Online Bible

- Reklamy -

Isaya 28 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Efraimi naJuda ʋanotukwa.

1 Korona, inoɀikudza, yaʋakaɓatwa ʋokwaEfraimi, inenhamo, ʋuye ruʋa, rinowoma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaʋorera waʋakakundwa newaini.

2 Tarirai, Ishe unomumŋe unesimba unokurira; ucawisira pasi noruʋoko rwake seɗutu guru rinecimvuramabge, seɗutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kwose.

3 Korona inoɀikudza yaʋakaɓatwa ʋokwaEfraimi icatsikwa pasi netsoka;

4 ruʋa, rinowoma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaʋorera, ricaʋa seʋonde rinotaŋga kuibva zhezha ricigere kuȿika; rinoti ricatarirwa nowariʋona, ndokuridya riciri muruʋoko rwake.

5 Nezuʋa iro Jehova wehondo ucaʋa korona inobginya noʋukomba bgakaiȿo‐naka kunaʋakasara ʋaʋanhu ʋake;

6 nomŋeya wokururamisa kunougere pakutoŋga, nesimba kunaʋanodzosera ʋanorwa pasuʋo.

7 Asi naiʋo ʋanodzuŋgunyika newaini, ʋanodzedzereka neɀinoɓata; muprista nomuprofita ʋanodzuŋgunyika neɀinoɓata, ʋakamedzwa newaini, ʋanodzedzereka neɀinoɓata; ʋanokaŋganiswa pakuʋona, ʋanogumburwa pakutoŋga.

8 Nokuti matafura aʋo azere namarutsi anosemesa, hapana‐pakanaka.

9 Ndianiko waacadzidzisa ziʋo? Ndianiko waacadzidzisa kunzwisisa shoko? Iʋo ʋakarumurwa pamukaka, ʋakabviswa pazamu here?

10 Nokuti ɀinoŋgoti cireʋo pamsoro pecireʋo, cireʋo pamsoro pecireʋo, murairo pamsoro pomurairo, murairo pamsoro pomurairo, apa ɀishoma, napapo ɀishoma.

11 Ɀirokwaɀo ucataura norudzi urwu naʋanhu ʋanemiromo yorumŋe rudzi, norurimi rwokumŋe;

12 akati kwaʋari: Zororo riri pano, zorodzai ʋakaneta; pano ndi’po panokutonhorera; asi ʋakaramba kuterera.

13 Saka shoko raJehova ricaʋa kwaʋari: Cireʋo pamsoro pecireʋo, cireʋo pamsoro pecireʋo, murairo pamsoro pomurairo, murairo pamsoro pomurairo, apa ɀishoma, napapo ɀishoma; kuti ʋaende, ʋawe nenhenda shure, ʋavunike, ʋaɓatwe nomusuŋgo, ʋatapxe.

14 Naiɀoɀo inzwai shoko raJehova, imi ʋaɗaɗi, ʋanoɓata noʋushe ʋanhu aʋa ʋari paJerusarema:

15 Imi ɀamakati: Takaita suŋgano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, icipfuʋura, haiŋgaȿiki kwatiri, nokuti nhema takadziita ʋutiziro bgeɗu, takandoʋanda pasi pokunyeŋgetera;

16 naiɀoɀo Ishe Jehova unoti: Tarirai, ndinoisa paZioni ibge riʋe nheyo, riri ibge rakaidzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; unotenda haakurumidzi.

17 Kururamisira ndicakuita rwonzi, nokururama ndicakuita cokururamisa naco; cimvuramabge cicakukura ʋutiziro bgenhema, mvura icafukidza nɀimbo yokuʋanda.

18 Suŋgano yenyu yamakaita norufu icadzimŋa, nokutenderana kwenyu neSheori hakuŋgamiri; kana shamhu, inokukura, icipfuʋura, mucatsikwa pasi nayo.

19 Ŋguʋa imŋe neimŋe kana icipfuʋura, icakutorai; nokuti masikati noʋusiku, maŋgwanani namaŋgwanani, icapfuʋura; kucaŋgotyisa ɓedzi kunzwisisa mharidzo yakaɗaro.

20 Nokuti mubeda ucaʋa mufupi, munhu haaŋgagoni kutandaʋara pamsoro pawo, nejira ricaʋa ɗuku, munhu haaŋgagoni kuɀifukidza naro.

21 Nokuti Jehova ucasimuka seɀaakaita pagomo rePerazimi, ucatsamŋa seɀaakaita pamupata weGibeoni; kuti aɓate ɓasa rake, iro ɓasa rake rinoshamisa, nokuita iɀo ɀaanoita, ɀinoshamisa.

22 Naiɀoɀo regai kuʋa ʋaɗaɗi, kuti ɀisuŋgo ɀenyu ɀirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kunaShe Jehova wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.

23 Rerekai nzeʋe dzenyu, munzwe inzwi raŋgu; tererai, munzwe kutaura kwaŋgu.

24 Ko murimi, unoɗa kudɀara, unoswera acirima here? Unoswera aciparura munda nokuputsa maviŋga here?

25 Kana aciŋge aenzanisa ivu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudɀara kumini, nokuisa ɀiyo mumisara, nebari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhiʋi dzawo here?

26 Nokuti Mŋari wake unomuziʋisa ɀakanaka nokumudzidzisa.

27 Nokuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo reŋgoro harikuŋguruswi pamsoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netȿimbo, nekumini neshamhu.

28 Ɀiyo ɀeciŋgwa ɀinokuyiwa, haaŋgarambi aciɀipura; kunyaŋge gumbo reŋgoro yake namabiza ake ɀiciɀiparadzira, haaŋgaɀikuyi.

29 Naiɀoɀi ɀinobva kunaJehova wehondo, unoshamisa neɀaanofuŋga, mukuru kwaɀo pakuɓata kwake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy