Isaya 26 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Rwiyo rucaimbga panyika yaʋaJuda. 1 Nezuʋa iro rwiyo urwu rucaimbga panyika yaʋaJuda: Tineguta rakasimba; iye ucaisa’po maȿiŋgo nenhare ruʋe ruponeso. 2 Zarurai masuʋo, kuti rudzi rwakarurama, runoceŋgeta ɀokwaɗi, rupinde. 3 Unomŋoyo wakasimba mucamuceŋgeta murugare rukuru, nokuti unoʋimba nemi. 4 Ʋimbai naJehova nokusiŋgaperi; nokuti munaJehova, iye Jehova, muneɗombo risiŋgaperi. 5 Nokuti wakaɗeredza ʋagere pakakwirira, iro guta riri kumsoro; unoriɗeredza, unoriɗeredza kuȿikira pavu; unoriputsira pasi muguruʋa. 6 Ricatsikwa netsoka, idzo tsoka dzaʋarombo, nokutsika kwaʋanoshaiwa. 7 Nzira yaʋakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yaʋakarurama. 8 Ɀirokwaɀo, takakumirirai Jehova, panzira yokutoŋga kwenyu; mŋeya yeɗu inoshuʋa zita renyu neciraŋgaridzo cenyu. 9 Ndakakushuʋai nomŋeya waŋgu ʋusiku; ɀirokwaɀo, ndicakutȿakai ɀikuru nomŋeya waŋgu uri mukati maŋgu; nokuti kana kutoŋga kwenyu kuri panyika, ʋanhu ʋagere munyika ʋanodzidza ɀakarurama. 10 Wakaipa kunyaŋge acinzwirwa tsitsi, haaŋgadzidzi ɀakarurama; ucaita hake ɀisakarurama panyika yakarurama, haaŋgaʋoni ʋumambo bgaJehova. 11 Jehova, ruʋoko rwenyu rwakasimudzwa, asi haʋaʋoni; asi ʋacaʋona kushiŋgaira kwenyu pamsoro paʋanhu, ʋakanyadziswa; ɀirokwaɀo mŋoto ucapedza ʋaʋeŋgi ʋenyu. 12 Jehova, imi mucatigadzirira rugare; nokuti makatiɓatira ʋo maɓasa eɗu ose. 13 Jehova Mŋari weɗu, mamŋe madzishe kunze kwenyu akaŋga akatiɓata; asi ticarumbidza zita renyu ticiɓatsirwa nemi moga. 14 Ʋakafa haʋaŋgararami ɀe, ʋaparara, haʋazomuki ɀe; saka makaȿika kwaʋari, mukaʋaparadza, nokugumisa kuraŋgarirwa kwaʋo kwose. 15 Mawanza rudzi, Jehova, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika. 16 Jehova, ʋakakutȿakai paŋguʋa yokutambudzika; ʋakaɗurura munyeŋgetero muciʋaraŋga. 17 Mukadzi unemimba, waȿika pedyo pakusurumuka, seɀaanorwadziwa acicema pakurwadziwa kwake, ndiɀo ɀatakaŋga takaita pamberi penyu, Jehova. 18 Isu takaŋga tinemimba, takaŋga tiri pakurwadziwa, takaɓereka ɀineŋge mhepo ɓedzi; hatinakuʋigira nyika sunuŋguro, ʋuye ʋaŋgagara panyika haʋana‐kuɀarwa. 19 Ʋakafa ʋenyu ʋacararama, ɀitunha ɀaŋgu ɀicamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruʋa; nokuti ɗoʋa renyu rakaita seɗoʋa reciedza; nyika icaɓuɗisa ʋakafa. 20 Ʋuyai ʋanhu ʋaŋgu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikoʋa yenyu shure kwenyu; muʋande ŋguʋa ɗuku, kuȿikira kutsamŋa kwapfuʋura. 21 Nokuti tarira, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake kuroʋa ʋagere panyika nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo; nyika ʋo icafukura ropa rayo, ikasazofukidza ɀe ʋakaʋurawa ʋayo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society