Online Bible

- Reklamy -

Isaya 65 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kupindura kwaJehova.

1 Ndakatendera kuti nditȿakwe naʋasina‐kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe naʋasina‐kunditȿaka; ndakati kurudzi rwakaŋga rusiŋgatumidzwi nezita raŋgu: Tarirai ndini, tarirai ndini.

2 Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kurudzi rwaʋanhu rwakandimukira, ʋanofamba nenzira isakanaka, ʋaciteʋera ndaŋgariro dzaʋo;

3 ʋanhu ʋanogara ʋacinditambudza pacena, ʋanoɓayira ɀiɓayiro paminda, ʋacipisa ɀinonhuwira pamsoro peɀitina;

4 ʋanogara pakati pamabgiro, ʋaciʋata panɀimbo dzakaʋanda; ʋanodya nyama yeŋguruʋe, ʋuye muto weɀinhu ɀinonyaŋgadza uri mumidziyo yaʋo;

5 ʋanoti: Mira woga, usasweɗera kwandiri, nokuti ndiri mutȿene kupfuʋura iwe. Aʋa ʋutsi mumhino dzaŋgu, mŋoto unopfuta zuʋa rose.

6 Tarirai ɀakanyorwa pamberi paŋgu: Handiŋganyarari, asi ndicaripidzira, ɀirokwaɀo ndicaripidzira paɀifuʋa ɀaʋo,

7 ɀakaipa ɀenyu, neɀakaipa ɀamadziɓaɓa enyu pamŋe cete, ʋakapisa ɀinonhuwira pamsoro pamakomo, nokundimhura pamsoro peɀikomo; naiɀoɀo ndicataŋga kuʋayerera maɓasa aʋo paɀifuʋa ɀaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

8 Ɀanzi naJehova: Ɀakafanana nomunhu kana aciwana waini itȿa musumbu remizambiriŋga, mumŋe akati: Usariparadza, nokuti mukomborero uri’mo; ndiɀo ɀandicaita nokuɗa kwaʋaranda ʋaŋgu, kuti ndirege kuʋaparadza ʋose.

9 Ndicaɓuɗisa rudzi kunaJakobo, nomudyi wenhaka yamakomo aŋgu kunaJuda; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacagara nhaka, naʋaranda ʋaŋgu ʋacagara’po.

10 Ƃani reSharoni ricaʋa mafuro amakwai, nomupata weAkori nɀimbo paŋgaʋata ŋombe pasi, ɀicaʋa ɀaʋanhu ʋaŋgu ʋakanditȿaka.

11 Asi imi munosiya Jehova, nokukaŋganwa gomo raŋgu dɀene, imi munogadzirira Gadi tafura, nokuɗirira Meni waini yakaveŋganiswa;

12 ndicakutemerai muʋurawe nomunondo, imi mose mucakotamira pakuɓayiwa; nokuti paŋguʋa yandakaɗana, hamuna‐kupindura; paŋguʋa yandakataura, hamuna‐kunzwa; asi makaita ɀakaipa pamberi paŋgu, mukasanaŋgura ɀandakaŋga ndisiŋgafariri.

13 Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacadya, asi imi mucaʋa nenzara; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacanwa, asi imi mucaʋa nenyota; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacafara, asi imi mucanyadziswa;

14 tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacaimba nokufara kwomŋoyo, asi imi mucacema nokurwadziwa kwomŋoyo, mucawuŋgudza nokuputsika kwomŋeya.

15 Imi mucasiyira ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu zita renyu, riʋe rokutuka naro; Ishe Jehova ucakuʋuraya, ndokutumidza ʋaranda ʋake rimŋe zita;

16 kuti aninani unoɀiti ndakaropafadzwa panyika, ucati ndakaropafadzwa naMŋari waɀokwaɗi; nokuti maɗambudziko okutaŋga akakaŋganikwa, nokuti aʋanzirwa meso aŋgu.

17 Nokuti tarirai, ndinosika ɗeŋga idɀa nenyika itȿa; ɀinhu ɀakare haɀiŋgaraŋgarirwi, kana kufuŋgwa mumŋoyo.

18 Asi imi farai mufarisise nokusiŋgaperi pamsoro peɀandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema riʋe guta romufaro, naʋanhu ʋaro ʋaʋe nomufaro.

19 Ndicafarira Jerusarema, nokuʋa nomufaro pamsoro paʋanhu ʋaŋgu; mukati maro hamucazonzwiki inzwi rokucema, kana inzwi rokurira.

20 Hapaŋgazoʋi’po rushiye runamazuʋa mashoma, kana mutana usino‐kuȿitsa mazuʋa ake; nokuti mŋana ucafa apedza makore anezana, nomutadzi ucarobga nokutukwa kana aȿika makore anezana.

21 Ʋacaʋaka dzimba nokugara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, nokudya micero yayo.

22 Haʋaŋgaʋaki dzimba, mumŋe acizogara’mo; haʋaŋgasimi, mumŋe acizodya; nokuti samazuʋa omuti, ndiɀo ɀicaita mazuʋa aʋanhu ʋaŋgu; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacapedza ŋguʋa huru ʋacifarira maɓasa amaʋoko aʋo.

23 Haʋaŋgaɓatiri ɀisinamaturo, kana kuɓereka ʋana, ʋacakurumidza kuparadzwa; nokuti ndiʋo ʋana ʋaʋakaropafadzwa naJehova, ɀiɓereko ɀaʋo ɀicagara naʋo.

24 Ɀino ndicapindura ʋasati ʋaɗana, ndicanzwa ʋacataura.

25 Ƃere negwaiana ɀicafura pamŋe cete, shumba icadya ʋuswa senzombe, ʋuye guruʋa ricaʋa ɀokudya ɀenyoka. Haʋaŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy