Online Bible

- Reklamy -

Isaya 27 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaIsraeri ʋacaraŋgwa asi ʋacadzoswa ɀe naJehova.

1 Nezuʋa iro Jehova ucaroʋa nomunondo wake mukukutu, mukuru, nounesimba, reviatani, iyo nyoka inokurumidza, nereviatani, nyoka yakagonyana; ucaʋuraya cikara ciri muguŋgwa.

2 Nezuʋa iro ʋacaimba ʋaciti: Munda wemizambiriŋga, ciuimbirai!

3 Ini Jehova ndini muceŋgeti wawo; ndicauɗiridza ŋguʋa imŋe neimŋe; ndicauceŋgeta masikati noʋusiku, kuti urege kutadziwa nomunhu.

4 Ini handinehasha; ɗai rukato neminzwa ɀairwa neni! Ndaiɀiʋamba, ndaiɀipisa pamŋe cete.

5 Kana asiŋgaɗaro, ŋgaaɓate simba raŋgu, ayanane neni, ŋgaayanane neni.

6 Namazuʋa anoʋuya Jakobo ucamera midzi; Israeri ucatuŋga maruʋa nokutumbuka; ʋacazadza nyika yose neɀiɓereko.

7 Ko wakaʋaroʋa iye seɀaakaroʋa aʋo ʋakaʋaroʋa here? Ko ʋakaʋurawa nokuʋurawa kwaiʋo ʋakaʋurawa naʋo here?

8 Pakuʋadziŋga kwenyu makarwa naʋo neciyero cakafanira; wakaʋabvisa nemhepo yake inesimba nezuʋa remhepo yokumabvazuʋa.

9 Saka nenzira iyi ɀakaipa ɀaJakobo ɀicadzikinurwa; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀose ɀokubviswa kweɀiʋi ɀake, kana aciita mabge ose eartari aʋe samabge omunyaka akaputswa‐putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuʋa ɀirege kuzomiswa.

10 Nokuti guta, rakakombga noruȿiŋgo, rasiyiwa riri roga, bgaʋa ʋugaro bgasiyiwa riri ɗoŋgo, serenje; ndipo pacaʋa namafuro emhuru, ndipo paicaʋata pasi, icidya mashizha apo.

11 Kana mataʋi apo awoma, acavunwa; ʋakadzi ʋacaʋuya ʋaciapisa; nokuti ʋanhu aʋa haʋanenjere; saka wakaʋaita haaŋgaʋi netsitsi naʋo, wakaʋaʋumba haaŋgaʋi noruɗo naʋo.

12 Ɀino nezuʋa iro Jehova ucapura ɀiyo kubvira pamvura yoRwizi kuȿikira parukoʋa rweEgipita; imi mucaʋuŋganidzwa, muciita mumŋe‐mumŋe, imi ʋana ʋaIsraeri.

13 Ɀino nezuʋa iro hwamanda huru icaridzwa; ʋakaŋga ʋoparara panyika yeAsiria, naʋakaŋga ʋadziŋgirwa kunyika yeEgipita, ʋacaʋuya; ʋacanamata Jehova pagomo dɀene paJerusarema.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy