Isaya 19 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Cireʋo pamsoro peEgipita. 1 Cireʋo pamsoro peEgipita. Tarirai, Jehova wakataȿa gore rinomhanya, wosweɗera Egipita; ɀifananidzo ɀeEgipita ɀicaɗeɗera pamberi pake, nomŋoyo weEgipita ucanyauka mukati mawo. 2 Ndicamutsa mŋoyo yaʋaEgipita ʋamukire ʋaEgipita; mumŋe nomumŋe ucarwa nehama yake, mumŋe nomumŋe nowakaʋakirana naye; guta ricamukira guta, ʋushe ʋucamukira ʋushe. 3 Mŋeya weEgipita ucapera mukati mawo; ndicaparadza kufuŋga kwawo; ʋacandobvunza ɀifananidzo, naʋanamazaŋgo, naʋaʋuki neŋaŋga. 4 Ndicaisa ʋaEgipita muruʋoko rwamambo unehasha; mambo unomŋoyo mukukutu ucaʋaɓata ʋushe, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo. 5 Mvura icapxa muguŋgwa, rwizi rucaɗerera nokuwoma. 6 Nzizi dzicanhuwa, hoʋa dzeEgipita dzicaʋa shoma nokupxa; tsaŋga nenhokwe dzicawoma. 7 Mafuro kunhiʋi dzaNairi, pamhenderekedzo dzaNairi, neminda yose yakadɀarwa yaNairi, ɀicawoma, ɀicatorwa nemhepo, haɀicazoʋi’po. 8 Ʋaɓati ʋehoʋe ʋacacema, ʋose ʋanokandira ɀiredzo maNairi ʋacawuŋgudza, ʋanokanda ʋutaʋa bgaʋo mumvura ʋacapera simba. 9 Ʋuye ʋanoɓata necinda yakanatswa, naʋanoruka miceka micena, ʋacanyadziswa. 10 Mbiru dzicaputswa‐putswa; ʋose ʋanoɓatira muɓairo ʋacaʋa neshuŋgu pamŋeya. 11 Macinda eZoani mapenzi kwaɀo; mano amakota akaiȿo‐cenjera aFarao ashanduka ʋupenzi; munoreʋa seiko kunaFarao, muciti: Ndini mŋanakomana waʋakacenjera, mŋanakomana wamadzimambo akare? 12 Ʋaripiko ɀino iʋo ʋanhu ʋako ʋakacenjera? Ŋgaʋakuʋudze ɀino; ŋgaʋaziʋise ɀakafuŋgwa naJehova wehondo pamsoro peEgipita. 13 Macinda eZoani aʋa mapenzi, macinda eNofi akanyeŋgerwa; ʋakarashisa Egipita nzira, iʋo ʋaiʋa ibge rekona ramarudzi aʋo. 14 Jehova wakaɗira mŋeya wokuramba mukati maʋo; ʋakarashisa Egipita nzira pamaɓasa aʋo ose, somunhu wakaɓatwa neɗoro unodzedzereka pakurutsa kwake. 15 Saka Egipita haiŋgazoʋi neɓasa cose, riŋgaitwa nomusoro kana nomuswe, kana neɗaʋi romucindwe kana nenhokwe. 16 Nezuʋa iro ʋaEgipita ʋacafanana naʋakadzi; ʋacaɗeɗera nokutya nokuɗa kwokusimudzwa kworuʋoko rwaJehova wehondo, rwaanosimudza pamsoro paʋo. 17 Nyika yaJuda icaʋa cityiso ceEgipita; mumŋe nomumŋe unoɀiʋudzwa ucatya nokuɗa kwomutemo waJehova wehondo, waakatema pamsoro paʋo. 18 Nezuʋa iro maguta mashanu acaʋa’po panyika yeEgipita, anotaura rurimi rweKanani, ʋacipika naJehova wehondo; mumŋe ucaidzwa Guta rokuparadzwa. 19 Nezuʋa iro pakati penyika yeEgipita pacaʋa neartari kunaJehova, nembiru pamuganho waro kunaJehova. 20 Ɀicaʋa ciratidzo necapupu caJehova wehondo panyika yeEgipita; nokuti ʋacaɗanidzira kunaJehova nemhaka yaʋamanikidzi, ucaʋatumira muponesi nomurwiri, iye ucaʋaponesa. 21 Jehova ucaɀiratidza kuEgipita, naʋaEgipita ʋacaziʋa Jehova nezuʋa iro; ɀirokwaɀo ʋacamunamata neɀiɓayiro neɀipo, ʋacapikira Jehova mhiko, nokuɀiita. 22 Jehova ucaroʋa Egipita, aciroʋa nokuporesa ɀe; ɀino ʋacadzokera kunaJehova, iye ucanzwa kunyeŋgetera kwaʋo akaʋaporesa. 23 Nezuʋa iro nzira huru icaʋa’po inobva Egipita icienda Asiria; ʋaAsiria ʋacaenda Egipita, naʋaEgipita ʋacaenda Asiria; ʋaEgipita ʋacanamata pamŋe cete naʋaAsiria. 24 Nezuʋa iro ʋaIsraeri ʋacaʋa rudzi rwecitatu ʋaciteʋera Egipita neAsiria, ʋacaʋa ruropafadzo pakati penyika; 25 nokuti Jehova wehondo wakaʋaropafadza, aciti: ƲaEgipita, ʋanhu ʋaŋgu, naʋaAsiria, ɓasa ramaʋoko aŋgu, naʋaIsraeri, nhaka yaŋgu, ŋgaʋaropafadzwe. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society