Isaya 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kuɓata ʋushe kwaJehova pamazuʋa okupedzisira. 1 Shoko rakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi, pamsoro paJuda neJerusarema. 2 Pamazuʋa okupedzisira ɀicaitika kuti gomo reimba yaJehova ricasimbiswa pamsoro pamakomo, ricakwiridzwa kupfuʋura ɀikomo; marudzi ose acamhanyira kwariri. 3 Ʋanhu ʋazhinji ʋacaenda’ko ʋaciti: Ʋuyai, ŋgatikwire kugomo raJehova, kuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ticafamba mumakwara ake; nokuti murairo ucabva paZioni, shoko raJehova ricabva Jerusarema. 4 Iye ucatoŋga pakati pamarudzi, nokururamisira ʋanhu ʋazhinji; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rumŋe rudzi haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa. ƲaIsraeri ŋgaʋadzokere kunaJehova, ʋarashe ɀifananidzo ɀaʋo. 5 Iwe imba yaJakobo, ʋuyai tifambe muciedza caJehova. 6 Nokuti imi Jehova makasiya ʋanhu ʋenyu ʋeimba yaJakobo, nokuti ʋazere netsika dzinobva mabvazuʋa, ʋanoʋuka saʋaFiristia, ʋanoɓatana maʋoko naʋana ʋaʋatorwa. 7 Nyika yaʋo izere nesirveri nendarama, fuma yaʋo haiperi; nyika yaʋo izere ʋo namabiza, neŋgoro dzaʋo dzokurwa hadziperi. 8 Nyika yaʋo izere ʋo neɀifananidzo; ʋanonamata ɀakaitwa namaʋoko aʋo, iɀo ɀakaitwa neminwe yaʋo. 9 Ʋanhu ʋaɗuku ʋakakotamiswa, naʋakuru ʋakaninipiswa; saka musaʋakaŋganwira. 10 Pinda muɗombo, uʋande muguruʋa, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake. 11 Kuɀikudza kwaʋanhu kucaɗeredzwa, namanyawi aʋanhu acaninipiswa, Jehova oga ucakudzwa nezuʋa iro. 12 Nokuti Jehova wehondo unezuʋa rake pamsoro paʋose ʋanoɗaɗa naʋanoɀikudza, naʋanamanyawi; ʋacaɗeredzwa; 13 napamsoro pemisidari yose yeRebanoni yakareɓa yakakwirira; napamsoro pemiouki yose yeBashani, 14 napamsoro pamakomo ose marefu, napamsoro peɀikomo ɀose ɀakakwirira, 15 napamsoro peshoŋgwe dzose refu, napamsoro pamaȿiŋgo ose akasimbiswa, 16 napamsoro peɀikepe ɀose ɀeTarshishi, napamsoro peɀifananidzo ɀose ɀinofadza. 17 Ʋukuru bgaʋanhu ʋucakotamiswa, nokuɀikudza kwaʋanhu kucaɗeredzwa; Jehova oga ucakudzwa nezuʋa iro. 18 Ɀifananidzo ɀicapera cose. 19 Ʋanhu ʋacapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvu, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake, kana acisimuka kuzunuŋgusa nyika nesimba. 20 Nezuʋa iro ʋanhu ʋacarasha ɀifananidzo ɀaʋo ɀesirveri neɀifananidzo ɀaʋo ɀendarama, ɀaʋakaɀiitira kuti ʋaɀinamate, ʋaciɀiisa kunhukusa neɀiremŋaremŋa; 21 ʋapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake, kana acisimuka kuzunuŋgusa nyika nesimba. 22 Regai munhu, unokufema mumhino dzake; nokuti unoɓatsireiko? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society