Online Bible

- Reklamy -

Isaya 15 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Cireʋo pamsoro paMoabi.

1 Cireʋo pamsoro paMoabi. Nokuti ʋusiku Ari reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa; nokuti ʋusiku Kiri reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa.

2 Ʋakwira Bayiti, neDiboni, kumatunhu akakwirira, kundocema’po; ʋaMoabi ʋanocema pamsoro peNebo napaMedeba; misoro yaʋo yose inemhazha, ndebvu dzose dzakaʋeʋurwa.

3 Panzira dzomumisha yaʋo ʋakaɀisuŋga namakudza, pamsoro pedzimba dzaʋo, napamaɗare aʋo, mumŋe nomumŋe unowuŋgudza acicema ɀikuru.

4 Heshboni rinoɗanidzira, neEreari; inzwi raʋo rinonzwika kuȿikira paJahazi; saka ʋarwi ʋaMoabi ʋanoɗanidzira ɀikuru; mŋeya wake unoɗeɗera mukati make.

5 Mŋoyo waŋgu unoɗanidzira pamsoro paMoabi; ʋakuru ʋaʋo ʋanotizira Zoari, neEgrati‐sherishiya; nokuti ʋanokwira mukwidzwa waRuhiti ʋacicema; nokuti panzira inoenda Horonaimi ʋanocema nokucema kwokuparadzwa.

6 Nokuti mvura yeNimrimi icaparadzwa; nokuti ʋuswa bgawoma, ɓumhudza rapera, hapacinacinomera citema.

7 Saka ɀizhinji ɀaʋakawana, neɀaʋakaceŋgeta, ʋacayambuka naɀo parukoʋa rwemikonacando.

8 Nokuti kucema kwapotereka kunyika yose yaMoabi; kuwuŋgudza kwake kuȿikira paEgraimi, nokuwuŋgudza kwake kuȿikira paBeeri‐erimi.

9 Nokuti mvura yeDimoni izere neropa; nokuti ndicawedzera kuroʋa Dimoni, ndicatuma shumba iparadze ʋakapukunyuka ʋaMoabi, naʋakasara panyika.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy