mŋanakomana. Ɀino Jehova akati kwandiri: Mutumidze zita rokuti: Cimbidzikai kutapa, ɀakapambga ɀokurumidza. 4 Nokuti mŋana asati aziʋa kuti, Ƃaɓa ʋaŋgu, kana Mai ʋaŋgu, fuma yeDamasko neɀakapambga ɀeSamaria ɀicaiswa pamberi pamambo weAsiria. 5 Ɀino Jehova akataura ɀe kwandiri, aciti: 6 Ʋanhu aʋa ɀaʋakaramba mvura yeShiroa, inonatsa kuyerera, ʋacifarira Rezini nomŋanakomana waRemaria; 7 saka ɀino, tarirai, Ishe ucaʋuyisa pamsoro paʋo mvura zhinji yoRwizi, inesimba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubginya kwake kwose; rucaɓuɗa kuhoʋa dzarwo dzose, nokuɗarika nhiʋi dzarwo dzose; 8 rucakukura kuȿikira kwaJuda; rucapafuma, ndokupfuʋura, rucaȿika pamutsipa; kutandaʋara kwamapapiro arwo kucazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri. 9 Itai ɓope, imi ndudzi, muputswe‐putswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; ɀisuŋgei ɀiʋuno, muputswe‐putswe, ɀisuŋgei ɀiʋuno, muputswe‐putswe. 10 Raŋganai henyu, asi ɀicakona; taurai shoko, asi hariŋgamiri; nokuti Mŋari unesu. 11 Nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo neni noruʋoko runesimba, akandiraira kuti ndirege kufamba nezira yaʋanhu aʋa, aciti: 12 Musati: Iraŋgano, pamsoro peɀose ɀinonzi naʋanhu aʋa, iraŋgano; ʋuye musatya ɀaʋanotya, kana kuvunduka. 13 Jehova wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutȿene; mumutye iye, mumuvunduke iye. 14 Ipapo iye ucaʋa nɀimbo tȿene yenyu; asi ucaʋa ibge rokugumbusa neɗombo rokupiŋganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsraeri, aʋe rugombe nomusuŋgo kunaʋanogara Jerusarema. 15 Ʋazhinji ʋaʋo ʋacagumburwa naro, ʋacawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokuɓatwa. 16 Suŋga cipupuriro, namatidza murairo necisimbiso pakati paʋadzidzi ʋaŋgu. 17 Ndicamirira Jehova, unoʋanzira imba yaJakobo ciso cake, ndicamutȿaka. 18 Tarirai, ini naʋana ʋandakapiwa naJehova, tiri ɀiratidzo neɀishamiso pakati paIsraeri ɀaJehova wehondo, ugere mugomo reZioni. 19 Ɀino kana ʋaciti kwamuri: Bvunzai maȿikiro naʋaʋuki, ʋanorira nokuita zeʋe‐zeʋe — ko ʋanhu haʋafaniri kubvunza Mŋari waʋo here? Ko ʋanofanira kubvunza ʋakafa pamsoro paʋapenyu here? 20 Dzokerai kumurairo nokuɀipupuriro! Kana ʋasiŋgatauri seɀinoreʋa shoko iri, haʋaŋgaʋi neciedza camaŋgwanani. 21 Ʋacafamba nenyika ʋakamanikidzwa kwaɀo, ʋanenzara; ɀino kana ʋanenzara, ʋacaʋa neshuŋgu, ʋacatuka mambo waʋo naMŋari waʋo, ʋacitarira kuɗeŋga. 22 Ʋacatarira ʋo pasi, asi tarirai, ʋacaʋona njodzi nerima, nokuȿiɓa kwokumanikidzwa; ʋacadziŋgirwa kurima guru. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society