Genesi 39 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Josefa nomukadzi waPotifari. 1 Josefa wakaŋga aɓurusirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mukuru waʋarindi, muEgipita, akamuteŋga pamaʋoko aʋaIshmaeri, ʋakaŋga ʋamuɓurusira Egipita. 2 Jehova ɀino wakaŋga anaJosefa, akaramba acikwirira; akagara mumba matenzi wake, muEgipita. 3 Tenzi wake akaʋona kuti Jehova unaye, ʋuye kuti Jehova wakafambisa ɀakanaka ɀose ɀaaiita namaʋoko ake. 4 Josefa akawana nyasha kwaari, akamuɓatira; iye akamuita mutariri weimba yake; ɀose ɀaakaŋga anaɀo akaɀiisa pamaʋoko ake. 5 Ɀino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowaɀose ɀaakaŋga anaɀo, Jehova akaropafadza imba yomuEgipita nokuɗa kwaJosefa; kuropafadza kwaJehova kwakaŋga kuri pamsoro peɀose ɀaakaŋga anaɀo mumba nokumunda. 6 Waisiya ɀose ɀaakaŋga anaɀo pamaʋoko aJosefa; iye anaye, haazairaŋgarira cinhu, asi ɀokudya ɀake ɀoga ɀaaidya. Ɀino Josefa wakaŋga anomuʋiri wakanaka, akanaka ʋo paciso. 7 Ɀino shure kwaiɀoɀo mukadzi watenzi wake wakatarira Josefa, akati: Ʋata neni. 8 Asi iye wakaramba, akati kumukadzi watenzi wake: Tarirai, nokuɗa kwaŋgu tenzi waŋgu haaraŋgariri ɀiri mumba, asi wakaisa ɀose ɀaanaɀo pamaʋoko aŋgu; 9 hakunomukuru kwandiri paimba ino; haana‐kundidziʋisa cinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; ɀino ndiŋgaita seiko cinhu ici cakaipa ɀikuru nditadzire Mŋari? 10 Ɀino wakati ataura naJosefa mazuʋa ose, iye asiŋgamutereri kuti aʋate naye, kana kuʋa naye, 11 neŋguʋa iyo akapinda mumba kuti aɓate‐ɓasa rake; makaŋga musinaʋamŋe ʋarume ʋeimba imomo. 12 Ipapo akamuɓata ŋguʋo yake, akati: Ʋata neni; iye akasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, akatiza, akaɓuɗa panze. 13 Ɀino wakati aciʋona kuti wasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, atiza, aenda, 14 akaɗana ʋarume ʋeimba yake, akataura naʋo, akati: Tarirai, iye wakaʋuyisa muHeberu pakati peɗu kuti atiɗaɗire; wakapinda kwandiri, kuti aʋate neni, ndikaridza mhere nenzwi guru. 15 Ɀino wakati acinzwa kuti ndinoɗanidzirisa ndiciridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatiza, akaɓuɗa panze. 16 Akaceŋgeta ŋguʋo yake kuȿikira tenzi wake acipinda mumba. 17 Akataura kwaari mashoko iwayo akati: Muranda muHeberu wawakaisa pakati peɗu, wakaʋuya kwandiri kuti andiɗaɗire. 18 Ndikaɗanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatizira panze. 19 Tenzi wake wakati acinzwa mashoko aakaʋudzwa nomukadzi wake, aciti: Ndiɀo ɀandakaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka. 20 Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutoroŋgo, paisuŋgwa ʋasuŋgwa ʋamambo; akaʋa mutoroŋgo. 21 Asi Jehova wakaʋa naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ŋgoni nomutariri wetoroŋgo. 22 Mutariri wetoroŋgo akapa mumaʋoko aJosefa ʋasuŋgwa ʋose ʋakaŋga ʋari mutoroŋgo; iye wakaŋga ari muiti weɀose ɀaiitwa’mo. 23 Mutariri wetoroŋgo wakaŋga asinehanya necinhu cakaŋga ciri pamaʋoko ake, nokuti Jehova wakaŋga anaye; ɀose ɀaaiita, Jehova wakaɀiruramisa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society