Genesi 43 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino nzara yakaŋga iri huru munyika iyo. 2 Ɀino ʋakati ʋapedza ɀiyo, ɀaʋakaŋga ʋabva naɀo Egipita, ɓaɓa ʋaʋo ʋakati kwaʋari: Dzokai, endai ɀe mutiteŋgere ɀokudya ɀishoma. 3 Juda akataura naʋo, akati: Murume uya wakatinyeʋera kwaɀo, akati: Hamuŋgatoŋgoʋoni ciso caŋgu, kana munuŋuna wenyu asati anemi. 4 Kana mukatuma munuŋuna weɗu nesu, ticaɓuruka, kundoteŋga ɀokudya; 5 asi kana musiŋgamutumi, hatiŋgaɓuruki; nokuti murume uya wakati kwatiri: Hamuŋgaʋoni ciso caŋgu, kana munuŋuna wenyu asati anemi. 6 Israeri akati: Makandiitireiko ɀakaipa ɀakaɗai, ɀamakaʋudza murume uya kuti munomunuŋuna? 7 Iʋo ʋakati: Murume uya wakatibvunzisisa pamsoro peɗu, napamsoro pehama dzeɗu, akati: Ƃaɓa ʋenyu ʋapenyu here — Munomunuŋuna here — Tikamupindura namashoko awa; taigoziʋa here kuti ucati: Ƃurukai nomunuŋuna wenyu? 8 Ɀino Juda akati kunaIsraeri, ɓaɓa ʋake: Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, naʋanana ʋeɗu. 9 Ini ndicaʋa ruɓatso rwake; muŋgamureʋa paruʋoko rwaŋgu; kana ndikasaʋuya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndicaʋa nemhoȿa kwamuri nokusiŋgaperi. 10 Nokuti ɗai tisina‐kunonoka, ɀirokwaɀo, tiŋgaɗai tadzoka ɀino rwecipiri. 11 Ipapo Israeri, ɓaɓa ʋaʋo, akati kwaʋari: Kana ɀakaɗaro, itai cinhu ici: Torai micero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muɓuruke necipo kumunhu uyo, cebarsami shomanene, noʋuci ʋushomanene, neɀinonhuwira, nemura, nemicero yomuti wepistakio, namaamanda; 12 mutore mari yakapamhidzwa kaʋiri mumaʋoko enyu, neiya mari yakaŋga yadzoserwa mumiromo yehomo dzenyu, muende makaiɓata mumaʋoko enyu; ɀimŋe ʋakakaŋganisa. 13 Nomunuŋuna wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo; 14 Mŋari wamasimba ose ŋgaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunuŋgurirei mumŋe munuŋuna wenyu naBenjamini ʋo. Kana ndatorerwa ʋana ʋaŋgu, ndatorerwa haŋgu. 15 Ɀino ʋarume ʋakatora cipo ico, ʋakaɓata mumaʋoko aʋo mari yakapamhidzwa kaʋiri, naBenjamini, ʋakasimuka, ʋakaɓurukira Egipita, ʋakandomira pamberi paJosefa. 16 Ɀino Josefa wakati aciʋona Benjamini anaʋo, akati kumutariri weimba yake: Ʋuya naʋarume mumba, uɓaye, ugadzire; nokuti ʋarume aʋa ʋacadya neni masikati. 17 Murume uyo akaita seɀaakaʋudzwa naJosefa; murume uyo akaisa ʋarume aʋo mumba maJosefa. 18 Ʋarume ʋakatya, ɀaʋakaiswa mumba maJosefa, ʋakati: Tinoiswa’mo nokuɗa kwemari yakadzoserwa muhomo dzeɗu paŋguʋa yokutaŋga, kuti atȿake mhoȿa kwatiri, atiʋambe, nokutiita ʋaranda ʋake, acitora ʋo mboŋgoro dzeɗu. 19 Ipapo ʋakasweɗera kumutariri weimba yaJosefa, ʋakataura naye pamukoʋa weimba; 20 ʋakati: Haiwa, ishe weɗu, ɀirokwaɀo paŋguʋa yokutaŋga takaɓuruka kuzoteŋga ɀokudya; 21 tikati ticiȿika patakaʋata ʋusiku, tikasunuŋgura homo dzeɗu, ʋonei mari yomumŋe nomumŋe iri mumuromo wehomo yake, mari yeɗu yose seɀayakayerwa; ɀino tadzoka nayo pamaʋoko eɗu. 22 Ɀino taɓuruka tineimŋe mari ɀe mumaʋoko eɗu kuti titeŋge ɀokudya nayo; hatiziʋi kuti mari yeɗu yakaiswa muhomo dzeɗu nani. 23 Iye akati: Farai henyu, musatya; Mŋari wenyu, Mŋari waɓaɓa ʋenyu, wakakupai fuma muhomo dzenyu; mari yenyu yakaȿika kwandiri. Akaʋaɓuɗisira Simeoni. 24 Murume uyo akaisa ʋarume aʋo muimba yaJosefa, akaʋapa mvura, ʋakashambidza tsoka dzaʋo, akapa ʋo mboŋgoro dzaʋo ɀokudya. 25 Ʋakagadzira cipo kuȿikira kuʋuya kwaJosefa masikati, nokuti ʋakaŋga ʋanzwa kuti ʋacadya ɀokudya ipapo. 26 Josefa wakati aȿika kumba, ʋakapinda mumba necipo cakaŋga ciri mumaʋoko aʋo, ʋakakotamira pasi pamberi pake. 27 Iye akaʋabvunza mufaro waʋo, akati: Ƃaɓa ʋenyu ʋakafara here, uya mutana wamaireʋa — Ʋaciri ʋapenyu here? 28 Iʋo ʋakati: Muranda wenyu, ɓaɓa ʋeɗu, ʋakafara haʋo, ʋaciri ʋapenyu. Ʋakakotama, ʋakanamata. 29 Iye akasimudza meso ake, akaʋona Benjamini, munuŋuna wake, mŋanakomana wamai ʋake, akati: Ndiye here munuŋuna wenyu muɗuku, worugotwe, wamakandiʋudza — Akati: Mŋari ŋgaaʋe nenyasha newe, mŋana waŋgu. 30 Ɀino Josefa akakurumidza, nokuti mŋoyo wake wakacema munuŋuna wake, akatȿaka paaŋgacema; akapinda muimba yake yomukati, akacema’po. 31 Akazoshambidza ciso cake, akaɓuɗa ɀe, akaɀidzora, akati: Pakurai ɀokudya. 32 Ʋakamupakurira iye oga, naiʋo ʋoga, naʋaEgipita, ʋaisidya naye, ʋoga ʋo, nokuti ʋaEgipita haʋana‐kutenderwa kudya naʋaHeberu, nokuti ɀinonyaŋgadza kunaʋaEgipita. 33 Ʋakagara pamberi pake, weɗaŋgwe paʋuɗaŋgwe bgake, nomuɗuku kunaʋose paʋuɗuku bgake; ʋarume ʋakatarirana, ʋakashamiswa. 34 Akaʋagoʋera ɀokudya ɀakaŋga ɀiri pamberi pake, asi mugoʋe waBenjamini wakaenzana nowaʋashanu ʋaʋo. Ʋakanwa, ʋakafara naye. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society