Isaya 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mufananidzo womunda wemizambiriŋga waJehova nokutukwa kwawo. 1 Ŋgandiimbire muɗiwa waŋgu rwiyo rwomuɗiwa waŋgu pamsoro pomunda wake wemizambiriŋga. Muɗiwa waŋgu waiʋa nomunda wemizambiriŋga pacikomo cakaʋorera; 2 akautimba, akabvisa mabge awo ose, akasima’mo mizambiriŋga yakaiȿo‐naka, akaʋaka shoŋgwe mukati mawo, ndokucera ʋo ciȿiniro mukati mawo; ɀino wakatarira kuti uɓereke mazambiriŋga, asi wakaɓereka mazambiriŋga eɓundo. 3 Ɀino imi ʋagere Jerusarema naʋarume ʋaJuda, ndinokumbira kuti mutoŋge pakati paŋgu nomunda waŋgu wemizambiriŋga. 4 Cinyiko caifanira kuitirwa munda waŋgu wemizambiriŋga, candisina‐kuuitira? Ɀino ndicitarira kuti ucaɓereka mazambiriŋga, wakagoɓerekerei mazambiriŋga eɓundo? 5 Ɀino ndicakuʋudzai ɀandicaitira munda waŋgu wemizambiriŋga: Ndicabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndicaputsa ruȿiŋgo rwawo, utsikwe; 6 ndicauparadza; hauŋgaraŋgurwi, kana kurimŋa; asi ucamera minzwa norukato; ndicaraira makore, kuti arege kunisa mvura pamsoro pawo. 7 Nokuti munda wemizambiriŋga waJehova wehondo ndiyo imba yaIsraeri, ʋarume ʋaJuda muti wake unomufadza; ɀino wakatȿaka kwaʋari kururamisira, asi tarira, wakawana kumanikidza, wakatȿaka kururama, asi tarira, wakawana kucema. 8 Ʋanenhamo ʋanowedzera dzimba nedzimba, ʋanoɓatanidza minda neminda, kuȿikira pasisinenɀimbo, kuȿikira imi mogara muri moga panyika. 9 Jehova wehondo unotaura munzeʋe dzaŋgu, aciti: Ɀirokwaɀo, dzimba zhinji dzicaʋa matoŋgo, dzimba huru nedzakanaka dzicashaiwa ʋanogara’mo. 10 Nokuti maekere anegumi emizambiriŋga acaɓereka bati rimŋe cete, nehomeri rembeu ricaɓereka efa imŋe cete. 11 Ʋanenhamo ʋanomuka maŋgwanani kundotȿaka ɗoro rinoɓata, ʋanoswerera kuȿikira ʋusiku, kuȿikira ʋapeŋgeswa naro. 12 Ruɗimbga, nembira, neŋgoma, nenyere, newaini ɀiri’po pamitambo yaʋo; asi haʋanehanya neɓasa raJehova, haʋaraŋgariri ɀakaitwa namaʋoko ake. 13 Saka ʋanhu ʋaŋgu ʋakatapxa nokushaiwa ziʋo; ʋakakudzwa pakati paʋo ʋanoziya nenzara, ʋazhinji ʋaʋo ʋanofa nenyota. 14 Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro ɀikuru; ʋakakudzwa ʋaʋo, naʋazhinji ʋaʋo, naʋanoɀikudza ʋaʋo, nounofara pakati paʋo, ʋanoɓurukira’mo. 15 Ʋanhu ʋaɗuku ʋakakotamiswa, naʋakuru ʋakaninipiswa, nameso aʋanoɀikudza akaninipiswa. 16 Asi Jehova wehondo ucakudzwa pakutoŋga kwakarurama, naMŋari iye Mutȿene ucaʋonekwa ari mutȿene nokururama kwake. 17 Ipapo makwaiana acafura saaneŋge ari pamafuro awo, ʋanodzuŋgaira ʋacadya makura aʋafumi. 18 Ʋanenhamo ʋanokweʋa ɀakaipa norwonzi rwenhema, neɀiʋi seɀineŋge namabote eŋgoro; 19 ʋanoti: Ŋgaakurumidze, ŋgaacimbidzike neɓasa rake, kuti tiɀiʋone; ɀakafuŋgwa noMutȿene waʋaIsraeri ŋgaɀisweɗere, kuti tiɀiziʋe. 20 Ʋanenhamo ʋanoti ɀakaipa ndiɀo ɀakanaka, ʋuye ɀakanaka kuti ndiɀo ɀakaipa, ʋanoisa rima panɀimbo yeciedza, neciedza panɀimbo yerima; ʋanoisa ɀinoʋaʋa panɀimbo yeɀinotapira, neɀinotapira panɀimbo yeɀinoʋaʋa. 21 Ʋanenhamo ʋanoɀiti takacenjera, ʋanoti pakufuŋga kwaʋo tinenjere. 22 Ʋanenhamo ʋakaita mhare pakunwa waini, naʋarume ʋanesimba pakuveŋganisa ɀinoɓata; 23 ʋanoti wakaipa haanemhoȿa nokuɗa kwefufuro, ʋanotorera wakarurama kururama kwake. 24 Naiɀoɀo muraɀo womŋoto seɀaunopedza windi, ʋuye ʋuswa bgakawoma seɀaʋunoŋgoperera mumuraɀo, saiɀoɀo mudzi waʋo ucaʋora, ruʋa raʋo ricatorwa kumsoro seguruʋa; nokuti ʋakaramba murairo waJehova wehondo, nokushoʋora shoko roMutȿene waIsraeri. 25 Saka kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋanhu ʋake, akatambanudza ruʋoko rwake kwaʋari, akaʋaroʋa; makomo anoɗeɗera, mitumbu yaʋo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino. 26 Ucasimudzira marudzi anobva kure mureza, nokuʋaridzira muridzo iʋo ʋari kumigumo yenyika; tarirai, ʋacakurumidza kuʋuya ʋacicimbidzika. 27 Hapana‐ucaneta kana kugumburwa pakati paʋo; hakunaucakotsira kana kuʋata; banhire reɀiʋuno ɀaʋo hariŋgasunuŋgurwi, rukanda rweshaŋgu dzaʋo haruŋgaɗambuki. 28 Miseʋe yaʋo inopinza, ʋuta bgaʋo bgose bgakakuŋgwa; mahwanda amabiza aʋo acaita somusara‐sara, namakumbo eŋgoro dzaʋo secampupuri; 29 kuʋomba kwaʋo kucaita sokwehadzi yeshumba, ʋacaʋomba saʋana ʋeshumba; ɀirokwaɀo ʋacaʋomba, ʋacaɓata mhuka yaʋo, ndokuenda nayo, hapanauŋgairwira. 30 Nezuʋa iro ʋacaʋaʋombera sokutinhira kweguŋgwa; kana munhu akatarira nyika, ucaʋona rima nokutambudzika; ciedza cicaȿiɓiswa namakore ayo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society