Online Bible

- Reklamy -

Isaya 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Nokuti tarirai, Ishe, Jehova wehondo unotorera Jerusarema naJuda mutsigiro nomuɗonɀo, mutsigiro wose weɀokudya, nomutsigiro wose wemvura;

2 munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutoŋgi, nomuprofita, nomuʋuki, nomukuru;

3 mukuru wamakumi mashanu, nounokudzwa, namakota, nemhizha dzakacenjera, nomuʋuki unoziʋa.

4 Ndicaʋapa ʋanana aʋe macinda aʋo, ʋacaɓatwa naʋacece.

5 Ʋanhu ʋacamanikidzwa, mumŋe acimanikidza mumŋe, nomumŋe nomumŋe nowokwake; mŋana ucaʋa namanyawi kunaʋakuru, nowakaɀidzwa kunounokudzwa.

6 Musi uyo munhu ucaɓata munuŋuna wake mumba maɓaɓa ʋake, aciti: Iwe uneŋguʋo, ciʋa mutoŋgi weɗu; kuparadzwa uku ŋgakugadzirwe noruʋoko rwako.

7 Ɀino nezuʋa iro ucaɗanidzira, aciti: Handiɗi kuʋa ŋaŋga, nokuti mumba maŋgu hamuneɀokudya neɀokufuka; musandiita mutoŋgi waʋanhu.

8 Nokuti Jerusarema raparadzwa, Juda wawa; nokuti marimi aʋo namaɓasa aʋo anopesana naJehova, kutsamŋisa meso ake anokubginya.

9 Ɀinoʋonekwa paɀiso ɀaʋo ɀinoʋapupurira; ɀiʋi ɀaʋo ʋanoɀiɓuɗisa pacena seSodoma; haʋaɀiʋanzi. Mŋeya yaʋo inenhamo, nokuti ʋakaɀiitira ɀakaipa.

10 Iti pamsoro powakarurama, kuti ucaʋa nomufaro; nokuti ʋacadya ɀiɓereko ɀamaɓasa aʋo.

11 Wakaipa unenhamo! iye haaŋgaʋi nomufaro, nokuti ucapiwa muɓairo wamaʋoko ake.

12 Kana ʋari ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ndiʋo ʋamanikidzi ʋaʋo, ʋakadzi ʋanoʋaɓata ʋushe. Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu, ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋanokutadzisai, ndiʋo ʋanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.

13 Jehova wasimuka kutamba mhaka; umire kuti atoŋge ʋanhu.

14 Jehova ucatoŋga ʋakuru ʋaʋanhu ʋake namacinda aʋo, aciti: Ndimi mapedza munda wemizambiriŋga; ɀakapambga ɀaʋarombo ɀiri mudzimba dzenyu.

15 Munoiteiko ɀamunopxanya ʋanhu ʋaŋgu, mucikuya ɀiso ɀaʋarombo? Ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo.

16 Ʋuye ɀe Jehova wakati: Ʋakunda ʋeZioni ɀaʋanamanyawi, ʋacifamba nemitsipa yakati tasa, ʋaciita meso‐meso, ʋacifamba ʋacinzenzeta, ɀiri pamakumbo aʋo ɀiciti ŋgwereŋgwere,

17 naiɀoɀo Ishe ucaroʋa nhoŋgonya dzemisoro yaʋakunda ʋaZioni negwenu‐kwenu; Jehova ucafukura miʋiri yaʋo.

18 Nezuʋa iro Ishe ucabvisa ʋukomba bgamakumbo aʋo, neɀizuʋa neɀimŋedzi;

19 neɀinoremberedzwa, noʋuketani bgamaʋoko, neɀifukidzo;

20 neɀishoŋgo ɀomusoro, noʋuketani bgamakumbo, neɀisuŋgo, neɀitende ɀeɀinonhuwira, namazaŋgo;

21 neɀimhete, noʋukomba bgemhino;

22 neŋguʋo dzomutambo, neɀijasi, neɀijari, neɀikwama;

23 neɀiʋoni‐ʋoni ɀamaʋoko, nomuceka wakaiȿo‐naka, nemiceka yomusoro, neɀifukidzo ɀameso.

24 Ɀino ɀicaitika kuti panɀimbo yeɀinonhuwira pacaʋa neɀinonhuwa; panɀimbo yebanire pacaʋa norwonzi; panɀimbo yevudzi rakarukwa ɀakanaka, pacaʋa nemhazha; panɀimbo yeŋguʋo yakaisonaka, pacaʋa necisimiro cegudza; nokupiswa kwoʋuranda panɀimbo yokunaka.

25 Ʋarume ʋenyu ʋacaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.

26 Masuʋo aro acacema nokurira; ricaitwa ɗoŋgo ndokugara pasi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy