Isaya 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Tumirai muɓati wenyika makwaiana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZioni. 2 Nokuti seshiri dzinodzuŋgaira, seɗendere rakaparadzirwa, ndiɀo ɀicaita ʋakunda ʋaMoabi pamazambuko aArnoni. 3 Ita mano, ruramisira; mumvuri wako uuite soʋusiku pakati pamasikati makuru; ʋanza ʋadziŋgwa, usapandukira unotiza. 4 Ʋanhu ʋaŋgu ʋakadziŋgwa ŋgaʋagare newe; kana ari Moabi, uʋe kwaari paaŋgaʋanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haaci’po, kuparadza kwapera, ʋamanikidzi ʋabva panyika. 5 Cigaro coʋushe cicamiswa netsitsi; mumŋe ucagara pamsoro paco neɀokwaɗi, mutente raDavidi, acitoŋga, acitȿaka kururamisira ʋanhu, acikurumidza kuita ɀakarurama. 6 Takanzwa ɀokuɀikudza kwaMoabi, kuti unoɀikudza kwaɀo; ɀamanyawi ake, nokuɀikudza kwake, nehasha dzake; asi kuɀirumbidza kwake hakunamaturo. 7 Saka Moabi ucacema Moabi, mumŋe nomumŋe ucacema; mucacemera mapundu amazambiriŋga eKiri‐hareseti, mamanikidzwa kwaɀo. 8 Nokuti minda yeHeshboni yawoma, nomuzambiriŋga weSibma; madzishe amarudzi avuna mataʋi awo akanaka, akaŋga aciȿikira Jazeri, akaŋga atandira kurenje; mataʋi awo akaŋga atandaʋara, ayambukira guŋgwa. 9 Saka ndicacema nokucema kwaJazeri ndicicemera muzambiriŋga weSibma; ndicakuɗiridza, iwe Heshboni neEreare nemisodzi yaŋgu; nokuti mhere yokurwa yawira pamsoro peɀiɓereko ɀako ɀezhezha napamsoro pokukohwa kwako. 10 Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waiɓereka ɀakanaka; paminda yemizambiriŋga hapacazoʋi nokuimba kana inzwi romufaro; hapacazoʋi muȿiniri unoȿinira mazambiriŋga paɀiȿiniro; ndagumisa kupururudza. 11 Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unorira sembira pamsoro paMoabi, neɗumbu raŋgu pamsoro peKiri‐heresi. 12 Ɀino kana Moabi aciɀiratidza pamberi paJehova, kana aciɀinetsa paɗunhu rakakwirira, nokupinda panɀimbo yake tȿene kuzonyeŋgetera, haaŋgatoŋgoɓatsirwi cinhu. 13 Ndirori shoko rakataurwa naJehova pamsoro paMoabi paŋguʋa yakare. 14 Asi ɀino Jehova wakataura aciti: Makore matatu asati apfuʋura, samakore omunhu unoɓatira muɓairo, kukudzwa kwaMoabi kucaɀidzwa, pamŋe cete naʋanhu ʋake ʋazhinji; ʋakasara ʋacaʋa ʋashoma kwaɀo, ʋasinesimba. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society