Isaya 25 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Rwiyo rwokurumbidza Jehova. 1 Jehova, ndimi Mŋari waŋgu! Ndicakukudzai, ndicarumbidza zita renyu; nokuti makaita ɀinoshamisa, iɀo ɀamakafuŋga kare nokutendeka neɀokwaɗi. 2 Nokuti guta makariita ɗutu ramabge, guta rakakombga noruȿiŋgo makariita ɗoŋgo, imba huru yaʋatorwa rirege kuʋa guta; hariŋgatoŋgoʋakwi. 3 Naiɀoɀo rudzi rukuru rucakukudzai; guta ramarudzi aʋanhu ʋanotyisa ricakutyai. 4 Nokuti imi maiʋa nhare yaʋarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, ʋutiziro paŋguʋa yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuʋa, kana mhepo yaʋanotyisa iciita semvura zhinji. 5 Mucaɗeredza ɓope raʋatorwa, seɀinoita kupisa kwezuʋa panɀimbo yakawoma; rwiyo rwaʋanotyisa rucaɗeredzwa, seɀinoitwa kupisa nomumvuri wegore. 6 Pagomo iri Jehova wehondo ucagadzirira marudzi ose aʋanhu mutambo weɀakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, weɀakakora ɀizere nomŋoŋgo, wewaini yakagara pamasese yakaȿinwa ɀakanaka. 7 Pagomo iri ucaparadza cifukidziro cinofukidzira ʋanhu ʋose, necidzitiro cakatasanurwa pamsoro pamarudzi ose. 8 Wakaparadza rufu nokusiŋgaperi, Ishe Jehova ucapisika misodzi paɀiso ɀose; ucabvisa kuɀidzwa kwaʋanhu ʋake panyika yose; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo. 9 Nezuʋa iro ʋacati: Tarirai, uyu ndiye Mŋari weɗu; takaŋga takamumirira, iye ucatiponesa; uyu ndiye Jehova, takaŋga takamumirira, ticafara, nokufarira ruponeso rwake. 10 Nokuti ruʋoko rwaJehova rucagara pagomo iri; Moabi ʋacatsikwa pasi panɀimbo yaʋo, seɀinotsikwa mashaŋga mumvura iri mugomba romupfudze. 11 Ucatambanudza maʋoko ake imomo, somunhu unotambanudza maʋoko ake kana acishambira; asi Jehova ucaɗeredza kuɀikudza kwake pamŋe cete nenjere dzamaʋoko ake. 12 Nhare yakakwirira yamaȿiŋgo enyu, wakaiwisira pasi, wakaiɗeredza, wakaiputsira muvu, imo muguruʋa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society