Online Bible

- Reklamy -

Isaya 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ʋanenhamo ʋanotema mitemo isino‐kururama, naʋanyori ʋanonyora ɀisakarurama;

2 kuti ʋadziʋise ʋarombo pakururamisirwa, nokutorera ʋarombo ʋaʋanhu ʋaŋgu ɀaʋanofanira kuʋa naɀo, kuti ʋapambe cirikadzi, ʋatorere nherera ɀinhu ɀaʋo.

3 Asi mucaiteiko pazuʋa rokutoŋgwa, nerokuparadzwa kucabva kure? Mucatizira kunani kundoɓatsirwa? Fuma yenyu mucaiʋigepiko?

4 Ʋacaŋgokotama haʋo pakati paʋasuŋgwa, ʋacawira pasi pakati paʋakaʋurawa. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.


Kurobga kwaʋaAsiria.

5 Nhaiwe Asiria, shamhu yokutsamŋa kwaŋgu, wakaɓata muruʋoko rwake tȿimbo yeshuŋgu dzaŋgu!

6 Ndicamutuma kundorwa norudzi runomhura Mŋari, ndicamuraira kundorwa naʋanhu ʋandinotsamŋira, kuti andotora ɀakapambga, andotora ɀakatapxa, aɀitsikire pasi seɗope riri munzira dzomumusha.

7 Asi iye haafuŋgi kuita iɀoɀo, nomŋoyo wake hauraŋgariri ɀakaɗaro; asi iye unoraŋgarira kuparadza nokupedza marudzi mazhinji.

8 Nokuti iye unoti: Ko macinda aŋgu ose haazi madzimambo here?

9 Ko Karno harinakuitirwa ɀakaitirwa Karkemishi here? NeHamati seArpadi here? NeSamaria seDamasko here?

10 Ruʋoko rwaŋgu seɀarwakaȿikira ʋushe bgeɀifananidzo, kunyaŋge ɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋezwa ɀakaŋga ɀicipfuʋura ɀapaJerusarema neSamaria,

11 handiŋgaitiri Jerusarema neɀifananidzo ɀaro seɀandakaitira Samaria neɀifananidzo ɀaro here?

12 Saka ɀino kana Ishe apedza ɓasa rake rose pagomo reZioni napaJerusarema, ndicaroʋa ɀiɓereko ɀomŋoyo unoɀikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuɀikudza kwake.

13 Nokuti wakati: Ndakaɀiita nesimba roruʋoko rwaŋgu, ʋuye noʋucenjeri bgaŋgu, nokuti ndinenjere; ndakabvisa miganho yaʋanhu, ndakapamba fuma yaʋo; semhare ndakawisira pasi ʋaigara paɀigaro ɀoʋushe;

14 ruʋoko rwaŋgu rwakawana fuma yamarudzi aʋanhu seɗendere; ndakaʋuŋganidza nyika yose, somunhu unoʋuŋganidza mazai akasiyiwa; hapana‐wakapfakanyisa ɓapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.

15 Ko sanhu riŋgaɀirumbidza pamsoro pounotema naro here? Kana jeko riŋgaɀikudza pamsoro pounoɓata naro here? Ɀaifanana netȿimbo inozunuŋgusa ʋanoroʋa nayo, kana muɗonɀo unosimudza cinhu cisati ciri huni.

16 Naiɀoɀo Ishe, Ishe wehondo, ucatuma kuwonda pakati paʋakakora ʋake; pasi pokubginya kwake pacaɓatidzwa cinopisa cakafanana nokupisa kwomŋoto.

17 Ciedza caʋaIsraeri cicaʋa mŋoto, noMutȿene wake muraɀo womŋoto; ucapisa nokupedza minzwa yake norukato rwake nezuʋa rimŋe.

18 Ucapedza kubginya kweɗondo rake, nokwomunda wake wakaʋorera, mŋeya nomuʋiri kamŋe, ɀifanane nendonda inoŋgoramba icipera simba.

19 Miti yakasara yeɗondo rake icaʋa mishoma, iŋganyorwa nomŋana.

20 Ɀino nezuʋa iro ʋakasara ʋaIsraeri, naʋaneŋge ʋapukunyuka paimba yaJakobo, haʋaŋgazosendamiri kunowakaʋaroʋa, asi ʋacasendamira kunaJehova, Mutȿene waIsraeri, neɀokwaɗi.

21 Ʋakasara ʋacadzoka, iʋo ʋakasara ʋaJakobo, kunaMŋari unesimba.

22 Nokuti kunyaŋge ʋanhu ʋenyu, imi Israeri, ʋakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ʋaʋo ʋoga ʋacadzoka; nokuti ʋakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.

23 Nokuti Ishe, Jehova wehondo, ucapedzisa kuparadza, kwakagara kwatemŋa, panyika yose.

24 Saka ɀanzi naShe, Jehova wehondo: Imi ʋanhu ʋaŋgu ʋagere Zioni, musatya muAsiria, kunyaŋge akakuroʋai neshamhu nokukusimudzirai tȿimbo yake, seɀaakaitira Egipita.

25 Nokuti kwasara ciŋguʋa ciɗuku, kutsamŋa kwaŋgu kucapera, hasha dzaŋgu dzicaʋaparadza.

26 Jehova wehondo ucamusimudzira tyaʋa, sapakurobga kwaʋaMidiani paɗombo reOrebi; shamhu yake icaʋa pamsoro peguŋgwa, ucaisimudza seɀaakaitira Egipita.

27 Ɀino nezuʋa iro mutoro wake ucabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko ricaparadzwa nokuɗa kwamafuta.

28 Waȿika paAiati, wapfuʋura napaMigroni, waceŋgeta nhumbi dzake paMikmashi;

29 ʋakwira napamupata, ʋakaʋata paGeba ʋusiku; Rama rinoɗeɗera, Gibea raSauro ratiza.

30 Ƌanidzira nenzwi rako, iwe mukunda weGarimi! Terera, iwe Raisha! Iwe Anatoti woʋurombo!

31 Madmena wotiza, ʋagere Gebimi ʋoroŋgedza kutiza.

32 Zuʋa ranhasi ucazorora paNobi; unozunuŋgusira gomo romukunda weZioni, ico cikomo ceJerusarema, ruʋoko rwake.

33 Tarirai, Ishe, Jehova wehondo, ucatema mashizha nokutyisa; akareɓa acatemŋa, naakakwirira acawiswa pasi.

34 Ucatema neɗare matenhere eɗondo, Rebanoni ricawiswa nounesimba.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy