Isaya 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kurwa kwaRezini naPeka neJerusarema. 1 Ɀino pamazuʋa aAhazi, mŋanakomana waJotami, mŋanakomana waUziya, mambo waJuda, Rezini mambo weSiria, naPeka, mŋanakomana waRemaria, mambo waIsraeri, ʋakaenda kundorwa neJerusarema, asi ʋakakoniwa kurikunda. 2 Ɀino ʋakaʋudza imba yaDavidi, ʋaciti: ƲaSiria ʋaʋa pakati paʋaEfraimi. Mŋoyo wake nemŋoyo yaʋanhu ʋake ikazunuŋguswa sokuzunuŋguswa kwemiti muɗondo nemhepo. 3 Ɀino Jehova akati kunaIsaya: Enda ɀino undosoŋgana naAhazi, iwe naSheari‐jashubi, mŋanakomana wako, panoguma rukoroŋga rwedziʋa rokumsoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki weŋguʋo; 4 undoti kwaari: Cenjera, unyarare hako; usatya, nomŋoyo wako urege kupera nokuɗa kwamatsiga awa maʋiri anopfuŋgaira, nokuɗa kwokutsamŋa kukuru kwaRezini nokwaʋaSiria, nokwomŋanakomana waRemaria. 5 Nokuti ʋaSiria naʋaEfraimi, nomŋanakomana waRemaria ʋakaraŋgana kukuitira ɀakaipa, ʋaciti: 6 Hendei tindorwa naʋaJuda, tiʋatyise, tiʋakunde, tigadze mambo pakati paʋo, iye mŋanakomana waTabeeri. 7 Ɀanzi naShe Jehova: Iɀoɀi haɀiŋgamiri, ʋuye haɀiŋgaitiki. 8 Nokuti musoro weSiria ndiDamasko, nomusoro weDamasko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, ʋaEfraimi ʋacaputswa‐putswa, kuti ʋarege kuʋa rudzi; 9 musoro waʋaEfraimi ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimŋanakomana waRemaria. Kana musiŋgaɗi kutenda, ɀirokwaɀo hamuŋgasimbiswi. Mŋanakomana Imanueri. 10 Ɀino Jehova wakataura ɀe naAhazi, aciti: 11 Kumbira ciratidzo kunaJehova Mŋari wako; ucikumbire kunyaŋge pasi pakadzika, kana kumsoro kwakakwirira. 12 Asi Ahazi wakati: Handiŋgakumbiri, ʋuye handiŋgaidzi Jehova. 13 Akati: Cinzwai ɀino, imi imba yaDavidi: Cinhu ciɗuku kwamuri kuti munetse ʋanhu, ɀino moɗo‐kunetsa Mŋari waŋgu ʋo here? 14 Naiɀoɀo Ishe amene ucakupai ciratidzo: Tarirai, mhandara icaʋa nemimba, icaɓereka mŋanakomana, ndokumutumidza Imanueri. 15 Ucadya ruʋomba noʋuci, paŋguʋa yaanoziʋa kuramba ɀakaipa, nokusanaŋgura ɀakanaka. 16 Nokuti mŋana asati aziʋa kuramba ɀakaipa nokusanaŋgura ɀakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maʋiri, icashanduka ɗoŋgo. 17 Jehova ucaʋuyisa pamsoro pako, napamsoro paʋanhu ʋako, napamsoro peimba yaɓaɓa ʋako, mazuʋa asinakumboʋa’po, kubvira pazuʋa rakaparadzana ʋaEfraimi naʋaJuda — ndiye mambo weAsiriya. 18 Ɀino nezuʋa iro Jehova ucaridzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeEgipita, nenyuci dziri panyika yeAsiriya. 19 Dzicaʋuya, dzicamhara dzose mumipata inamawere, nomumikaha yamatombo, napamsoro peminzwa yose, napamsoro pamafuro ose. 20 Nezuʋa iro Ishe ucaʋeʋura neciȿo cakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiriya, musoro nemvere dzamakumbo; cicabvisa ʋo ndebvu. 21 Ɀino nezuʋa iro munhu ucapfuwa mhou imŋe ɗuku namakwai maʋiri; 22 ɀino nokuɗa kwomukaka muzhinji wadzicamupa, ucadya ruʋomba; nokuti mumŋe nomumŋe wakasiyiwa panyika iyo ucadya ruʋomba noʋuci. 23 Ɀino nezuʋa iro nɀimbo imŋe neimŋe paiʋa nemiti yemizambiriŋga inecuru cimŋe, yaiteŋgwa namasirveri anecuru cimŋe, icaʋa norukato neminzwa. 24 Ʋacaenda’ko nemiseʋe noʋuta, nokuti nyika yose icamera rukato neminzwa. 25 Hakuna‐uŋgaȿika paɀikomo ɀose ɀairimŋa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi ŋombe dzicasundirwa’ko, namakwai acatsika’po. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society