Isaya 63 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kutoŋgwa kwamarudzi. 1 Ndianiko uyu unobva Edomi, unobva Bozra aneŋguʋo dzakatȿuka kwaɀo? Ndiani uyo wakafuka ɀinobginya, unofamba noʋukuru bgesimba rake? Ndini ndinotaura nokururama, ndinesimba rokuponesa. 2 Ko ŋguʋo yenyu yakatȿuka nei? Ɀokufuka ɀenyu ɀakafanana neɀomunhu unotsika muciȿiniro cewaini neiko? 3 Ini ndakatsika ciȿiniro cewaini ndoga; kwakaŋga kusinomunhu wamarudzi aʋanhu waiʋa neni; ɀirokwaɀo, ndakaʋatsika pakutsamŋa kwaŋgu, ndakaʋapxanya pahasha dzaŋgu; ropa roʋupenyu bgaʋo rikatsatikira paŋguʋo dzaŋgu, ndikaȿiɓisa ɀokufuka ɀaŋgu ɀose. 4 Nokuti ndakafuŋga zuʋa rokutsiʋa mumŋoyo maŋgu; gore raʋakadzikinurwa ʋaŋgu raȿika. 5 Ndikatarira, ndikashaiwa unoɓatsira, ndikashamiswa nokuti kwakaŋga kusinaunotsigira; naiɀoɀo ruʋoko rwaŋgu rwakandiʋigira ruponeso, kutsamŋa kwaŋgu ndiko kwakanditsigira. 6 Ndikatsika‐tsika marudzi aʋanhu pakutsamŋa kwaŋgu, ndikaʋapeŋgesa neɗoro rokutsamŋa kwaŋgu, ndikaɗurura ropa roʋupenyu bgaʋo pasi. Ʋanhu ʋaJehova ʋanokumbira kuti ʋanzwirwe nyasha. 7 Ndicarumbidza ʋunyoro bgaJehova namaɓasa aJehova anofanira kurumbidzwa, nokuɗa kweɀose ɀatakaitirwa naJehova neɀakanaka ɀizhinji kuimba yaIsraeri, ɀaakaʋaitira nokuɗa kwenyasha dzake, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgake. 8 Nokuti wakati: Ɀirokwaɀo, ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋasiŋgazoiti nokunyeŋgera; naiɀoɀo wakaʋa Muponesi waʋo. 9 Pakutambudzika kwaʋo kwose naiye ʋo wakaŋga acitambudzika, mutumŋa, wakaʋaziʋisa ciso cake, wakaʋaponesa; wakaʋadzikinura noruɗo rwake netsitsi dzake, akaʋasimudza nokuʋatakura mazuʋa ose akare. 10 Asi ʋakamumukira, nokucemedza Mŋeya wake mutȿene; naiɀoɀo wakashanduka, akaʋa muʋeŋgi waʋo, akarwa naʋo amene. 11 Ipapo ʋanhu ʋake ʋakaraŋgarira mazuʋa akare, Mosesi naʋanhu ʋake, ʋakati: Uripiko iye wakaʋaɓuɗisa muguŋgwa pamŋe cete nomufudzi weɓoka rake? Uripiko iye wakaisa Mŋeya wake mutȿene pakati paʋo? 12 Uripiko iye wakafambisa ruʋoko rwake runokudzwa parutiʋi rwaMosesi, wakaparadzanisa mvura zhinji pamberi paʋo kuti aɀiwanire mukurumbira usiŋgaperi? 13 Uripiko iye wakaʋafambisa napakadzika, sebiza murenje, ʋakasagumburwa? 14 Mŋeya waJehova wakaʋazorodza, seŋombe dzinoɓurukira kumupata; saiɀoɀo makafambisa ʋanhu ʋenyu, kuti muɀiwanire mukurumbira mukuru‐kuru. 15 Tarirai pasi muri kuɗeŋga, muʋone muri paʋugaro bgenyu ʋutȿene ʋunobginya: Kushiŋgaira kwenyu namaɓasa enyu anesimba aripiko? Kushuʋa kwomŋoyo wenyu netsitsi dzenyu ɀadzorwa kwandiri. 16 Nokuti muri Ƃaɓa ʋeɗu, kunyaŋge Abrahama asiŋgatiziʋi, naIsraeri asiŋgatiziʋururi; imi Jehova muri Ƃaɓa ʋeɗu; Mudzikinuri weɗu kubva kare nakare, ndiro zita renyu. 17 Haiwa, Jehova, munotirega neiko ticitsauka panzira dzenyu, nokuwomesa mŋoyo yeɗu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuɗa kwaʋaranda ʋenyu, iwo marudzi enhaka yenyu. 18 Ʋanhu ʋenyu ʋatȿene ʋakaŋga ʋanayo ŋguʋa ɗuku hayo; ʋadziʋisi ʋeɗu ʋakatsika pasi imba yenyu tȿene. 19 Isu tafanana naʋasina‐kutoŋgoɓatwa nemi, naʋasina‐kutumidzwa nezita renyu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society