Isaya 29 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Shoko raJehova pamsoro peJerusarema. 1 Arieri, Arieri, unenhamo, iwe guta maidzika Davidi matente ake! wedzerai gore pagore, ŋguʋa dzemitambo ŋgadziȿike; 2 ipapo ndicamanikidza Arieri, kucema nokuwuŋgudza ɀicaʋa’po; ricaʋa kwandiri seArieri. 3 Ndicakukomba panhiʋi dzose, ndicakukomba naʋarwi ʋanorindira, ndicaʋaka maȿiŋgo okurwa newe. 4 Ucawiswa pasi, ucataura uri pasi muvu; kutaura kwako kucabva pasi muguruʋa; inzwi rako ricaʋa sereȿikiro rinobva pasi muvu, kutaura kwako kucaita zeʋe‐zeʋe kucibva muguruʋa. 5 Asi ʋaʋeŋgi ʋako ʋazhinji ʋacaʋa seguruʋa rakatsetseka, naʋanotyisa sehundi inopepereka; ɀirokwaɀo ɀicaitwa kamŋe‐kamŋe, pakarepo. 6 Ucashanyirwa naJehova wehondo nokutinhira, nokuɗeŋgenyeka kwenyika, nomubvumo mukuru, necampupuri, neɗutu guru, nomuraɀo womŋoto unopedza ɀose. 7 Kuwanda kwamarudzi ose anorwa neArieri, iʋo ʋose ʋanorwa naro nenhare yaro, ʋacaita seɀinorotwa, seɀinoʋonekwa ʋusiku. 8 Ɀicafanana nokurota kwomunhu unenzara, aciti ndinodya; asi unopepuka, ndokuwana mŋeya wake usinecinhu; kana sokurota kwomunhu unenyota, aciti ndinonwa; asi unopepuka, wanei waziya, mŋeya wake unopaŋga mvura; ndiɀo ɀicaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZioni. 9 Mirai mushame! Ɀipofomadzei, muʋe mapofu! Ʋakaɓatwa, asi haʋana‐kuɓatwa newaini, ʋanodzedzereka, asi haʋadzedzereki neɀinoɓata. 10 Nokuti Jehova wakaɗurura pamsoro penyu mŋeya wokuɓatwa nehope kwaɀo, akafumbira meso enyu, ʋaprofita; nemisoro yenyu, ʋaʋoni, wakaʋafukidza. 11 Kuʋona kwose kwaʋa kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu unogona kuraʋa, ɀicinzi: Ƌoraʋa hako iɀoɀi; iye ndokuti: Handigoni, nokuti rwakanamirwa; 12 ɀino rugwaro runopiwa usina‐kudzidza, ɀicinzi: Ƌoraʋa hako iɀoɀi; iye ndokuti: Handina‐kudzidza. 13 Ishe akati: Aʋa ʋanhu ɀaʋanosweɗera kwandiri, ʋacindikudza nomuromo waʋo ʋuye nemiromo yaʋo, asi mŋoyo yaʋo ʋakaiisa kure neni, nokunditya kwaʋo ɀawaʋa murairo waʋanhu waʋakadzidziswa; 14 naiɀoɀo tarirai, ndicapfuʋura ndiciita pakati paʋanhu aʋa ɓasa rinoshamisa, ɓasa rinoshamisa necishamiso; ʋucenjeri bgaʋakacenjera ʋaʋo ʋucapera, nenjere dzaʋanhu ʋaʋo ʋakaŋgwara dzicaʋanzwa. 15 Ʋanenhamo ʋanotȿaka kuʋanzira Jehova mano aʋo pakadzika, maɓasa aʋo ari murima, ʋaciti: Ndiani unotiʋona, ndiani unotiziʋa? 16 Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muʋumbi wehari wakaenzana nevu here, kuti cakaitwa citi pamsoro pomuiti waco: Iye haanakundiita; kana cakaʋumbga citi pamsoro pomuʋumbi waco: Iye haanenjere? 17 Ko hakuna‐kusara ciŋguʋa ciɗuku‐ɗuku here, Rebanoni ricashandurwa riʋe munda unoɓereka ɀakanaka, nomunda unoɓereka ɀakanaka ucanzi iɗondo? 18 Ɀino nezuʋa iro ʋematsi ʋacanzwa mashoko orugwaro, meso amapofu acaʋona ari pakaȿiɓa napanerima. 19 Ʋanyoro ʋacawedzera ʋo mufaro waʋo munaJehova, ʋarombo pakati paʋanhu ʋacafara kwaɀo muMutȿene waIsraeri. 20 Nokuti unotyisa waparadzwa, muɗaɗi waguma, naʋose ʋanogarira ɀakaipa ʋabviswa; 21 iʋo ʋanopomera munhu mhaka nokuɗa kweshoko, ʋanoteyira munhu musuŋgo, unoraira ʋamŋe pasuʋo, ʋanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano‐mano. 22 Saka ɀanzi naJehova, wakadzikinura Abrahama, pamsoro peimba yaJakobo: Jakobo haaŋganyadziswi ɀino, ciso cake ɀino haciŋgaceneruki. 23 Asi kana aciʋona ʋana ʋake, iro ɓasa ramaʋoko aŋgu, pakati pake, ʋacati zita raŋgu idɀene; ɀirokwaɀo, ʋacati Mutȿene waJakobo mutȿene, ʋacatya Mŋari waIsraeri. 24 Ʋakarashika pamŋeya ʋo ʋacaʋa nenjere, ʋanonyunyuta ʋacadzidziswa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society