Online Bible

- Reklamy -

Genesi 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋana ʋaAdama kuȿika kunaNoa.

1 Ndiyeyi buku yamarudzi aAdama. Musi waakasika munhu, Mŋari wakamuita nomufananidzo waMŋari;

2 wakaʋasika murume nomukadzi; akaʋaropafadza, akaʋatumidza zita rinonzi Munhu, musi waʋakasikwa.

3 Adama wakagara makore anezana namakumi matatu, akaɓereka mŋanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.

4 Mazuʋa aAdama shure kwokuɓerekwa kwaSeti akaŋga ari makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.

5 Mazuʋa ose oʋupenyu bgaAdama akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matatu, akafa.

6 Seti wakagara makore anezana namashanu, akaɓereka Enoshi;

7 Seti akagara makore anamazana masere namanomŋe shure kwokuɓerekwa kwaEnoshi, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;

8 mazuʋa ose aSeti akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi namaʋiri, akafa.

9 Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamŋe, akaɓereka Kenani;

10 Shure kwokuɓerekwa kwaKenani Enoshi akagara makore anamazana masere negumi namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;

11 mazuʋa ose aEnoshi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namashanu, akafa.

12 Kenani wakagara makore makumi manomŋe, akaɓereka Maharareri;

13 shure kwokuɓerekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore anamazana masere namakumi manna; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.

14 Mazuʋa ose aKenani akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi, akafa.

15 Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Jaredi;

16 shure kwokuɓerekwa kwaJaredi, Maharareri akagara makore anamazana masere namakumi matatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;

17 mazuʋa ose aMaharareri akaŋga ari makore anamazana masere namakumi mapfumbamŋe namashanu, akafa.

18 Jaredi wakagara makore anezana namakumi matanhatu namaʋiri, akaɓereka Enoki;

19 shure kwokuɓerekwa kwaEnoki Jaredi akagara makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;

20 mazuʋa ose aJaredi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namaʋiri, akafa.

21 Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Metusara;

22 shure kwokuɓerekwa kwaMetusara, Enoki wakafamba naMŋari makore anamazana matatu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.

23 Mazuʋa ose aEnoki akaŋga ari makore anamazana matatu namakumi matanhatu namashanu.

24 Enoki akafamba naMŋari, akasazoʋa’po, nokuti Mŋari wakamutora.

25 Metusara wakagara makore anezana namakumi masere namanomŋe, akaɓereka Rameki;

26 shure kwokuɓerekwa kwaRameki, Metusara akagara makore anamazana manomŋe namakumi masere namaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.

27 Mazuʋa ose aMetusara akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namapfumbamŋe, akafa.

28 Rameki wakagara makore anezana namakumi masere namaʋiri; akaɓereka mŋanakomana;

29 akamutumidza zita rinonzi Noa, aciti: Uyu ucatiʋaraidza paɓasa reɗu napakutambudzika kwamaʋoko eɗu, ɀinobva panyika yakatukwa naJehova.

30 Shure kwokuɓerekwa kwaNoa, Rameki akagara makore anamazana mashanu namakumi mapfumbamŋe namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.

31 Mazuʋa ose aRameki akaŋga ari makore anamazana manomŋe namakumi manomŋe namanomŋe, akafa.

32 Noa wakaŋga anamakore anamazana mashanu; Noa akaɓereka Shemi, naHami, naJafeti.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy