Isaya 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Nezuʋa iro ʋakadzi ʋanomŋe ʋacaɓata murume mumŋe, ʋaciti: Ticadya ɀokudya ɀeɗu, ticafuka ɀokufuka ɀeɗu; tinoŋgoɗa kuɗanwa zita rako ɓedzi; bvisa kunyadzwa kweɗu. 2 Nezuʋa iro ɓukira raJehova ricanaka nokubginya, ʋuye ɀiɓereko ɀenyika ɀicaʋa ɀakaiȿo‐naka neɀinorumbidzwa kunaʋakapukunyuka ʋaIsraeri. 3 Ʋakasiyiwa paZioni, naʋakasara paJerusarema, iʋo ʋacanzi ʋatȿene, aninani wakanyorwa pakati paʋapenyu muJerusarema; 4 kana Ishe ashambidza tȿina yaʋakunda ʋeZioni, anatsa ropa reJerusarema aciribvisa mukati maro, nomŋeya wokururamisa ʋuye nomŋeya wokupisa. 5 Ɀino Jehova ucasika pamsoro peimba imŋe neimŋe pagomo reZioni, napamsoro peʋuŋgano dzaro, gore noʋutsi masikati, nokupenya kwomŋoto unopfuta ʋusiku; nokuti pacaʋa necitaʋiridzo pamsoro pokubginya kwose. 6 Kucaʋa’po netente, ricaʋa mumvuri masikati kana zuʋa ricipisa, noʋutiziro neciʋando kana paneɗutu nemvura. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society