Isaya 23 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Cireʋo pamsoro peTire. 1 Cireʋo pamsoro peTire. Cemai, imi, ɀikepe ɀeTarshishi; nokuti raparadzwa, hapacineimba, kana paŋgapindwa’po; ʋakaratidzwa iɀoɀo ʋari panyika yeKitimi. 2 Imi mugere pamhenderekedzo yeguŋgwa, nyararai, iyemi maifumiswa naʋateŋgesi ʋeSidoni, ʋanofamba neguŋgwa. 3 Fuma yaro ɀaiʋa ɀiyo ɀeShihori, ɀiɓereko ɀeNairi, ɀaiiswa’ko pamsoro pemvura; ndi’po paiteŋgeswa ɀose ɀamarudzi aʋanhu. 4 Nyara, iwe Sidoni, nokuti guŋgwa rataura, nenhare yeguŋgwa, riciti: Handina‐kurwadziwa, handina‐kuɓereka, handina‐kurera majaya, kana kukurisa mhandara. 5 Kana shoko riciȿika Egipita, ʋacaʋa neshuŋgu kwaɀo pamsoro peshoko reTire. 6 Yambukirai Tarshishi; cemai, imi mugere pamhenderekedzo yeguŋgwa. 7 Gara ndiro guta renyu raifara, raiʋa’po kubva kare nakare, raiiswa kure‐kure netsoka dzaro, kundogara’ko? 8 Ndianiko wakafuŋgira Tire iɀoɀo, iro raipavurira korona, ʋateŋgesi ʋaro ʋaiʋa macinda, naʋashambadziri ʋaro ʋaiʋa ʋanokudzwa panyika? 9 Jehova wehondo ndiye wakaɀifuŋga, kuti amhure kuɀikudza kweɀose ɀinokudzwa, nokuɀidza ʋose ʋanokudzwa panyika. 10 Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarshishi; hakucinebanhire rinokusuŋga. 11 Wakatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, wakazunuŋgusa ʋushe; Jehova wakaraira pamsoro peKanani, kuti nhare dzayo dziparadzwe. 12 Akati: Haucazofari, iwe mukunda weSidoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko hauŋgawani zororo. 13 Tarirai nyika yaʋaKardea; rudzi urwo haruci’po; ʋaAsiria ʋakaiita nyika yeɀikara ɀerenje; ʋakamisa shoŋgwe dzaʋo, ʋakawisa dzimba dzoʋushe dzaiʋa’mo; ʋakaiita ɗoŋgo. 14 Cemai, imi ɀikepe ɀeTarshishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa. 15 Ɀino neŋguʋa iyo Tire ricakaŋganikwa makore makumi manomŋe, ɀakaenzana namakore amambo mumŋe cete; kana makore makumi manomŋe apera, Tire ricaitirwa seɀinoimbga parwiyo rwecifeʋe, runoti: 16 Iwe cifeʋe, wakaŋganikwa, tora mbira upote neguta; ridza ɀakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti uraŋgarirwe. 17 Ɀino kana makore makumi manomŋe apera, Jehova ucashanyira Tire, ipapo ricadzokera kumuɓairo waro, ndokufeʋa noʋushe bgose bgenyika ʋuri pasi pose. 18 Ɀarakashambadzira, nomuɓairo waro, ɀicaʋa ɀitȿene kunaJehova; haɀiŋgaceŋgetwi kana kuʋigwa; nokuti ɀarakashambadzira ɀicaʋa ɀaʋanogara pamberi paJehova, kuti ʋagute kwaɀo, ʋafuke ŋguʋo dzakanaka. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society