Isaya 6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Isaya unoɗanwa naJehova. 1 Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaʋona Ishe agere pacigaro coʋushe, cirefu cakakwirira, mipendero yeŋguʋo dzake icizadza tembere. 2 Kumsoro kwake kwakaŋga kumire serafimi; imŋe neimŋe yakaŋga inamapapiro matanhatu; namaʋiri yakafukidza ciso cayo, namaʋiri yakafukidza makumbo ayo, namaʋiri yakaŋga icibururuka nawo. 3 Imŋe yakaɗanidzira kuneimŋe, iciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nokubginya kwake. 4 Nheyo dzeɀikumbaridzo dzikazunuŋguka nenzwi rowakaŋga aciɗana, imba ikazadzwa noʋutsi. 5 Ipapo ndikati: Ndinenhamo! nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo inetȿina, ndigere pakati paʋanhu ʋemiromo inetȿina; nokuti meso aŋgu akaʋona Mambo, Jehova wehondo. 6 Ipapo imŋe serafimi yakabururukira kwandiri, yakaɓata zimbe rinopfuta muruʋoko rwayo, rayakaŋga yatora nembato paartari; 7 ikagumura muromo waŋgu naro, ikati: Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, ɀakaipa ɀako ɀabviswa, ziʋi ɀako ɀadzikinurwa. 8 Ipapo ndakanzwa inzwi raShe riciti: Ndiŋgatuma aniko? Ndiani uŋgatiendira? Ipapo ndakati: Ndiri pano ini, nditumei. 9 Iye akati: Enda, unondoʋudza ʋanhu aʋa, uti: Rambai henyu mucinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muciʋona, asi musaʋonesesa. 10 Kodzai mŋoyo yaʋanhu aʋa, remedzai nzeʋe dzaʋo, tsinzinisai meso aʋo, kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, kana kunzwa nenzeʋe dzaʋo, kana kunzwisisa nemŋoyo yaʋo, ʋadzoke ʋapodzwe. 11 Ɀino ndikati: Ishe kuȿikira riniko? Akapindura, akati: Kuȿikira maguta aʋa matoŋgo, asinaʋanogara’mo, nedzimba dzisinomunhu, nenyika yaparadzwa cose, 12 kuȿikira Jehova abvisira ʋanhu kure, nenɀimbo, dzashanduka matoŋgo, dzaʋa zhinji panyika. 13 Kana kuciŋge kwasara mukati mayo cegumi, naico ʋo cicadyiwa ɀe; seɀakaita muterebinti nomuouki wasiyirwa hunde kana watemŋa, saiɀoɀo rudzi rutȿene ndiyo hunde yawo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society