Online Bible

- Reklamy -

Isaya 60 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kunaka kweJerusarema rakaʋandudzwa.

1 Simuka, uveneke, nokuti ciedza cako caȿika, kubginya kwaJehova kwaɓuɗa pamsoro pako.

2 Nokuti, tarira, rima ricafukidza nyika, nerima guru marudzi aʋanhu; asi Jehova ucaɓuɗa pamsoro pako, kubginya kwake kucaʋonekwa pamsoro pako.

3 Marudzi acaʋuya kuciedza cako, namadzimambo kukubginya kwakakuɓuɗira.

4 Riŋgira kwose‐kwose nameso ako, uʋone: ʋose ʋanoʋuŋgana pamŋe cete, ʋaciʋuya kwauri; ʋanakomana ʋako ʋacaʋuya ʋacibva kure, ʋakunda ʋako ʋacaɓerekwa pahudyu.

5 Ipapo ucaɀiʋona ukapenya nomufaro, mŋoyo wako ucaɗeɗera nokufariswa; nokuti ɀakawanda ɀeguŋgwa ɀicaiswa kwauri, fuma yamarudzi aʋanhu icaʋuya kwauri.

6 Makamera mazhinji‐zhinji acakufukidza, nemhuru dzamakamera eMidiani neEfa; ʋose ʋeSheba ʋacaʋuya, ʋacaʋuya nendarama neɀinonhuwira, ʋacaparidza kurumbidzwa kwaJehova.

7 Mapoka ose amakwai eKedari acaʋuŋganidzirwa kwauri, makondobge eNebayoti acakushumira; ɀicaiswa paartari yaŋgu ndiciɀifarira, ndicashoŋgedza imba yokukudzwa kwaŋgu.

8 Ndianiko aʋa ʋanobururuka segore, senjiʋa dzinoʋuya kumawindi eɀirugu ɀadzo?

9 Ɀirokwaɀo, ɀiwi ɀicandimirira, neɀikepe ɀeTarshishi ɀicatuŋgamira ɀiciʋuya naʋanakomana ʋako ʋanobva kure, ʋaciʋuya nesirveri yaʋo nendarama yaʋo kuɀiisa kuzita raJehova Mŋari wako, nokunoMutȿene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushoŋgedza.

10 Ʋatorwa ʋacaʋaka maȿiŋgo ako, madzimambo aʋo acakushumira; nokuti ndakakuroʋa nokutsamŋa kwaŋgu, asi ndakakunzwira nyasha neŋgoni dzaŋgu.

11 Masuʋo ako acagara akazaruka ŋguʋa dzose, haaŋgazarirwi masikati noʋusiku, kuti ʋaʋuyise kwauri fuma yamarudzi aʋanhu namadzimambo aʋo, akatapxa.

12 Nokuti rudzi noʋushe, ɀinoramba kukushumira, ɀicaparara; ɀirokwaɀo marudzi iwayo acaparadzwa cose.

13 Ɀinobginya ɀeRebanoni ɀicaʋuya kwauri, misipresi, nemipaini nemifiri pamŋe cete, kuti ndishoŋgedze nɀimbo yeimba yaŋgu tȿene; ʋuye ndicabginyisa nɀimbo yetsoka dzaŋgu.

14 Ʋanakomana ʋaʋatambudzi ʋako ʋacaʋuya kwauri ʋacikotama; ʋose ʋaikuɀidza ʋacaɀikotamisa pasi‐pasi petsoka dzako; ʋacakutumidza zita rokuti, Guta raJehova, ɀioni roMutȿene waIsraeri.

15 Wakaŋga wakasiyiwa nokuʋeŋgwa, kusisinomunhu waipfuʋura nomukati mako, asi ɀino ndicakuita cinhu cinorumbidzwa nokusiŋgaperi, cinofarirwa kuȿikira kumarudzi mazhinji.

16 Ucamna ʋo mukaka wamarudzi, ucamna mazamu amadzimambo; ipapo ucaziʋa kuti ini Jehova, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Wamasimba‐ose waJakobo.

17 Panɀimbo yendarira ndicaʋuya nendarama, panɀimbo yeɗare ndicaʋuya nesirveri, panɀimbo yamatanda safuri, napanɀimbo yamabge ɗare. Rugare ndicarugadza ruʋe madzishe ako, noKururama kuʋe ʋaɓati ʋako.

18 Ɀinoitwa nesimba haɀicazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganho yako; asi ucatumidza maȿiŋgo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuʋo ako Rumbidzo.

19 Zuʋa haricazoʋi ciedza cako masikati, mŋedzi hauŋgazokuvenekeri nokupenya kwawo; asi Jehova ucaʋa kwauri ciedza cisiŋgaperi, naMŋari wako kunaka kwako.

20 Zuʋa rako haricazoʋiri, mŋedzi wako hauŋgatapudziki; nokuti Jehova ucaʋa ciedza cako cisiŋgaperi, mazuʋa okucema kwako acaguma.

21 Ʋanhu ʋako ʋose ʋacaʋa ʋakarurama, ʋacagara nhaka yenyika nokusiŋgaperi, ʋacaʋa ɗaʋi randakasima, neɓasa ramaʋoko aŋgu, kuti ndikudzwe.

22 Muɗuku ucaʋa curu, wakaɗukupa ucaʋa rudzi runesimba; ini Jehova ndicakurumidza kuɀiita neŋguʋa yaɀo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy