Online Bible

- Reklamy -

Genesi 38 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Juda naTamari.

1 Neŋguʋa iyo Juda wakabva kuʋana ʋaɓaɓa ʋake, akaɓuruka, akatsaukira kunomumŋe murume muAdurami, wainzi Hira.

2 Juda akaʋona’po mukunda womumŋe munhu muKanani, wainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.

3 Iye akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri.

4 Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani.

5 Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye wakaŋga ari paKezibi mukadzi wake acimuɓereka.

6 Ɀino Juda wakatorera ɗaŋgwe rake Eri mukadzi wainzi Tamari.

7 Asi Eri, ɗaŋgwe raJuda, wakaŋga ari munhu wakaipa pamberi paJehova; Jehova akamuʋuraya.

8 Ɀino Juda akati kunaOnani: Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire ɀakafanira munuŋuna womurume, umutsire mukoma wako ʋana.

9 Ɀino Onani wakaziʋa kuti ʋana aʋo haʋaŋgaʋi ʋake; naiɀoɀo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, worashira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake ʋana.

10 Cinhu ici caakaita cakaŋga cakaipa pamberi paJehova; akamuʋuraya naiye ʋo.

11 Ipapo Juda akati kunaTamari, mukadzi womŋana wake: Cigara hako uri cirikadzi paimba yaɓaɓa ʋako, kuȿikira Shera, mŋanakomana waŋgu, akura; nokuti wakati: Ɀimŋe uŋgafa saʋakoma ʋake. Tamari akandogara kumba kwaɓaɓa ʋake.

12 Mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, mukunda waShua, mukadzi waJuda, akafa; ɀino Juda wakati anyaradzwa, akakwira kuʋaʋeʋuri ʋamakwai ake paTimna, iye naHira, shamŋari yake muAdurami.

13 Tamari akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarira ɓaɓa ʋomurume wako ʋanokwira Timna kundoʋeʋura makwai aʋo;

14 ipapo iye akabvisa ŋguʋo dzoʋucirikadzi bgake, akaɀifukidza necokufukidzira cake, akaɀiputira, akagara pasuʋo reEnaimi, guta riri panzira inoenda Timna; nokuti wakaŋga aʋona kuti Shera wakura, akasamupiwa iye kuti aʋe mukadzi wake.

15 Ɀino Juda wakati acimuʋona, akati cifeʋe, nokuti wakaŋga afukidza ciso cake.

16 Akatsaukira kwaari panzira, akati: Ƌoʋuya, ndipinde kwauri; nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi, kuti mukadzi womŋanakomana wake. Iye akati: Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?

17 Akati: Ndicakutumira mbudzana inobva kuɀipfuwo ɀaŋgu. Akati: Ucandipa ruɓatso kuȿikira waituma here?

18 Akati: Ndicagokupa ruɓatso rweiko — Iye akati: Cimhete cako, norwonzi rwako, netȿimbo yako iri paruʋoko rwako. Akamupa iɀoɀo, akapinda kwaari, akaʋa nemimba naye.

19 Akasimuka, akaenda, akabvisa cokufukidzira cake, akafuka ŋguʋo dzoʋucirikadzi bgake.

20 Ɀino Juda akatuma mbudzana noruʋoko rweshamŋari yake, muAdurami, kuti atore ruɓatso paruʋoko rwomukadzi, asi haana‐kumuwana

21 Akabvunza ʋanhu ʋokwake, aciti: Ciripiko cifeʋe ciya, cakaŋga ciri paEnaimi panzira — Ʋakati: Kwakaŋga kusinecifeʋe pano.

22 Akadzokera kunaJuda, akati: Handina‐kumuwana; naʋanhu ʋoko ʋakati: Kwakaŋga kusinecifeʋe pano.

23 Ipapo Juda akati: Ŋgaaɀitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira, ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana.

24 Ɀino mŋedzi ineŋge mitatu yakati yapfuʋura, Juda akaʋudzwa, ɀicinzi: Tamari, mukadzi womŋanakomana wako, wakaita ʋupombge; waʋa nemimba noʋupombge bgake. Juda akati: Ʋuyai naye, apiswe.

25 Ɀino ʋakati ʋaciʋuya naye, akatuma shoko kunaɓaɓa ʋomurume wake, aciti: Ndinemimba nomurume unenhumbi idzi; akati: Ƌocerekedzai kuti iɀi ndeɀani, ɀinoti, cimhete, norwonzi, netȿimbo.

26 Juda akaɀiziʋa, akati: Iye wakarurama kukunde’ni, nokuti handina‐kumupa Shera, mŋanakomana waŋgu. Haana‐kuzomuziʋa ɀe.

27 Ɀino neŋguʋa yokuɓereka kwake ʋana ʋaʋiri ʋakaŋga ʋari muɗumbu rake.

28 Ɀino wakati aciɓereka, mumŋe akaɓuɗisa ruʋoko; ipapo mbuya ʋakatora rwonzi rutȿuku, ʋakarusuŋgira paruʋoko rwake, ʋaciti: Uyu wataŋga kuɓuɗa.

29 Ɀino uyu wakati adzosera ruʋoko rwake, munuŋuna wake akaɓuɗa; iʋo ʋakati: Waɀipasanurira seiko — Naiɀoɀo akamutumidza zita rinonzi Perezi.

30 Pashure mukoma wake akaɓuɗa, wakaŋga anorwonzi rutȿuku paruʋoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy