Isaya 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Shoko raJehova pamsoro peBabironi. 1 Cireʋo caMŋari pamsoro peBabironi, cakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi. 2 Simudzai mureza pagomo risinemiti; ɗanidzirai kwaʋari, ninirai noruʋoko, kuti ʋapinde pamasuʋo aʋakuru. 3 Ndakaraira ʋatȿene ʋaŋgu, ndakaɗana mhare dzaŋgu nokuɗa kwokutsamŋa kwaŋgu, iʋo ʋarume ʋaŋgu ʋanofara ʋaciɀikudza. 4 Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwaʋanhu ʋazhinji! Kutinhira kweʋuŋgano dzoʋushe bgamarudzi akaʋuŋgana pamŋe cete! Jehova wehondo wogadzira hondo kundorwa. 5 Ʋanobva kunyika iri kure, kumugumo weɗeŋga, iye Jehova nenhumbi dzake dzokurwa dzeshuŋgu dzake, kuti aparadze nyika yose. 6 Cemai, nokuti zuʋa raJehova riri pedyo; rinoȿika sokuparadza kunobva kunaWamasimba ose. 7 Saka maʋoko ose acashaiwa simba, nomŋoyo mumŋe nomumŋe waʋanhu ucanyauka; 8 ʋacavunduka; ʋacaɓatwa nokurwadziwa namaɗambudziko; ʋacarwadziwa somukadzi unosurumuka; ʋacatarirana ʋacishamiswa; ɀiso ɀaʋo ɀicafanana neɀiso ɀomŋoto. 9 Tarirai, zuʋa reJehova rinoʋuya, rinotyisa, rinehasha nokutsamŋa kukuru, kuti ashandure nyika riite ɗoŋgo, nokuparadza ʋatadzi ʋayo ʋabve’mo. 10 Nokuti nyeredzi dzokuɗeŋga, namapoka adzo, hadziŋgaratidzi ciedza cadzo; zuʋa ricaȿiɓiswa pakuɓuɗa kwaro, ʋuye mŋedzi hauŋgavenekeri neciedza cawo. 11 Ndicaroʋa nyika nokuɗa kwokushata kwayo, naʋakaipa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo; ndicagumisa manyawi aʋanoɀikudza, nokuwisira pasi kuɗaɗa kwaʋanotyisa. 12 Ʋanhu ndicaʋaita ʋashoma kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka, iye munhu kupfuʋura ndarama tȿene yeOfiri. 13 Saka ndicaɗeɗeresa ɗenga, nyika icazunuŋguswa ibve panɀimbo yayo, nehasha dzaJehova wehondo, napazuʋa rokutsamŋa kwake kukuru. 14 Ɀino semhara inovimŋa, ʋuye seɀipfuwo ɀisina‐unoɀiʋuŋganidza, saiɀoɀo munhu mumŋe nomumŋe ucadzokera kurudzi rwake, mumŋe nomumŋe ucatizira kunyika yake. 15 Mumŋe nomumŋe unowanikwa, ucaɓayiwa; mumŋe nomumŋe unoɓatwa, ucaʋurawa nomunondo. 16 Ʋacece ʋaʋo ʋacaroʋerwa pasi pamberi paʋo, dzimba dzaʋo dzicapambga, ʋakadzi ʋaʋo ʋacacinyiwa. 17 Tarirai, ndicaʋamutsira ʋaMedia, ʋasiŋgaraŋgariri sirveri, kunyaŋge ndarama haʋaifariri. 18 Ʋuta bgaʋo ʋucawisira pasi majaya aʋo, haʋaŋgaʋi netsitsi neɀiɓereko ɀeciɀaro; ziso raʋo hariŋgaɗariki ʋana. 19 Ɀino Babironi, rinembiri paʋushe bgose, raiɀikudza ʋaKardea pamsoro pokunaka kwaro, ricaita sapaŋguʋa yakaparadza Mŋari Sodoma neGomora. 20 Hariŋgatoŋgogarwi naʋanhu, hakuna‐ʋangatoŋgogara’mo kuȿikira kumarudzi namarudzi; kunyaŋge nomuArabia haaŋgadziki tente rake’mo, naʋafudzi haʋaŋgaʋatisi mapoka aʋo’po. 21 Asi ɀikara ɀomusaŋgo ɀicaʋata’mo; dzimba dzaʋo dzicazara neɀinorira; mhou dzicagara’mo, nemŋeya yakaipa icatamba’po. 22 Mapere acarira munhare dzaʋo, namakaʋa mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; ŋguʋa yaro yasweɗera pedyo, mazuʋa aro haaŋgawedzerwi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society