Online Bible

- Reklamy -

Hosiya 14 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jehova unoɗana Israeri kuti ʋadzokere kwaari.

1 Haiwa, imi Israeri, dzokerai kunaJehova Mŋari wenyu, nokuti makagumburwa neɀakaipa ɀenyu.

2 Endai namashoko, mudzokere kunaJehova, muti kwaari: Bvisai ɀakaipa ɀose, mugamucire ɀinhu ɀakanaka, ipapo ticakupai miromo yeɗu, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɗu.

3 Asiria haʋaŋgatiponesi; hatiŋgataȿi mabiza, hatiŋgazoti kuɓasa ramaʋoko eɗu: Ndimi ʋamŋari ʋeɗu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.

4 Ndicaporesa kudzokera kwaʋo shure, ndicaʋaɗa nokuɗa kwaŋgu; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kwabviswa kwaʋari.

5 Ndicaʋa seɗoʋa kunaIsraeri, ʋacatuŋga seruʋa, ʋacatanda midzi yaʋo seRebanoni.

6 Mataʋi aʋo acatanda, kunaka kwaʋo kucafanana nomuorivi, nokunhuwira kwaʋo sokweRebanoni.

7 Ʋanogara mumumvuri waʋo ʋacadzoka, ʋacararama seɀiyo, nokutuŋga maruʋa somuzambiriŋga; kurumbidzwa kwaʋo kucafanana newaini yeRebanoni.

8 Efraimi, ndicineiko neɀifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuʋonde mutema, ɀiɓereko ɀako ɀicawanikwa kwandiri.

9 Ndianiko wakacenjera, anzwisise ɀinhu iɀi, kana wakaŋgwara, aɀiziʋe? Nokuti nzira dzaJehova dzakarurama, ʋakarurama ʋacafamba nadzo; asi ʋaɗariki ʋacawa madziri.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy