Online Bible

- Reklamy -

Isaya 21 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Cireʋo pamsoro peBabironi.

1 Cireʋo pamsoro perenje reguŋgwa. Ɀinobva kurenje, kunyika inotyisa, seɀampupuri ɀinopfuʋura kurutiʋi rweZasi.

2 Ndaratidzwa ciratidzo cinocemedza; munyeŋgeri unoita nokunyeŋgera, nomuparadzi unoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Media; ndagumisa kugomera kwaʋo kwose.

3 Saka ɀiʋuno ɀaŋgu ɀizere nokurwadziwa; ndaɓatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavunduswa, saka handigoni kuʋona.

4 Mŋoyo waŋgu unedzuŋgu, ndavunduswa neɀinotyisa; rubvunza‐ʋaeni rwandaiɗa rwashanduka cinhu cinondiɗeɗeresa.

5 Ʋanogadzira tafura, ʋanoisa ʋarindi, ʋanodya, ʋanonwa. Simukai, imi macinda, muzodze nhoʋo.

6 Nokuti heɀi ɀandaʋudzwa naShe; Enda, undoisa murindi; ŋgaareʋe ɀaanoʋona;

7 ɀino kana aciʋona ɓoka, naʋataȿi ʋamabiza ʋakaita ʋaʋiri‐ʋaʋiri, neɓoka remboŋgoro, neɓoka ramakamera, ŋgaaterere ɀakanaka‐naka.

8 Iye akaɗanidzira seshumba, aciti: Ishe, ndimire ŋguʋa dzose masikati pashoŋgwe yokurinda, noʋusiku bgose ndimire panɀimbo yaŋgu;

9 ɀino tarirai, kwoʋuya ɓoka raʋanhu, ʋataȿi ʋamabiza ʋakaita ʋaʋiri‐ʋaʋiri. Akapindura, akati: Babironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakaʋezwa yaʋamŋari ʋaʋo yaputsikirwa pasi.

10 Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu ʋakapurwa, ɀiyo ɀeɓuriro raŋgu, ɀandakanzwa kunaJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, ndiɀo ɀandakakuziʋisai.


Cireʋo pamsoro peDuma.

11 Cireʋo pamsoro peDuma. Mumŋe unondiɗana, ari paSeiri, aciti: Nhai, murindi, iŋguʋa ipi yoʋusiku? Nhai, murindi, iŋguʋa ipi yoʋusiku?

12 Murindi ndokuti: Mambakwedza oȿika, noʋusiku ʋo. Kana muciɗa kubvunza, bvunzai; dzokai, ʋuyai.


Cireʋo pamsoro peArabia.

13 Cireʋo pamsoro peArabia. Musaŋgo reArabia ndi’mo mamucaʋata, imi mapoka aʋafambi ʋeDedani.

14 Ʋigirai unenyota mvura! Ʋagere panyika yeTema ʋakaciŋgamidza ʋatizi neciŋgwa caʋo.

15 Nokuti ʋakaŋga ʋacitiza minondo, minondo yakavomorwa, noʋuta bgakakuŋgwa, nokumanikidzwa kwokurwa.

16 Nokuti heɀi ɀandakaʋudzwa naJehova: Gore risati rapera, samakore omunhu unoɓatira muɓairo, mbiri yose yaKedari icapera;

17 ʋakasara ʋeɓoka raʋanofura noʋuta, iʋo ʋanhu ʋanesimba ʋaʋana ʋaKedari, ʋacaʋa ʋashoma; nokuti Jehova, Mŋari waIsraeri, wakaɀitaura.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy