Online Bible

- Reklamy -

Isaya 24 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kutoŋga kwaJehova.

1 Tarirai, Jehova unobvisa ɀose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira ʋagere mairi.

2 Ʋanhu ʋacaitirwa ɀinoitirwa muprista, muranda ɀinoitirwa tenzi wake, mushandiri ɀinoitirwa ʋahosi ʋake, muteŋgi ɀinoitirwa muteŋgesi, unopa cikwerete ɀinoitirwa unokwereta, unoripa mhindu ɀinoitirwa unoreʋa mhindu.

3 Nyika icabvisirwa ɀose ɀayo, icaparadzwa cose; nokuti Jehova wakataura shoko iro.

4 Nyika inocema nokuwoma, pasi pose panopera simba nokuwoma, ʋanhu ʋakakudzwa ʋenyika ʋanopera simba.

5 Nyika yakaȿiɓiswa ʋo naʋagere mairi; nokuti ʋakaɗarika mirairo, ʋakakaŋganisa mitemo, nokuputsa suŋgano isiŋgaperi.

6 Saka kutuka kwaMŋari kwapedza nyika, naʋagere’mo ʋaʋa nemhoȿa; saka ʋagere munyika ʋapiswa, ʋaŋgosara ʋanhu ʋashoma.

7 Waini itȿa inocema, muzambiriŋga wapera simba, ʋose ʋanomŋoyo unofara ʋanogomera.

8 Kufara kweŋgoma kwonyarara, inzwi raʋanofara ropera, mufaro wembira wopera.

9 Haʋaŋganwi waini ʋaciimba; ɀinoɓata ɀicaʋaʋa kunaʋanoɀinwa.

10 Guta, raʋa ɗoŋgo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgapinda’mo.

11 Kucema kunonzwika panzira dzomumusha nokuɗa kwewaini; mufaro wose waȿiɓa, kufara kwenyika kwaenda.

12 Muguta masara maŋgoʋa ɗoŋgo, suʋo raputswa nokuparadzwa.

13 Nokuti ndiɀo ɀaɀicaita panyika pakati pamarudzi aʋanhu, ɀicafanana nokuzuzwa kwomuoriʋi, neɀakasara kana mizambiriŋga yakohwiwa.

14 Iʋo ʋacaɗanidzira, ʋacapururudza; nokuɗa kwoʋumambo bgaJehova ʋanoɗanidzira ʋari paguŋgwa.

15 Saka rumbidzai Jehova kumabvazuʋa, iro zita raJehova, Mŋari waIsraeri, paɀiwi ɀeguŋgwa.

16 Takanzwa nziyo dziciimbga kumigumo yenyika, dziciti: Ʋakarurama ŋgaʋakudzwe! Asi ini ndakati: Ndinowonda, ndinowonda, ndinenhamo! ʋanyeŋgeri ʋakaita nokunyeŋgera; ɀirokwaɀo, ʋanyeŋgeri ʋakaita nokunyeŋgera kukuru.

17 Kutya, negomba, nomusuŋgo ɀicakuwira, iwe ugere panyika.

18 Ɀino, unotiza ɓope rokutyisa, ucawira mugomba; unokwira acibva mukati megomba, ucaɓatwa nomusuŋgo; nokuti mawindi okumsoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinoɗeɗera.

19 Nyika yaputswa‐putswa cose, nyika yoɗeɗera cose, nyika yozunuŋguswa cose.

20 Nyika icadzedzereka somunhu wakaɓatwa, icaɗeŋgenyeka seɗumba; kuɗarika kwayo kucairemedza kwaɀo, icawa, ikasasimuka ɀe.

21 Ɀino nezuʋa iro Jehova ucaroʋa hondo yaʋakakudzwa ʋari kumsoro, namadzimambo enyika panyika.

22 Ʋacaʋuŋganidzwa pamŋe cete, seɀinoʋuŋganidzwa ʋasuŋgwa mugomba, ʋacapfigirwa mutoroŋgo; ɀino kana mazuʋa mazhinji apfuʋura ʋacashanyirwa.

23 Ipapo mŋedzi ucanyadziswa, nezuʋa ricanyara; nokuti Jehova wehondo ucaɓata ʋushe pagomo rezioni, napaJerusarema; pamberi paʋakuru ʋake pacaʋa nokukudzwa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy