Genesi 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kaini naAberi. Ʋana ʋaKaini. 1 Ɀino Adama wakaziʋa mukadzi wake Eva; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati: Ndawana munhu, ndiciɓatsirwa naJehova. 2 Akazopona ɀe munuŋuna wake Aberi. Aberi wakaŋga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakaŋga ari murimi wevu. 3 Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, Kaini akaʋuya neɀiɓereko ɀevu, ciʋe cipo kunaJehova. 4 NaAberi ʋo akaʋuya namakwaiana ake emhoŋgora namafuta awo. Jehova ndokugamucira Aberi necipiriso cake; 5 asi Kaini necipiriso cake haana‐kucigamucira. Ipapo Kaini akatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikawunyana. 6 Ipapo Jehova akati kunaKaini: Watsamŋireiko? Ciso cako cakawunyana nei? 7 Kana ukaita ɀakanaka, hauŋgafari here paciso cako? Kana usiŋgaiti ɀakanaka, ɀiʋi ɀinokuʋandira pamukoʋa; ɀicakutȿaka, asi iwe unofanira kuɀikunda. 8 Ɀino Kaini wakataurirana nomunuŋuna wake Aberi; ʋakati ʋari kusaŋgo, Kaini ndokumukira Aberi munuŋuna wake, akamuʋuraya. 9 Ipapo Jehova akati kunaKaini. Uripiko Aberi, munuŋuna wako? Iye akati: Handiziʋi; ndini mufudzi womunuŋuna waŋgu kanhi? 10 Akati: Waiteiko? Inzwi reropa romunuŋuna wako rinoɗanidzira kwandiri panyika. 11 Ɀino watukwa, wadziŋgwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamucira ropa romunuŋuna wako paruʋoko rwako; 12 kana ucirima ivu, hariŋgakupi simba raro; ucaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika. 13 Ipapo Kaini akati kunaJehova: Kurobga kwaŋgu kukuru, handiŋgakutakuri. 14 Tarirai, mandidziŋga nhasi panyika ino; ndicaʋanda pamberi penyu; ndicaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika; aninani unondiwana ucandiʋuraya. 15 Jehova akati kwaari: Naiɀoɀo aninani unoʋuraya Kaini ucatsibga kanomŋe. Jehova ndokuisira Kaini ciratidzo, kuti munhu unozomuwana arege kumuʋuraya. 16 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehova, akandogara panyika yeNodi, kumabvazuʋa kweEdeni. 17 Kaini akaziʋa mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akaʋaka guta, akatumidza guta zita romŋanakomana wake Enoki. 18 Enoki akaɓerekerwa Iradi; Iradi akaɓereka Mehujaeri; Mehujaeri akaɓereka Metushaeri; Metushaeri akaɓereka Rameki; 19 Rameki akawana ʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Ada, zita romumŋe rainzi Zira. 20 Ada akapona Jabari; iye waiʋa ɓaɓa ʋaʋanhu ʋanogara mumatente ʋaneɀipfuwo. 21 Zita romunuŋuna wake raiʋa Jubari; iye waiʋa ɓaɓa ʋaʋose ʋanoridza mbira nenyere. 22 Zira wakapona Tubarikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira neɗare; hanɀadzi yaTubarikaini waiʋa Naama. 23 Rameki akati kuʋakadzi ʋake: Ada naZira, inzwai inzwi raŋgu; Imi ʋakadzi ʋaRameki, tererai ɀandinotaura; Nokuti ndinoʋuraya munhu unondikuʋadza, Nejaya rinondipxanya; 24 Kana Kaini acatsibga kanomŋe, Ɀirokwaɀo Rameki kanamakumi manomŋe nenomŋe. 25 Adama akaziʋa ɀe mukadzi wake; akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mŋari wandipa mumŋe mŋana pacigaro caAberi, ɀaakaʋurawa naKaini. 26 NaSeti wakaɓerekerwa mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Neŋguʋa iyo ʋanhu ʋakataŋga kuɗana zita raJehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society