Genesi 44 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino wakaraira mutariri weimba yake, aciti: Zadza homo dzaʋarume neɀokudya, seɀaʋanogona kutakura, uise ʋo mari yomumŋe nomumŋe pamuromo wehomo yake. 2 Nomukombe waŋgu, mukombe wesirveri, uuise pamuromo wehomo yomuɗuku, pamŋe cete nemari yeɀiyo ɀake. Iye akaita seɀaakaʋudzwa naJosefa. 3 Ɀino fume maŋgwana kwoedza ʋarume ʋakatenderwa kuenda, iʋo nemboŋgoro dzaʋo. 4 Ʋakati ʋaɓuɗa muguta, ʋasati ʋaenda kure, Josefa akaʋudza mutariri wake, akati: Simuka, teʋera ʋarume; kana waʋaɓata, uti kwaʋari: Matsindikireiko ɀamaitirwa ɀakanaka? 5 Ko hacizi cinhu cinonwira ishe waŋgu, caanoshopera naco here — Cinhu ici camaita cakaipa. 6 Akandoʋaɓata, akataura mashoko iwayo kwaʋari. 7 Ʋakati kwaari: Ko ishe weɗu unotaurirei mashoko akaɗai — Haiȿa, ʋaranda ʋenyu haʋaŋgaiti cinhu cakaɗai. 8 Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomo dzeɗu takadzoka nayo kwamuri ticibva kunyika yeKanani; taigoɓa seiko sirveri kana ndarama mumba mashe wenyu? 9 Aninani waʋaranda ʋenyu unowanikwa anawo, ŋgaafe; nesu ticaʋa ʋasuŋgwa ʋashe weɗu. 10 Iye akati. Ndiɀo haɀo, ŋgaɀiʋe seɀamataura; iye unowanikwa anomukombe, ndiye ucaʋa musuŋgwa waŋgu; imi ʋamŋe hamuŋgaʋi nemhoȿa. 11 Ipapo ʋakakurumidza mumŋe nomumŋe kuɓurusira homo yake pasi, mumŋe nomumŋe akasunuŋgura homo yake. 12 Iye akatȿaka, akataŋga kumukuru, akaguma kumuɗuku; mukombe ukawanikwa muhomo yaBenjamini. 13 Ipapo ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, mumŋe nomumŋe akatakudza mboŋgoro yake, akadzokera kuguta. 14 Juda naʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakadzokera kuimba yaJosefa, iye aciri’mo, ʋakawira pasi pamberi pake. 15 Ɀino Josefa akati kwaʋari: Cinyiko ici camaita — Hamuziʋi kuti munhu wakaita seni unogona kushopera here? 16 Juda akati: Ko tiŋgaɗiniko kunashe waŋgu — Tiŋgataureiko — Tiŋgaɀipembedza sei — Mŋari wakawana kutadza kwaʋaranda ʋenyu; tarirai tiri ʋasuŋgwa ʋashe weɗu, isu naiye wakawanikwa anomukombe. 17 Iye akati: Haiȿa, handiŋgaiti saiɀoɀo; munhu uyo wakawanikwa anomukombe muruʋoko, ndiye ucaʋa musuŋgwa waŋgu; kana muri’mi, endai henyu norugare kunaɓaɓa ʋenyu. 18 Ipapo Juda akasweɗera kwaari, akati: Haiwa, ishe waŋgu, ɗotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeʋe dzashe waŋgu, kutsamŋa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imi makaenzana naFarao. 19 Ishe waŋgu wakabvunza ʋaranda ʋake, aciti: Munaɓaɓa here, kana munuŋuna? 20 Isu tikati kunashe weɗu: Tinaɓaɓa ʋaʋa mutana, ʋanomŋana woʋutana bgaʋo, uciri muɗuku hake; mukoma wake wakafa, iye wakasara ari oga, mŋana wamai ʋake, ɓaɓa ʋake ʋanomuɗa. 21 Imi mukati kuʋaranda ʋenyu: Ƃurukai naye kwandiri, ndimuʋone nameso aŋgu. 22 Isu tikati kunashe weɗu: Mukomana haaŋgasiyi ɓaɓa ʋake, nokuti kana akasiya ɓaɓa ʋake, ɓaɓa ʋake ʋaŋgafa. 23 Ɀino makati kuʋaranda ʋenyu: Kana munuŋuna wenyu worugotwe asiŋgaɓuruki nemi, hamuŋgaʋoni ɀe ciso caŋgu. 24 Ɀino takati takwira kumuranda wenyu, ɓaɓa ʋeɗu, tikaʋaʋudza mashoko ashe weɗu. 25 Ƃaba ʋeɗu ʋakati: Endai ɀe, mutiteŋgere ɀokudya ɀishomanene. 26 Isu tikati: Hatiŋgaɓuruki, kana munuŋuna weɗu asiŋgaɓuruki nesu; nokuti hatiŋgaʋoni ciso comurume uya, kana munuŋuna weɗu asi nesu. 27 Muranda wenyu, ɓaɓa ʋeɗu, ʋakati kwatiri: Munoziʋa kuti mukadzi waŋgu wakandiɓerekera ʋanakomana ʋaʋiri; 28 mumŋe wakabva kwandiri, ndikati: Ɀirokwaɀo wakabvamburwa; kubva musi iwoyo handina‐kuzomuʋona ɀe; 29 kana mukanditorera noyuyu ʋo, akawirwa nenjodzi, mucaɓurusira vudzi raŋgu jena kubgiro nokucema. 30 Naiɀoɀo, kana ɀino ndikandoȿika kumuranda wenyu, ɓaɓa ʋaŋgu, tisinaiye mukomana, mŋeya waʋo ɀawakaɓatanidzwa nomŋeya womukomana, 31 ʋacati kana ʋaciʋona kuti mukomana asinesu, ʋacafa; naiɀoɀo ʋaranda ʋenyu ʋacaɓurusira vudzi jena romuranda wenyu, ɓaɓa ʋeɗu, kubgiro nokucema. 32 Nokuti muranda wenyu wakaɀiita ruɓatso rwomukomana kunaɓaɓa ʋaŋgu, ndikati: Kana ndikasaʋuya naye kwamuri, ini ndicaʋa nemhoȿa kunaɓaɓa ʋaŋgu nokusiŋgaperi. 33 Naiɀoɀo ɀino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musuŋgwa washe waŋgu pacigaro comukomana, asi mukomana akwire hake naʋana ʋaɓaɓa ʋake. 34 Nokuti ndiŋgakwira seiko kunaɓaɓa ʋaŋgu, ndisinomukomana — Ndirege haŋgu kuʋona njodzi icawira ɓaɓa ʋaŋgu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society