Isaya 18 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Haiwa, nyika yokuʋirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeEtiopia; 2 inotuma nhume nenzira dzeguŋgwa namagwa enhokwe pamsoro pemvura, iciti: Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, kuʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi. 3 Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza ucisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda iciridzwa, inzwai! 4 Nokuti Jehova wakataura kwandiri kuɗai: Ndicanyarara, ndicatarira ndiri paʋugaro bgaŋgu, sokupisa kwezuʋa pamushana, seguti pakupisa kweŋguʋa yokukohwa. 5 Nokuti kukohwa kusati kwaȿika, kana maruʋa azuka, ruʋa rashanduka zambiriŋga roɗo‐kuibva, ucagura mataʋi namapaŋga; namataʋi anotandira ucaabvisa nokuatema. 6 Ose pamŋe cete acasiyirwa magora ari pamakomo, neɀikara ɀenyika; magora acagara pamsoro paʋo cirimo cose, neɀikara ɀenyika ɀicapedza cando pamsoro paʋo. 7 Neŋguʋa iyo Jehova wehondo ucaʋigirwa ɀipo norudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, ʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi, kunɀimbo yezita raJehova wehondo, kugomo reZioni. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society