Genesi 46 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jakobo unoenda Egipita. 1 Ɀino Israeri wakabva neɀose ɀaakaŋga anaɀo, akaȿika Beeri‐sheba, akaɓayira Mŋari waɓaɓa ʋake Isaka ɀiɓayiro. 2 Mŋari akataura naIsraeri neɀiratidzo ʋusiku, akati: Jakobo! Jakobo! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. 3 Akati: Ndini Mŋari, iye Mŋari waɓaɓa ʋako; usatya hako kuɓurukira Egipita; nokuti ndicakuita rudzi rukuru ikoko; 4 ndicaɓurukira Egipita newe, ndigokudzosa ɀe ɀirokwaɀo; Josefa ndiye ucatsika meso ako. 5 Jakobo akasimuka, akabva Beeri‐sheba; ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakatakura Jakobo, ɓaɓa ʋaʋo, naʋana ʋaʋo ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaʋo, neŋgoro dzakaŋga dzatumŋa naFarao kuti dziʋatakure. 6 Ʋakatora ŋombe dzaʋo nenhumbi dzaʋo dzaʋakaŋga ʋawana munyika yeKanani, ʋakaȿika Egipita, Jakobo naʋanakomana ʋake ʋose pamŋe cete naye; 7 ʋanakomana ʋake, naʋana ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye, naʋakunda, ʋake, naʋakunda ʋaʋanakomana ʋake, naʋose ʋorudzi rwake, ʋakaenda naʋo Egipita. 8 Ndiwo mazita aʋana ʋaIsraeri ʋakaȿika Egipita: Jakobo, naʋanakomana ʋake, ʋaiti: Rubeni, ɗaŋgwe raJakobo. 9 Naʋanakomana ʋaRubeni: Hanoki, naParu, naHezroni, naKarmi. 10 Naʋanakomana ʋaSimeoni: Jemueri, naJamini, naOhadi, naJakini, naZohari, naShauri, waiʋa mŋanakomana womukadzi weKanani. 11 Naʋanakomana ʋaRevi: Gershoni, naKohati, naMerari. 12 Naʋanakomana ʋaJuda: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani ʋakafira panyika yeKanani. Ʋanakomana ʋaPerezi ʋaiʋa Hezroni, naHamuri. 13 Naʋanakomana ʋaIsakari: Tora, naPuva, naJobo, naShimroni. 14 Naʋanakomana ʋaZeburuni: Seredi, naEroni, naJareeri. 15 Ndiʋo ʋanakomana ʋaRea, ʋaakaɓerekera Jakobo paPadani‐arami, nomukunda wake Dina; ʋanakomana ʋake naʋakunda ʋake ʋose ʋaiʋa ʋanhu ʋanamakumi matatu naʋatatu. 16 Naʋanakomana ʋaGadi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzboni, naEri, naArodi, naAreri. 17 Naʋanakomana ʋaAsheri: Imna, naIshva, naIshvi, naBeria, naSera, hanɀadzi yaʋo; naʋanakomana ʋaBeria ʋaiʋa Heberi, naMarkieri. 18 Ndiʋo ʋanakomana ʋaZirpa, Rabani waakapa Rea, mukunda wake; wakaɓerekera Jakobo ʋanhu aʋa ʋanegumi naʋatanhatu. 19 Ʋanakomana ʋaRakeri, mukadzi waJakobo, ʋaiʋa Josefa naBenjamini. 20 Josefa akaɓerekerwa Manase naEfraimi panyika yeEgipita, ndiʋo ʋaakaɓerekerwa naAsenati, mukunda waPotifera, muprista weOni. 21 Naʋanakomana ʋaBenjamini: Bera, naBekeri, naAshberi naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naArdi. 22 Ndiʋo ʋanakomana ʋaRakeri, ʋakaɓerekerwa Jakobo; ʋose ʋaiʋa ʋanegumi naʋanna. 23 Naʋanakomana ʋaDani: Hushimi 24 Naʋanakomana ʋaNaftari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. 25 Ndiʋo ʋanakomana ʋaBirha, Rabani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndiʋo ʋaakaɓerekera Jakobo; ʋose ʋaiʋa ʋanomŋe. 26 Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya naJakobo Egipita, ʋakaŋga ʋaɓuɗa paciʋuno cake, ʋakadzi ʋaʋanakomana ʋaJakobo ʋasiŋgaʋereŋgwi, ʋose ʋaiʋa ʋanhu ʋanamakumi matanhatu naʋatanhatu. 27 Ʋanakomana ʋaJosefa ʋaakaŋga aɓerekerwa Egipita ʋaiʋa ʋanhu ʋaʋiri; ʋose ʋeimba yaJakobo, ʋakaʋuya Egipita, ʋaiʋa ʋanhu ʋanamakumi manomŋe. 28 Akatuma Juda pamberi pake kunaJosefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. 29 Ipapo Josefa akagadzira ŋgoro yake, akakwira Gosheni, kundosoŋgana naIsraeri, ɓaɓa ʋake; akaɀiziʋisa kwaʋari, akawira pamutsipa waʋo, akacema pamutsipa waʋo ŋguʋa huru. 30 Israeri akati kunaJosefa: Ɀino ŋgandicifa haŋgu, nokuti ndaʋona ciso cako, kuti uciri mupenyu. 31 Ɀino Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake naʋeimba yaɓaɓa ʋake: Ini ndicakwira kundoʋudza Farao, ndiciti kwaari: Ʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu, naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu, ʋaigara kunyika yeKanani, ʋaȿika kwandiri; 32 ʋarume aʋa ʋafudzi, nokuti ʋaipfuwa ɀipfuwo; ʋaʋuya namakwai aʋo, neŋombe dzaʋo, neɀose ɀaʋanaɀo. 33 Ɀino kana moɗanwa naFarao, akati: Ƃasa renyu nderei? 34 Muti: Ʋaranda ʋenyu ʋaiʋa ʋapfuwi ʋeɀipfuwo kubva paʋucece bgeɗu kuȿikira ɀino, isu namadziɓaɓa eɗu; kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti ʋafudzi ʋose ʋanonyaŋgadza ʋaEgipita. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society