Online Bible

- Reklamy -

Isaya 22 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Cireʋo pamsoro peJerusarema.

1 Cireʋo pamsoro pomupata weɀakaʋonekwa. Unonzweiko, ɀawakwira naʋanhu ʋako ʋose pamateŋga edzimba?

2 Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rineɓope, musha unomufaro; ʋakaʋurawa ʋako haʋana‐kuʋurawa nomunondo, haʋana‐kufira pakurwa.

3 Ʋaɓati ʋako ʋose ʋakatiza pamŋe cete, ʋakasuŋgwa ʋasinoʋuta; ʋose ʋako, ʋakawanikwa, ʋakasuŋgwa pamŋe cete; ʋakatizira kure.

4 Naiɀoɀo ndakati: Regai kunditarira, ndinoɗa kucema kwaɀo; musaramba muciidza kundinyaradza pamsoro pokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu.

5 Nokuti izuʋa rokuvundusa, nerokutsikira pasi, nerokukaŋganisa, ɀinobva kunaShe, Jehova wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamaȿiŋgo, nerokuɗanidzira kumakomo.

6 Erami wakaɓata goɓa, pamŋe cete namapoka aʋanhu naʋataȿi ʋamabiza; Kiri wakafuɗugura nhoʋo.

7 Ipapo mipata yenyu yakaiȿo‐naka yakazara neŋgoro, naʋataȿi ʋamabiza ʋakaɀigadzirira kurwa pasuʋo.

8 Akabvisa cifukidziro caJuda; nezuʋa iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomuɗondo.

9 Mukaʋona pakakoromoka paguta raDavidi, kuti pakaŋga pari pazhinji; mukaciŋgidzira mvura yedziʋa rezasi;

10 mukaʋereŋga dzimba dzeJerusarema, mukakoromora dzimba kuti musimbise ruȿiŋgo;

11 mukaita ʋo gaŋgwa pakati pamaȿiŋgo maʋiri rokuciŋgidzira mvura yedziʋa rakare. Asi hamuna‐kutarira iye wakaɀiita, makaŋga musinehanya naiye wakaɀifuŋga kare.

12 Ɀino nezuʋa iro Ishe, Jehova wehondo, wakakuɗanirai kumisodzi, nokukucema, nokukuʋeʋurwa mhazha, nokukufuka makudza;

13 asi tarirai, makaʋa nomufaro nokupembera, nokuɓayiwa kweŋombe, nokushizhwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muciti: Ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa.

14 Asi Jehova wehondo wakaɀiziʋisa munzeʋe dzaŋgu, akati: Ɀirokwaɀo, hamuŋgakaŋganwirwi ɀakaipa iɀi, kuȿikira pakufa kwenyu, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo.


Mutariri Shebna ucabviswa, Eriakimi ucapinda panɀimbo yake.

15 Ɀanzi naShe, Jehova wehondo: Enda kumuceŋgeti uyu wefuma, kunaShebna, unotarira imba yamambo, uti:

16 Unoɓateiko pano? Unaniko pano, ɀawaɀiʋezera bgiro pano? Somunhu unoɀiʋezera bgiro pakakwirira, unoɀicerera ʋugaro bgake paɗombo!

17 Tarira, Jehova ucakurashira kure nesimba somurume; ɀirokwaɀo, ucakupeta‐peta.

18 Ɀirokwaɀo ucakupomba‐pomba, ndokukukandira sehuruŋguɗo munyika yakapamhamha; ndi’po paucafira, ndi’po pacaʋa neŋgoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.

19 Ndicakudziŋga paɓasa rako, iye ucakukweʋera pasi ubve panɀimbo yako.

20 Ɀino nezuʋa iro ndicaɗana muranda waŋgu Eriakimi, mŋanakomana waHirkia;

21 ndicamufukidza ŋguʋo yako, nokumusimbisa nebanhire rako, ndigoisa ʋushe bgako muruʋoko rwake; iye ucaʋa ɓaɓa kunaʋagere Jerusarema, nokuimba yaJuda.

22 Ndicaisa kiyi yeimba yaDavidi pafudzi rake; iye ucazarura, hapana‐uŋgazarira, iye ucazarira, hapana‐uŋgazarura.

23 Ndicamuroʋera pakasimba sembambo; ucaʋa cigaro cinokudzwa paimba yaɓaɓa ʋake.

24 Ʋacaturika paari kukudzwa kwose kweimba yaɓaɓa ʋake, mataʋi namaɓukira, nemidziyo yose miɗuku, kubvira pamikombe kuȿikira pamakate.

25 Nezuʋa iro, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo, mbambo yakaŋga yaroʋerwa pakasimba, icabva; icatemŋa, ndokuwira pasi; nomutoro wakaŋga wakaturikwa pairi, ucatemŋa; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy