Genesi 45 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Josefa unoɀiziʋisa kuʋakoma ʋake. Unoʋatuma kundotora ɓaɓa ʋake. 1 Ɀino Josefa haana‐kugona kuɀidzora pamberi paʋose ʋakaŋga ʋamire naye, akaɗana, aciti: Ƃuɗisai ʋanhu ʋose ʋari pano neni. Ɀino kwakaŋga kusinomunhu wakamira naye Josefa aciɀiziʋisa kuʋana ʋaɓaɓa ʋake. 2 Akacema kwaɀo, ʋaEgipita naʋeimba yaFarao ʋakaɀinzwa ʋo. 3 Ipapo Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ndini Josefa! Ƃaɓa ʋaŋgu ʋaciri ʋapenyu here — Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakasagona kumupindura, nokuti ʋakaŋga ʋacitya pamberi pake. 4 Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ƌosweɗerai henyu kwandiri. Ɀino ʋakasweɗera. Iye akati: Ndini Josefa, mŋana waɓaɓa ʋenyu wamakateŋgesa ndikaiswa Egipita. 5 Ɀino musaɀidya mŋoyo, kana kuɀitsamŋira, ɀamakanditeŋgesera kuno; nokuti Mŋari wakandituma pamberi penyu, kuti ndiceŋgete ʋupenyu. 6 Nokuti ɀino aʋa makore maʋiri enzara panyika ino; mamŋe makore mashanu aci’ko, aʋasiŋgazorimi nokukohwa nawo. 7 Mŋari wakandituma pamberi penyu kuti ndikuceŋgetei, muʋe naʋamŋe ʋacasara panyika, ndikuraramisei kuti musunuŋgurwe nokusunuŋgurwa kukuru. 8 Ɀino hamuzi’mi makandituma pano, asi Mŋari; iye wakandiita ɓaɓa kunaFarao nashe weimba yake yose, nomuɓati wenyika yose yeEgipita. 9 Kurumidzai, mukwire kunaɓaɓa ʋaŋgu, mundoti kwaʋari: Ɀanzi naJosefa, mŋanakomana wenyu: Mŋari wakandiita ishe weEgipita rose; ɓurukirai kwandiri, musanonoka; 10 mugare panyika yeGosheni, mugoʋa pedyo neni, imi, naʋanakomana ʋenyu, naʋana ʋaʋona ʋenyu, namakwai enyu, neŋombe dzenyu, neɀose ɀamunaɀo; 11 ndicakuceŋgetai’po, nokuti mamŋe makore mashanu enzara aci’po, kuti murege kuzoʋa ʋarombo, imi, naʋeimba yenyu, neɀose ɀamunaɀo. 12 Tarirai, meso enyu anoʋona, nameso omunuŋuna waŋgu Benjamini, kuti muromo waŋgu unotaura kwamuri 13 Mundoʋudza ɓaɓa ʋaŋgu kukudzwa kwaŋgu kwose paEgipita, neɀose ɀamaʋona; mukurumidze kuɓurusira ɓaɓa ʋaŋgu kuno. 14 Akawira pamutsipa waBenjamini, munuŋuna wake, akacema; naiye Benjamini akacema pamutsipa wake. 15 Akaȿeta ʋakoma ʋake ʋose, akacema pamsoro paʋo; shure kwaiɀoɀo ʋakoma ʋake ʋakataura naye. 16 Ɀino mukurumbira waɀo wakanzwika mumba maFarao, ɀicinzi: Ʋana ʋaɓaɓa ʋaJosefa ʋaȿika! Farao naʋaranda ʋake ʋakafara naiɀoɀo. 17 Farao akati kunaJosefa: Iti kuʋana ʋaɓaɓa ʋako: Itai cinhu ici: Takudzai ɀipfuwo ɀenyu, mufambe, muende kunyika yeKanani; 18 mundotora ɓaɓa ʋenyu naʋedzimba dzenyu muʋuye kwandiri; ndicakupai ɀinhu ɀakaiȿo‐naka ɀenyika yeEgipita, mudye ɀakakora ɀenyika. 19 Ɀino warairwa, ciita iɀoɀo; torerai ʋana ʋenyu ʋaɗuku naʋakadzi ʋenyu ŋ oro panyika yeEgipita, mundotora ɓaɓa ʋenyu, muʋuye. 20 Musafuŋga nhumbi dzenyu, nokuti ɀakaiȿo‐naka ɀenyika yose yeEgipita ndeɀenyu. 21 Ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo: Josefa akaʋapa ŋgoro, seɀaakarairwa naFarao, akaʋapa mbuʋa yokufamba nayo. 22 Akapa ʋose, mumŋe nomumŋe ŋguʋo dzakanaka; asi Benjamini wakamupa mashekeri anamazana matatu esirveri neŋguʋo dzakanaka shanu 23 Naɓaɓa ʋake wakaʋatumira mboŋgoro dzinegumi, dzakaŋga dzakatakura ɀinhu ɀakaiȿo‐naka ɀeEgipita, namakadzi emboŋgoro anegumi akaŋga akatakura ɀiyo, neciŋgwa, neɀokudya ɀaɓaɓa ʋake ɀorwendo. 24 Ɀino akatendera ʋana ʋaɓaɓa ʋake kuenda, ʋakabva; akati kwaʋari: Cenjerai, musatukana munzira. 25 Ipapo ʋakabva Egipita, ʋakakwira, ʋakandoȿika kunyika yeKanani kunaJakobo, ɓaɓa ʋaʋo. 26 Ʋakaʋaʋudza, ʋakati: Josefa uciri mupenyu; ndiye muɓati wenyika yose yeEgipita. Ipapo mŋoyo waʋo wakati rukutu, nokuti haʋana‐kutenda. 27 Ʋakaʋaʋudza mashoko ose aJosefa; ɀino ʋakati ʋaʋona ŋgoro dzakaŋga dzatumŋa naJosefa kuzoʋatakura, mŋeya waJakobo, ɓaɓa ʋaʋo, ukapona ɀe; 28 Israeri akati: Ɀariŋgana! Josefa, mŋanakomana waŋgu uciri mupenyu; ndicaenda ndimuʋone ndisati ndafa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society