Isaya 64 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Haiwa, ɗai maibvarura ɗenga, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu, 2 seɀinoita mŋoto kana ucipisa ʋutsotso, nomŋoto kana uciʋirisa mvura, kuti muziʋise ʋadziʋisi ʋenyu zita renyu, kuti marudzi aɗeɗere pamberi penyu! 3 Paŋguʋa yamakaita ɀinhu ɀinotyisa, ɀatakaŋga tisina‐kutarira, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu. 4 Nokuti kubva paŋguʋa yakare ʋanhu haʋana‐kunzwa, kana kunzwisisa nenzeʋe, kunyaŋge neziso harina‐kuʋona Mŋari kunze kwenyu, iye unoɓatira ʋanomumirira. 5 Munosoŋgana nounofarira kuita ɀakarurama, iʋo ʋanokuraŋgarirai panzira dzenyu; tarirai, makaŋga makatsamŋa, nesu takatadza; takaŋga takaɗaro ŋguʋa refu, ɀino tiŋgaponeswa here? 6 Nokuti isu tose taʋa sounetȿina, kururama kweɗu kwose kwafanana neŋguʋo inetȿina; isu tose tinowoma seshizha, ɀakaipa ɀeɗu ɀinotibvisa semhepo. 7 Hakuna‐unoɗana zita renyu, unoɀimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makatiʋanzira ciso cenyu, mukatinyuŋgurusa neɀakaipa ɀeɗu. 8 Asi ɀino Jehova, muri Ƃaɓa ʋeɗu; isu tiri ivu, imi muri muʋumbi weɗu, isu tose tiri ɓasa roruʋoko rwenyu. 9 Regai kutsamŋa ɀikuru, Jehova, ʋuye regai kuraŋgarira ɀakaipa ɀeɗu nokusiŋgaperi; tarirai, ɗoʋonai, tiri ʋanhu ʋenyu. 10 Maguta enyu matȿene ashanduka renje, Zioni rashanduka renje, Jerusarema raʋa ɗoŋgo. 11 Imba yeɗu tȿene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadziɓaɓa eɗu, yatȿa nomŋoto; nɀimbo dzeɗu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa. 12 Jehova, muŋgaɀidzora nokuɗa kweɀinhu iɀi here? Mucaramba munyerere, mucititambudza ɀikuru here? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society